bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Song of Solomon 2
Song of Solomon 2
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 3 →
1
Ini ndiri ruva romurosi wekuSharoni ruva reriri zvaro romumapani.
2
Seruva reriri mukati merukato ndizvo zvakaita chido chemwoyo wangu pakati pevasikana.
3
Somuti wemuapuru mukati mesango, ndozvakaita mudiwa wangu mukati memajaya. Muti wandakagara mumumvuri wawo norufaro une michero yawo inondinakira.
4
Akaenda neni kumabiko ewaini. Rudo ndorwaiva pamusoro, somureza.
5
Dai ukangondidzorawo mwoyo nemichero yemagirepisi akaomeswa undimutse mwoyo nemaapuru nokuti ini ndashaya pokuisa mwoyo ini norudo!
6
Dai ruoko rwake rweruboshe ruri pasi pemusoro wangu rudyi rwake rwakandigumbatira.
7
Ndinokukomeresai imi vanasikana veJerusaremu mupike nemhara nemhene dzesango kuti hamutirimutsi kana kumutsa havi dzorudo nguva yacho isati yasvika.
8
Ndiri kunzwa mutsindo womudiwa wangu, hoyo wouya, achiuruka mumakomo.
9
Achisvetuka zvikomo mudiwa wangu akaita semhara kana kuti setsvana yemhene. Hoyo wamira zvino seri kwemadziro edu achidongorera napawindo achitarisa nepawaya yesefa.
10
Mudiwa wangu hoyo wotaura achinditi: “Simuka chido chemwoyo wangu iwe tsvarakadenga yangu uuye.”
11
Nguva yechando yapfuura mvura yokunaya yapera, uye yaenda.
12
Maruva abuda panyika nguva yokuimba yasvika kurira kwenjiva kwava kunzwika munyika medu.
13
Muonde wavakubereka maonde, migirepisi yava namaruva ari kunhuwirira. Simuka chido chemwoyo wangu uya zvako tsvarakadenga yangu.
14
Iwe njiva yangu iri mumikaha yamabwe nemakavandika muzvikomo. Rega ndione zvangu uso hwako, ndinzwe hangu izwi rako nokuti izwi rako rakanakisa uye uso hwako hunoyevedza.
15
Tibatirei makava, tukava tudiki turi kukanganisa minda yedu yamagirepisi, nokuti minda yedu yamagirepisi yava namaruva.
16
Mudiwa wangu ndewangu, ini ndiri wake, anofudzira zvipfuwo zvake mukati memaruva amariri.
17
Kusvikira rungwanani kwofefetera; rima roenda udzoke mudiwa wangu, uite semhara pamakomo eBheta.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8