bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Deuteronomy 33
Deuteronomy 33
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 32
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 34 →
1
Zvino ndiko kuropafadza kwaMosesi, munhu waMwari, kwaakaropafadza nako vana VaIsiraeri, asati afa.
2
Akati, “Jehovha wakabva Sinai, Akavabudira achibva Seiri; Akapenya ari pagomo reParani, Akauya achibva pazviuru zvine gumi zvavatsvene; Paruoko rwake rworudyi pakanga pano murairo womoto kwavari.
3
Zvirokwazvo unoda ndudzi; Vatsvene vake vose vari paruoko rwenyu; Vakagara pasi patsoka dzenyu; Mumwe nomumwe uchagamuchira mashoko enyu.
4
Mosesi wakatiraira murairo, Ndiyo nhaka yeungano yaJakobho.
5
Wakanga ari mambo paJeshuruni, Pakuungana kwavakuru vavanhu, Marudzi ose aVaIsiraeri pamwechete.
6
Rubheni ngaararame, arege kufa, Asi vanhu vake ngavave vashoma havo.
7
Kuropafadzwa kwaJudha ndiko”: Akati, “Inzwai Jehovha izwi raJudha, Mumusvitse kuvanhu vake; Wakavarwira namaoko ake; Imi muchamubatsira kurwa navavengi vake.”
8
Pamusoro paRevhi wakati, “Tumimu yenyu neUrimi yenyu ndezvaunodikanwa nemi, Iye wamakaidza paMasa, Wamakarwa naye pamvura yeMeribha”;
9
Iye wakati pamusoro pababa vake namai vake, “Handina kumuona; Nehama dzake haana kudzirangarira, Kana kuziva vana vake, Nokuti vakaita shoko renyu, Nokuchengeta sungano yenyu.
10
Vachadzidzisa Jakobho zvamakatonga, NaIsiraeri murairo wenyu; Vachaisa zvinonhuwira pamberi penyu, Nezvipiriso zvinopiswa zvakakwana paatari dzenyu.
11
Jehovha, ropafadzai simba rake, Gamuchirai basa ramaoko ake; Gurai zviuno zvavanomumukira, Nezvavanomuvenga, kuti varege kusimukazve.”
12
Pamusoro paBhenjamini wakati, “Mudikanwa waJehovha uchagara kwaari akachengetwa; Unomufukidza zuva rose, Unogara pakati pamafudzi ake.”
13
Pamusoro paJosefa wakati, “Nyika yake ngairopafadzwe naJehovha; Ipiwe zvinhu zvakanakisa zvokudenga, nedova, Nemvura inogara makadzika;
14
Nezvinhu zvakanakisa zvezvibereko zvezuva, Nezvinhu zvakanakisa zvinomedzwa nomwedzi;
15
Nezvinhu zvakanaka zvamakomo ekare, Nezvinhu zvakanakisa zvezvikomo zvisingaperi,
16
Nezvinhu zvakanakisa zvenyika nokuzara kwayo, Nomwoyo wakanaka waiye wakanga agere mugwenzi; Kuropafadzwa ngakuuye pamusoro paJosefa, Napamusoro pomusoro waiye wakatsaurwa pakati pehama dzake.
17
Mwana wematangwe emombe dzake, ndihwo umambo hwake; Nyanga dzake inyanga dzenyati; Nadzo uchabaya ndudzi dzose dzavo, namagumisiro enyika; Ndivo vane zviuru zvamazana zvine gumi zvaEfuremu, Ndivo vane zviuru zvaManase.”
18
Pamusoro paZebhuruni wakati, “Chifara, Zebhuruni, pakubuda kwako, Newe Isakari, pamatende ako.
19
Vachadanira vanhu kumakomo; Ipapo vachauya nezvibairo zvokururama; Nokuti vachanwa pfuma zhinji yamakungwa, Nepfuma zhinji yakavanzwa nejecha.”
20
Pamusoro paGadhi wakati, “Unokurisa Gadhi ngaaropafadzwe; Iye unogara seshumbakadzi, Unobvambura ruoko, kunyangwe nomusoro.
21
Wakazvitsaurira mugove wokutanga; Nokuti ndipapo pakachengetwa mugove womubati; Wakauya navakuru vavanhu; Wakaita zvakarurama zvaJehovha, Nezvaakatonga pamusoro paIsiraeri.”
22
Pamusoro paDhani wakati, “Dhani ndiye mwana weshumba, Unokwakuka achibva Bhashani.”
23
Pamusoro paNafutari wakati, “Iwe Nafutari, wakaguta nyasha, Uzere nokuropafadzwa naJehovha; Tora mavirazuva nenyasi zvive zvako.”
24
Pamusoro paAshuru wakati, “Ashuru ngaaropafadzwe apiwe vana; Ngaadikanwe nehama dzake, Ngaanyike rutsoka rwake mumafuta.
25
Zvipfigiso zvako zvichava zvamatare nendarira; Nesimba rako richaenzana namazuva ako.
26
Iwe Jeshuruni, hakuna wakafanana naMwari, Iye unotasva denga kuti akubatsire, Napamusoro pamakore noukuru hwake.
27
Mwari usingaperi ndihwo ugaro hwako, Pasi pako kuna maoko asingaperi; Iye wakadzinga vavengi pamberi pako,” Akati, “Paradzai.
28
Isiraeri unogara akachengetwa, Tsime raJakobho riri roga, Panyika yezviyo newaini; Denga rake rose rinonisa dova.
29
Isiraeri, iwe wakaropafadzwa; Ndiani wakatodzana newe, rudzi rwakachengetwa naJehovha? Ndiye nhoo inokubatsira, Nomunondo waunokudzwa nawo! Vavengi vako vachazviisa pasi pako, Newe uchatsika panzvimbo dzavo dzakakwirira.”
← Chapter 32
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 34 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34