bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Deuteronomy 1
Deuteronomy 1
Shona SUB 2002 Bible
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 2 →
1
Ndiwo mashoko akataurwa naMosesi kuVaIsiraeri vose mhiri kwaJodhani murenje, muMupata wakatarisana neSufi, pakati peParani, neTofera, neRabhani, neHazeroti, neDhizahabhi.
2
Kubva paHorebhu, nenzira yokugomo reSeiri, kusvika paKadheshi–bhania, munhu anofamba mazuva ane gumi nerimwe.
3
Zvino pagore ramakumi mana, pamwedzi wegumi nomumwe, nezuva rokutanga romwedzi, Mosesi wakaudza vana VaIsiraeri zvose zvavakarairwa naJehovha naye;
4
akati akunda Sihoni, mambo waVaAmori, akanga agere Heshibhoni, naOgi, mambo weBhashani, akanga agere Ashitaroti, paEdhirei,
5
Mosesi akatanga kududzira murairo uyu vari mhiri kwaJodhani, panyika yokwaMoabhu akati,
6
“Jehovha Mwari wedu akataura nesu paHorebhu, akati, ‘Makagara nguva yakaringana pagomo iri.
7
Dzokai, mufambe, muende kumakomo aVaAmori nokunzvimbo dzose dziri pedyo nawo, kuMupata, nokumakomo, nokumapani, nokurutivi rwezasi, nokumhenderekedzo dzegungwa, okunyika yaVaKenani, nokuRebhanoni, kusvikira kurwizi rukuru, rwizi Yufuretesi.
8
Tarirai, ndakaisa nyika pamberi penyu; pindai, mutore nyika yakapikirwa madzibaba enyu naJehovha, kuna Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, kuti vachaipiwa ivo navana vavo vanovatevera.’
9
“Nguva iyo ndakataura nemi, ndikati, ‘Handigoni kukutakurai ndiri ndoga;
10
Jehovha Mwari wenyu wakakuwanzai; tarirai, nhasi mava senyenyedzi dzokudenga pakuwanda kwenyu.
11
Jehovha Mwari wamadzibaba enyu ngaakuwedzerei rune chiuru chamazana pamakasvika zvino, amuropafadze sezvaakakupikirai.
12
Ini ndoga ndingatakura seiko kurema kwenyu, nomutoro wenyu, nokurwa kwenyu?
13
Muzvitsaurirei varume vakachenjera, vakangwara, vanozikanwa, kumarudzi enyu, ndivaite vakuru venyu.’
14
Mukandipindura, mukati, ‘Chinhu icho chamataura chakanaka kuti tichiite.’
15
Ipapo ndakatora vakuru vamarudzi enyu, varume vakanga vakachenjera, vakanga vachizikanwa, ndikavaita vakuru venyu, vave vakuru vezviuru, navakuru vamazana, navakuru vamakumi mashanu, navakuru vevane gumi, navatariri kumarudzi enyu.
16
“Nenguva iyo ndikaraira vatongi venyu, ndikati, ‘Teererai mhosva dziri pakati pehama dzenyu, mururamisire pakati pomunhu nehama yake, nomutorwa ugere naye.
17
Musatsaura vanhu pakutonga kwenyu; munofanira kuteerera muduku nomukuru nomutoo mumwe; musatya munhu; nokuti kutonga ndokwa Mwari; asi kana kune mhaka yamusingagoni, muuye nayo kwandiri kuti ndiinzwe.’
18
Nenguva iyo ndakakurairai zvose zvamunofanira kuita.
19
“Zvino takasimuka paHorebhu, tikafamba murenje iro rose guru rinotyisa, ramakaona panzira yokumakomo aVaAmori, sezvatakarairwa naJehovha Mwari wedu; tikasvika paKadheshi–bhania.
20
Ndikati kwamuri, ‘Masvika panyika yamakomo yaVaAmori, yatinopiwa naJehovha Mwari wedu.
21
Tarirai, Jehovha, Mwari wenyu wakaisa nyika iyo pamberi penyu; kwirai, muitore, sezvamakaudzwa naJehovha Mwari wamadzibaba enyu; musatya kana kuvhunduka.’
22
“Ipapo imi makaswedera mose kwandiri, mukati, ‘Ngatitume varume vatitungamirire, vatishorere nyika, vagouya kuzotiudza nzira yatinofanira kukwira nayo, namaguta atichandosvika kwaari.’
23
“Shoko iro rakandifadza; ndikatsaura varume vane gumi navaviri pakati penyu, murume mumwe kurudzi rumwe norumwe.
24
Ivo vakaenda vakakwira mugomo, vakasvika mumupata weEshikori, vakaishora.
25
Vakatora mimwe michero yenyika mumaoko avo, vakaburukira kwatiri nayo, vakadzoka neshoko kwatiri, vakati, ‘Inyika yakanaka, yatinopiwa naJehovha Mwari wedu.’
26
“Asi makaramba kukwira, mukamukira kuraira kwaJehovha Mwari wenyu;
27
mukanyunyuta mumatende enyu, mukati, ‘Jehovha wakativenga, saka wakatibudisa munyika yeIjipiti, kuti atiise mumaoko aVaAmori, kuti atiparadze.
28
Zvino tichaendepiko? Hama dzedu dzanyawusa mwoyo yedu,’ dzichiti, ‘Vanhu avo vanotikunda nokukura nokureba; maguta makuru, akakombwa namasvingo anosvika kudenga; uye, takaonako vana vaAnaki.’
29
“Ipapo ini ndakati kwamuri, ‘Musavhunduka henyu, kana kuvatya.
30
Jehovha Mwari wenyu unokutungamirirai, iye uchakurwirai, sezvaakakuitirai zvose paIjipiti pamberi penyu,
31
nomurenje pamakaona muberekero wamakaberekwa nawo naJehovha Mwari wenyu, somunhu unobereka mwana wake; panzira dzenyu dzose dzamakafamba nadzo, kudzimara muchisvika panzvimbo iyi.’
32
Asi pachinhu ichi hamuna kutenda Jehovha Mwari wenyu;
33
iye wakakutungamirirai panzira, kuti akutsvakirei pamungadzika matende enyu, nomoto usiku, kuti akuratidzei nzira yamunofanira kufamba nayo, uye negore masikati.
34
“Zvino Jehovha akanzwa izwi ramashoko enyu, akatsamwa, akapika, achiti,
35
‘Zvirokwazvo, hakungavi nomumwe wavanhu ava, vorudzi urwu rwakaipa, uchaona nyika yakanaka, yandakapika ndichiti ndichaipa madzibaba enyu,
36
asi Karebhu, mwanakomana waJefune, ndiye uchaiona; ndichamupa iye navana vake nyika yaakatsika, nokuti iye wakatevera Jehovha nomwoyo wose.’
37
Jehovha akanditsamwira neniwo nokuda kwenyu akati, ‘Newewo haungapindi ikoko.
38
“‘Joshua mwanakomana waNuni, umire pamberi pako, ndiye uchapinda ikoko; umusimbise, nokuti ndiye uchagarisa VaIsiraeri nhaka yavo.’
39
“Vana venyu vaduku, vamakati vachatapwa, navana venyu vasingazivi nhasi zvakanaka nezvakaipa, ndivo vachapinda ikoko; ndichavapa iyo, ive yavo.
40
Asi kana murimi, dzokai mufambe murenje nenzira yokuGungwa Dzvuku.
41
Zvino imi mukapindura, mukati kwandiri, ‘Takatadzira Jehovha, tichakwira hedu tindorwa, zvose sezvatakarairwa naJehovha Mwari wedu.’ Mukashonga mumwe nomumwe nhumbi dzake dzokurwa nadzo, mukada kukwira mugomo.
42
“Zvino Jehovha akati kwandiri, ‘Uti kwavari: Musakwira kana kurwa, nokuti ini handizi pakati penyu; kuti murege kukundwa pamberi pavavengi venyu.’
43
Naizvozvo ndakataura nemi, asi makaramba kunditeerera; asi makamukira murairo waJehovha, mukaita manyawi, mukakwira mugomo.
44
Zvino VaAmori vakanga vagere mugomo iro, vakabuda kuzorwa nemi, vakakudzingai, sezvinoita nyuchi, vakakuparadzai kusvikira paHoma.
45
Ipapo makadzoka, mukachema pamberi paJehovha, asi Jehovha haana kuteerera izwi renyu, kana kurerekera nzeve dzake.
46
Naizvozvo makagara paKadheshi mazuva mazhinji, nguva yamakagarapo.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34