bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Deuteronomy 32
Deuteronomy 32
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 31
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 33 →
1
Inzwa iwe denga, ndichataura; Nenyika ngainzwe mashoko omuromo wangu;
2
Kudzidzisa kwangu kuchadonha semvura, Kutaura kwangu kuchayerera sedova, Seguti pabumhudza nyoro, Sokupfunha kwemvura pauswa;
3
Nokuti ndichaparidza zita raJehovha; Rumbidzai ukuru hwaMwari wedu.
4
Iye ndiro dombo, basa rake rakakwana; Nokuti nzira dzake dzose dzakarurama. Ndiye Mwari akatendeka, usinganyengeri, Wakarurama, ndewezvokwadi.
5
Vakamuitira zvakashata, havazi vana vake, ndiko kuremara kwavo; Ivo rudzi rwakatsauka, rwakakombama.
6
Munoripira Jehovha saizvozvo here, Nhai, imi mapenzi asina kungwara? Ko haazi baba vako vakakubereka here? Ndiye wakakuita, nokukusimbisa.
7
Rangarira mazuva ekare, Funga makore amarudzi mazhinji; Bvunza baba vako, ndivo vachakuratidza; Navatana vako, ndivo vachakuudza.
8
Wokudenga–denga nguva yaakapa ndudzi nhaka yadzo, Nguva yaakaparadzanisa vana vavanhu, Wakatema miganhu yendudzi Achirangarira kuwanda kwavana VaIsiraeri.
9
Nokuti mugove waJehovha ndivo vanhu vake; Jakobho ndiyo nhaka yake yakayerwa.
10
Wakamuwana munyika yesango, Murenje risina chinhu, rinotyisa; Wakamukomberedza, nokumutarira, Nokumuchengeta semboni yeziso rake;
11
Segondo rinomutsa vana varo, Richiengerera pamusoro pavana varo, Richitambanudza mapapiro aro, richivagamuchira, Richivabereka pamapapiro aro;
12
Saizvozvo Jehovha, iye oga, wakamutungamirira, Kwakanga kusina mwari wokumwe kwaari.
13
Wakamutasvisa panzvimbo dzakakwirira dzenyika, Wakadya michero yeminda; Wakamusvutidza uchi hunobva padombo, Namafuta anobva padombo romusarasara,
14
Nomukaka wakafa wemhou, nomukaka wamakwai, Pamwechete namafuta amakwayana, Namakondohwe orudzi rwapaBhashani, nembudzi, Namafuta etsvo dzekoroni; Iwe wakanwa waini yeropa ramazambiringa.
15
Asi Jeshuruni wakazokora, ndokupfura, Iwe wakakora, wakava mukobvu, ukava namafuta, Zvino iye akarasha Mwari akamuita, Akazvidza dombo rakamuchengeta.
16
Vakamugodoresa navamwari vokumwe, Vakamutsamwisa nezvinonyangadza;
17
Vakabayira mweya yakaipa, yakanga isi Mwari, Vatsva vakanga vachangomuka, Zvakanga zvisingatyiwi namadzibaba enyu.
18
Dombo, rakakubereka, haurirangariri, Wakakanganwa Mwari akakupona.
19
Jehovha akazviona, akavarasha, Nokuti wakatsamwiswa navanakomana vake navanasikana vake.
20
Akati, “Ndichavavanzira chiso changu, Ndinoda kuona kuguma kwavo, kuti kwakadiniko; Nokuti ivo rudzi rwakatsauka kwazvo. Vana vasina kutendeka chose.
21
Vakamutsa godo rangu nechinhu chisati chiri Mwari; Vakanditsamwisa nezvinhu zvavo zvisina maturo; Neniwo ndichavagodoresa navasati vari vanhu; Ndichavatsamwisa norudzi runopenga.
22
Nokuti moto wakabatidzwa pakutsamwa kwangu, Unopisa kusvikira pasi kugomba ravakafa, Unoparadza nyika nezvibereko zvayo, Unotungidza nheyo dzamakomo.
23
Ndichatutira njodzi pamusoro pavo, Ndichapedza miseve yangu ndichivapfura.
24
Vachaonda nenzara, nokuparadzwa nokupisa kukuru, Nokuparadzwa kwakaisvoipa; Ndichatuma meno ezvikara kwavari, Pamwechete nomuti unouraya wezvinokambaira muguruva.
25
Munondo uchavatorera kunze, Nokutyisa mudzimba dzomukati; Zvichaparadza jaya nemhandara, Mwana unomwa pamwechete navarume, vachena vhudzi.”
26
Ndakati, ndichavafuridzira kure, Ndichagumisa kurangarirwa kwavo pakati pavanhu;
27
Dai ndisina kutya kutsamwa kwavavengi, Kuti vavengi vavo vasanzwisisa, Vakati, “Ruoko rwedu ndirwo rwakakunda, Haazi Jehovha akaita izvozvo zvose.”
28
Nokuti ivo rudzi rusina mano, Hakuna kunzwisisa pakati pavo.
29
Dai vakanga vakachenjera, vangadai vakazvinzwisisa, Vangadai vakaona kuguma kwavo!
30
Munhu mumwe ungadzinga seiko vanhu vane chiuru chezana, Navanhu vaviri vangatizisa seiko vanhu vane zviuru zvine gumi, Kana dombo ravo risina kuvatengesa, NaJehovha asina kuvaisa mumaoko avo?
31
Nokuti dombo ravo harina kufanana nedombo redu, Kunyangwe vavengi vedu vomene vachitonga.
32
Nokuti muzambiringa wavo wakabva pamuzambiringa weSodhoma, Napaminda yeGomora; Mazambiringa avo mazambiringa enduru, Masumbu awo anovava;
33
Waini yavo uturu hwenyoka, Nouturu hunouraya kwazvo hwemhungu.
34
Ko izvi hazvina kuunganidza kwandiri here? Hazvina kufunhurwa pakati pepfuma yangu here?
35
Kutsiva ndokwangu, nokutsividza, Panguva yokutedzemuka kwetsoka dzavo; Nokuti zuva renjodzi yavo riri pedyo, Nezvinhu zvichavawira zvichakurumidza kuuya.
36
Nokuti Jehovha uchachenura vanhu vake, Nokunzwira varanda vake tsitsi, Kana achiona kuti simba ravo raenda, Uye kuti vapera vose,
37
Zvino iye uchati, “Vamwari vavo varipiko, Nedombo ravakanga vachivimba naro?”
38
Ivo vaidya mafuta ezvibairo zvavo, Vainwa waini yezvipiriso zvavo zvinodururwa. Ngavasimuke, vakubatsirei, Ngavave utiziro hwenyu.
39
Tarirai zvino, muone kuti ndini iye, Hakuno mumwe mwari pamwechete neni; Ini ndinouraya, ini ndinoraramisa; Ini ndakakuvadza, ini ndinoporesa; Hakuna ungarwirwa paruoko rwangu.
40
Nokuti ndinosimudzira ruoko rwangu kudenga, Ndichiti, “Zvirokwazvo, noupenyu hwangu husingaperi,
41
Kana ndarodza munondo wangu unobwinya, Noruoko rwangu rukabata kutonga, Ndichatsiva vavengi vangu, Nokutsividza vanondivenga.
42
Ndichanyudza miseve yangu muropa, Munondo wangu uchadya nyama; Neropa ravakaurayiwa neravakatapwa, Neremisoro yavatungamiri vavavengi.
43
Farai, imi ndudzi, pamwechete navanhu vake, Nokuti uchatsiva ropa ravaranda vake, Nokutsividza vavengi vake, Nokudzikinura nyika yake navanhu vake.”
44
Zvino Mosesi akauya ndokutaura mashoko ose orwiyo urwu vanhu vachizvinzwa, iye naHoshea, mwanakomana waNuni.
45
Mosesi akapedza kutaura mashoko awa ose kuVaIsiraeri vose;
46
akati kwavari, “Tererai nemwoyo yenyu mashoko ose andinokupupurirai nhasi, kuti muraire vana venyu, vagochenjera kuita mashoko ose omurairo uyu.
47
Nokuti hachizi chinhu chisina maturo kwamuri, asi ndihwo upenyu hwenyu; nechinhu ichi muchawedzera mazuva enyu panyika, yamunoyambuka Jodhani kwairi, kuti ive yenyu.”
48
Zvino Jehovha akataura naMosesi nomusi iwoyo, akati,
49
“Kwira pagomo iri reAbharimu, kugomo reNebho, riri panyika yaMoabhu, rakatarisana neJeriko, uone nyika yeKenani, yandinopa vana VaIsiraeri, ive yavo;
50
ufire pagomo raunokwira, ugosanganiswa navanhu vako; sezvakafa Aroni, mukuru wako, pagomo reHori, akasanganiswa navanhu vake;
51
nokuti makaita nomutoo usina kutendeka kwandiri pakati pavana VaIsiraeri pamvura yeMeribha paKadheshi murenje reZini; nokuti hamuna kunditsaura pakati pavana VaIsiraeri.
52
Nokuti uchaona hako nyika pamberi pako, asi haungapindipo panyika yandinopa vana VaIsiraeri.”
← Chapter 31
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 33 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34