bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Song of Solomon 4
Song of Solomon 4
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 5 →
1
Hakusi kunaka ikoko, chido chemwoyo wangu, hakusi kunaka kwawakaita! Iwo maziso ako aya, ungati injiva chokwadi muvhoiri mako imomo. Iro vhudzi rako ungati idanga rembudzi dziri kuita murikitira pamateru eGireadhi.
2
Iwo mazino acho, ungati idanga zvaro rehwai dzavakuda kuveurwa padzinobuda madzinoshambidzwa. Dzose dziina mapatya pasina kana yakasvodza.
3
Iyo miromo yako iyi, kuita setambo tsvuku chaiyo. Muromo wako wakazonaka! Ndoda katauriro kako! Hakusi kutapira mhani ikoko. Matama ako ungati muchero wamapomegiraniti wakachekwa nepakati muvhoiri mako imomo.
4
Mutsipa wako heyo shongwe zvayo yaDhavhidhi yakavakwa senhurikidzwa pakarembera churu chenhoo. Dzose dziri nhoo dzamagamba ehondo.
5
Iwo mazamu ako ari maviri, ungati zvimhuru zviviri zvemhara, mapatya chaiwo emhara dziri kufura zvadzo mukati mamaruva amariri.
6
Kwofefetera kusvikira rungwanani rima raenda, ndichazvitututsa kumakomo emura uye kugomo rorusenzi.
7
Wakazonaka ufunge, chido chemwoyo wangu, hauna kana kan'an'a zvako.
8
Ngatichibva kuno kuRebhanoni, mwenga wangu ngatichibvai kuno kuRebhanoni, Tiza panhongonya yegomo reAmana ubve pamusoro pemakomo eSeniri neHerimoni ubve mumapako eshumba nomumakomo embada.
9
Wanditora mwoyo mwana wamai, mwenga wangu. Wanditora mwoyo nokungonditi tarise kwawaita uye nechishongo chako chimwechete chomuhuro.
10
Hakusi kunaka kwakaita rudo rwako, mwana wamai, iwe mwenga wangu. Rudo rwako kana waini inosara pasi. Twokubikisa tunonhuwirira twuya pamafuta ako anonhuwirira hatupasviki.
11
Mumiromo mako munobuda usvisvi hunotapira, mwana wamai pasi porurimi rwako mukaka oga nouchi. Kunhuwirira kwehembe dzako ungati kunhuhwirira kweRebhanoni.
12
Hanzvadzi yangu, iye mwenga wangu uyu ibindu rakakiiwa, kasipiti zvako kakanamirwa
13
mabukira ako munda chaiwo wamapomegiraniti une michero yakanakisisa yeHena ine Nadhi.
14
Ine Nadhi neSafuroni neKaramusi nechinamoni nemiti yose yorusenzi nemura negavakava uyewo tunonhuwirira twukuru-twukuru.
15
Mune Kasipiti kebindu, tsime remvura mhenyu netukova tunoyerera tuchibva kuRebhanoni.
16
Iwe mhepo yokuchamhembe muka, uya iwe mhepo yokuMaodzanyemba; vhuvhuta pabindu rangu. Kunhuwira kwaro kupeperetsere kose kose. Mudiwa wangu ngaauye kubindu rake adye michero yaro yakanakisisa.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8