bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Song of Solomon 6
Song of Solomon 6
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 7 →
1
Ko mudiwa wako aendepi, nhai iwe nyakururamisisa pavakadzi vose, mudiwa wako atsaukira kupi? Kuti timutsvake pamwechete newe.
2
Mudiwa wangu aenda kubindu rake kumihomba yetwokubikisa tunonhuwirira. Kundofudzira hwai dzake mumapindu uye kundotanha maruva amariri.
3
Mudiwa wangu ndewangu ini ndiri wake anofudzira zvipfuwo zvake mumaruva amariri.
4
Mudiwa wangu wakarurama seguta reTiriza uye unoyevedza seJerusaremu, achityisawo sehondo ine mireza.
5
Bvisa maziso ako kwandiri, anondidzimaidza kuona, iro vhudzi rako, ungati idanga rembudzi dziri kuita murikitira pamateru eGireadhi.
6
Iwo mazino ako ungati idanga zvaro rehwai hadzi rabuda madzinoshambidzwa dzose dzine mapatya pasina kana yakasvodza.
7
Matama ako, ungati muchero wamapomegiraniti akachekwa napakati muvhoiri mako imomo.
8
Kungave zvako namakumi matanhatu emadzimambokadzi kana makumi masere avarongo uye vashandikadzi vasingaverengeki.
9
Asi njiva yangu, nyakururamisisa mumwechete mwana wapamwoyo waamai vake anodiwa zvikuru nomubereki wake. Vashandikadzi vakamuona vakamuti, “Zvako wakakomborerwa,” kunyange madzimambokadzi navarongo vakamuona vakamurumbidza.
10
Vakati, “Ndiani uyu akaita samambakwedza akarurama somwedzi, anopenya kunge zuva, anotyisa sehondo ine mireza.”
11
Ndaenda kumunda wenzungu kundoona maruva omubani, kundoona kuti migirepisi yatunga here uye kuti mipomegiraniti yava namaruva here.
12
Handina kutomboziva kuti musikana wangu akanga atondiita jinda pakati pavanhu.
13
Dzoka, dzoka iwe muShurami, dzoka dzoka tikuyeve. Munodirei kuyeva musikana wokuShurami achitamba pakati pomutsetse wavanotamba.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8