bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Song of Solomon 7
Song of Solomon 7
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 8 →
1
Kunaka here ikoko kwakaita tsoka dzako dziri mushangu; mwanasikana wejinda chaiye, izvo zvidya zvako kuurungana kwazvo, ungati zvishongo zvebasa remhizha.
2
Guvhu rako, mukombe wakafuturwa, waini haishaikwi mariri. Iro dumbu rako hausi murwi zvawo here wekoroni, wakatenderedzwa namaruva amariri!
3
Iwo mazamu ako ari maviri, ungati zvimhuru zviviri zvemhara, mapatya chaiwo emhara.
4
Mutsipawo uyu unenge shongwe zvayo yenyanga dzenzou, maziso acho ungati madziva emvura okuHeshobhoni ari pedyo nesuo guru reBhatirabhimu. Mhuno yako ungati ishongwe yokuRebhanoni yakatarisana neDhamasikusi.
5
Musoro wako unouti twi segomo reKameri. Bvudzi racho kusvibira kwazvo sohute; mambo chaiye anoti tarazaza kukanhamiswa netsama dzevhudzi rako.
6
Hakusi kunaka ikoko kwawakaita chido chemwoyo wangu, iwe unofadza.
7
Iwe wakanyatsoti twi somuti womurara mazamu ako ari iwo zvisumbu zvawo.
8
Ndakati regai ndikwire muti womurara ndibatirire pamapazi awo. Dai mazamu ako aya, kwandiri aita sezvisumbu zvamagirepisi; kunhuwirira kwefemo rako, kuite samaapuru.
9
Uye kutsvoda kwako kuite sewaini yakanakisisa inonyatsodzika iwe, ichiyerera zvayo pamusoro pemiromo namazino.
10
Ini ndiri womudiwa wangu chaanoda chaicho ndini.
11
Uya hako mudiwa wangu, handei kuminda tindogara hedu kumamisha.
12
Ngatifumirei kumunda wamagirepisi tindoona kuti migirepisi yakatungira here uye kuti maruva emugirepisi azaruka here uyezve kuti mipomegiraniti yava namaruva here. Ikoko ndichakuitira zvorudo.
13
Mamandirekisi ava kuburitsa kunhuwirira kwawo, pamisuo yedu inongova michero yoga, yakanakisisa yorudzi norudzi mitsva nemitsaru yandakuwarikira zvako, iwe wangu wapamwoyo.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8