bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Song of Solomon 3
Song of Solomon 3
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 4 →
1
Usiku ndiri pauriri hwangu pfungwa dzangu dzaiva kumudiwa wangu ndaingomutsvaka asi handina kumuona, ndakamudaidza asi haana kudavira.
2
Ndakati regai ndisimuke ndimutsvake muguta iye wangu wapamwoyo mumigwagwa nemumisika ndakamutsvaka asi handina kumuwana.
3
Vachengetedzi veguta vakandiona pavaingunofamba neguta ndakavati, “Mamboonawo here mudiwa wangu?”
4
Ndakangovati pfuurei ndokubva ndamuwana wandinoda. Ndakabva ndamuti mbunde ndisingade kuti aende kusvikira ndaenda naye kumba kwaamai vangu, mumba mewakandibereka wacho.
5
Ndinokukomeresai imi vanasikana veJerusaremu mupike nemhara nemhene dzesango kuti hamutirimutsi kana kumutsa havi dzorudo nguva yacho isati yasvika.
6
Ko chiiko icho chiri kubva nokurenje chakaita seshongwe youtsi chinonhuwirira serusenzi nemura netunonhuwira twose twavashambadzi?
7
Inga chigaro chaSoromoni wani akakombwa namakumi matanhatu emagamba pamagamba okwaIsiraeri.
8
Vose vakapakata mapakatwa avo dziri nyanzvi dzokurwa hondo. Vose vakanga vakagadzirira kwazvo, munhu nebakatwa rake parutivi kuti chauya chauya usiku.
9
Mambo Soromoni akazvigadzirira chigaro nemiti yokuRebhanoni.
10
Mapango acho okumisa aiva esirivha, katenga kacho kari kendarama, chigaro chacho chiri cheruvara rwehute mukati macho makanga makanyatsogadzirwa kwazvo navakadzi veJerusaremu.
11
Budai vanasikana vemuZioni muone zvenyu Mambo Soromoni, mumusoro akaiti dzi ngundu youshe, ndaza yaakagadzwa nayo naamai vake pazuva romuchato wake, pazuva romwoyo wake, zuva rerufaro.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8