bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Deuteronomy 28
Deuteronomy 28
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 29 →
1
“Zvino kana uchiteerera zvakanaka izwi raJehovha Mwari wako, nokuchenjera kuita mirairo yake yose, yandinokuraira nhasi, Jehovha Mwari wako uchakukurisa kupfuura ndudzi dzose dziri panyika.
2
Kuropafadzwa uku kwose kuchaitika kwauri, uchatevererwa nako, kana uchiteerera izwi raJehovha Mwari wako.
3
Ucharopafadzwa muguta, ucharopafadzwa mumunda.
4
Zvibereko zvomuviri wako, nezvibereko zvevhu rako, nezvibereko zvemombe dzako, nezvibereko zvemhou dzako, namakwayana amakwai ako, zvicharopafadzwa.
5
Dengu rako, nomudziyo wako wokukanyira chingwa, zvicharopafadzwa.
6
Ucharopafadzwa kana uchipinda, ucharopafadzwa kana uchibuda.
7
Jehovha uchakukundisa vavengi vako, vanokumukira, pamberi pako; vachauya kuzorwa newe nenzira imwe, vachatiza pamberi pako nenzira nomwe.
8
“Jehovha ucharaira kuti uropafadzwe pamatura ako, napazvose zvaunobata namaoko ako; uchakuropafadza panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.
9
“Jehovha uchakusimbisa, kuti uve rudzi rwake rutsvene, sezvaakakupikira; kana uchichengeta mirairo yaJehovha Mwari wako, nokufamba munzira dzake.
10
Vanhu vose venyika vachaona kuti iwe wakatumidzwa nezita raJehovha; vachakutya.
11
Jehovha uchakuwanzira mufaro pazvibereko zvomuviri wako, napazvibereko zvemombe dzako, napazvibereko zvevhu rako, panyika yakapikirwa madzibaba ako naJehovha, kuti uchakupa iyo.
12
Jehovha uchakuzarurira pfuma yake yakanaka yokudenga, akupe mvura yenyika yako nenguva yayo; nokuropafadza mabasa ose amaoko ako; iwe uchapa ndudzi zhinji chikwereti.
13
Jehovha uchakuita musoro, haangakuiti muswe; uchava kumusoro bedzi, haungavi pasi; kana uchiteerera mirairo yaJehovha Mwari wako, yandinokuraira nhasi, uchishingaira kuiita;
14
usingatsauki pane rimwe ramashoko andinokuraira, kurudyi kana kuruboshwe, uchitevera vamwe vamwari kuti uvashumire.
15
“Asi kana uchiramba kuteerera izwi raJehovha Mwari wako kuti uchenjere kuita mirairo yake yose, nezvaakatema, zvandinokuraira nhasi; kutukwa uku kwose kuchaitika kwauri, uchatevererwa nako.
16
Uchatukwa muguta, uchatukwa mumunda.
17
“Dengu rako richatukwa, nomudziyo wako wokukanyira chingwa.
18
“Zvibereko zvomuviri wako zvichatukwa, nezvibereko zvevhu rako, nezvibereko zvemhou dzako, namakwayana amakwai ako.
19
Uchatukwa kana uchipinda, uchatukwa kana uchibuda.
20
Jehovha uchatuma pamusoro pako kutukwa, nokunyonganiswa, nokurangwa, pazvose zvaunobata namaoko ako, kusvikira waparadzwa, uye kusvikira wakurumidza kupera, nokuda kwezvakaipa zvaunoita, zvawakandisiya nazvo.
21
Jehovha uchakunamatidza denda, kusvikira akupedza kunyika kwaunoenda, kuti ive yako.
22
Jehovha uchakurova norukosoro, nefivhiri, nokupisa kwomuviri, nokuvaviswa kwazvo, uye nokushaiwa mvura, nenyunje, nokuvhuvha; izvo zvichakuteverera kusvikira waparadzwa.
23
Denga rako riri pamusoro pako richaita sendarira, nenyika iri pasi pako sedare.
24
Jehovha uchashandura mvura yenyika yako ive bukuta neguruva; zvichaburukira pamusoro pako zvichibva kudenga, kusvikira waparadzwa.
25
“Jehovha uchatendera kuti ukundwe navavengi vako; uchabuda kundorwa navo nenzira imwe, uchatiza pamberi pavo nenzira nomwe; uchava chinhu chinotyisa pakati poushe hwose hwenyika.
26
Zvitunha zvako zvichava zvokudya zveshiri dzose dzokudenga nezvikara zvenyika, kusina munhu unozvidzinga.
27
Jehovha uchakurova namamota eIjipiti, namaronda, nemhezi, nokufunuka, zvicharamba kupora.
28
Jehovha uchakurova nokupenga, noupofu, uye nokukanganiswa kwomwoyo;
29
uchatsvangadzira masikati, sebofu rinotsvangadzira murima, haungafari panzira dzako; ucharemedzwa nokubirwa nguva dzose, hakungavi nomunhu unokurwira.
30
Uchapfimba mukadzi, asi mumwe murume uchavata naye; uchavaka dzimba, asi haungagarimo; ucharima munda wemizambiringa, asi haungadyi michero yayo.
31
Mombe yako ichabayiwa uchizviona, asi haungaidyi; mbongoro yako ichatorwa nesimba uchizviona, asi haingadzoserwi kwauri; makwai ako achapiwa vavengi vako, haungawani unokurwira.
32
Vanakomana vako navanasikana vako vachapiwa rumwe rudzi; meso ako achatarira, ukaneta kuvashuva zuva rose; asi uchashaiwa simba paruoko rwako.
33
Zvibereko zvevhu rako, nezvamabasa ako, zvichadyiwa norudzi rwausingazivi; uchangoremedzwa nokutambudzwa nguva dzose.
34
Uchapengeswa nezvauchaona nameso ako.
35
Jehovha uchakurova pamabvi ako, napamakumbo ako, namamota anorwadza, acharamba kupora, kubva parutsoka kusvikira pamusoro pomusoro wako.
36
Jehovha uchakuisa iwe namambo wako wauchazvitsaurira kurudzi rwawakanga usingazivi iwe namadzibaba ako; zvino uchandoshumirapo vamwe vamwari vamatanda namabwe.
37
Iwe uchaitwa chishamiso, netsumo, nechiseko, pakati pavanhu vose kwauchandoiswa naJehovha.
38
“Uchatakurira mbeu zhinji kumunda, asi uchaunganidza zvishoma; nokuti zvichapedzwa nemhashu.
39
Ucharima minda yemizambiringa nokuigadzira, asi haunganwi waini yayo, kana kutanha mazambiringa; nokuti achadyiwa namakonye.
40
Uchava nemiti yemiorivhi panyika yako yose, asi haungazori mafuta ayo, nokuti miorivhi yako ichazuka.
41
Uchabereka vanakomana navanasikana, asi havangavi vako, nokuti vachatapwa.
42
Miti yako yose nezvibereko zvevhu rako zvichadyiwa nemhashu.
43
“Mutorwa ugere pakati pako ucharamba achikwirira kupfuura iwe; iwe ucharamba uchiderera.
44
Iye uchakupa chikwereti, asi iwe haungamupi chikwereti; iye uchava musoro, iwe uchava muswe.
45
“Kutukwa uku kwose kuchaitika kwauri, nokukutevera, nokukubata, kusvikira waparadzwa; nokuti hauna kuteerera izwi raJehovha Mwari wako, nokuchengeta mirairo yake nezvaakatema, zvaakakuraira.
46
Zvichava pamusoro pako napamusoro pavana vako, zvive zviratidzo nezvishamiso nokusingaperi;
47
nokuti hauna kushumira Jehovha Mwari wako nomufaro, nomwoyo unofara, nokuda kwokuwanda kwezvose.
48
Naizvozvo uchafanira kubatira vavengi vako, vauchatumirwa naJehovha kuti urwe navo, uchinzwa nzara nenyota, uchishaiwa zvokufuka nezvose izvi; iye uchaisa joko redare pamutsipa wako, kusvikira akuparadza.
49
Jehovha achauyisa rudzi runobva kure kuzorwa newe, runobva kumagumisiro enyika, segondo rinobhururuka, rudzi rwausinganzwisisi rurimi rwarwo;
50
rudzi rune hasha, rusingarangariri vatana, kana kunzwira majaya tsitsi.
51
Vachadya zvibereko zvemombe dzako, nezvibereko zvevhu rako, kusvikira waparadzwa; havangakusiyiri zviyo, kana waini, kana mafuta, kana zvakaberekwa nemhou dzako, kana makwayana amakwai ako, kusvikira waparadzwa navo.
52
Vachakukomba pamasuwo ako ose, kusvikira masvingo ako marefu ane simba aya ose, awakatenda munyika yako yose; vachakukomba pamasuwo ako ose panyika yako yose, yawakapiwa naJehovha Mwari wako.
53
“Uchadya zvibereko zvomuviri wako, nyama yavanakomana vako navanasikana vako, vawakapiwa naJehovha Mwari wako, kana wokombwa nokumanikidzwa navavengi vako.
54
Murume uno undere nouno unengwe kwazvo pakati pako uchava nomufungo wakaipa kuhama yake, nokumukadzi wake waanoda, nokuvana vake vaanenge asarirwa navo;
55
haangapi mumwe wavo nyama yavana vake vaachadya, nokuti iye haangavi nechaakasarirwa nacho, kana wokombwa nokumanikidzwa navavengi vako pamasuwo ako ose.
56
Mukadzi uno undere nouno unengwe pakati pako, wakanga asingadi kutsika pasi norutsoka rwake nokuda kwounengwe hwake noundere hwake, uchava nomufungo wakaipa kumurume wake waanoda, namwanakomana wake, nomwanasikana wake;
57
nokumwana wake muduku, waachangobereka, nokuvana vake vaachazobereka; nokuti uchadya pakavanda nokuda kwokushaiwa zvinhu zvose, kana wokombwa nokumanikidzwa navavengi vako pamasuwo ako.
58
“Kana usingachenjeri kuita mashoko ose omurairo uyu, akanyorwa mubhuku iyi, kuti utye zita iri rinobwinya nerinotyisa, rinoti: JEHOVHA MWARI WAKO;
59
Jehovha uchakurova iwe navana vako namatambudziko anoshamisa, matambudziko makuru, asingakurumidzi kupera, namatenda akaipa, asingakurumidzi kupera.
60
Uchauyisazve pamusoro pako zvirwere zvose zveIjipiti, zvawakanga uchitya, kuti zvikunamatire.
61
Namatenda ose, namatambudziko ose, asina kunyorwa mubhuku yomurairo uyu, ndiwo achauyiswa naJehovha pamusoro pako, kusvikira waparadzwa.
62
Muchasara mava vashoma, kunyangwe makanga muri vazhinji senyenyedzi dzokudenga; nokuti hauna kuteerera izwi raJehovha Mwari wako.
63
Zvino Jehovha sezvaakanga achikufarirai achida kukuitirai zvakanaka, nokukuwanzai, saizvozvo Jehovha uchafara pamusoro penyu kukupedzai nokukuparadzai; muchadzurwa kunyika kwaunoenda, kuti ive yako.
64
Jehovha uchakukandira pakati pendudzi dzose, kubva pamugumo mumwe wenyika kusvikira kuno mumwe mugumo; ipapo uchandoshumira vamwe vamwari vawakanga usingazivi, iwe namadzibaba ako, vamwari vamatanda navamabwe.
65
Pakati pendudzi idzo haungawani zororo, netsoka dzako hadzingawani pokuzorora; asi Jehovha uchakupa ipapo mwoyo unowonda;
66
upenyu hwako hucharembera pamberi pako, uchatya usiku namasikati, haungazivi kana uchararama;
67
mangwanani uchati, ‘Dai aiva madekwana!’ Madekwana uchati, ‘Dai aiva mangwanani!’ Nokudya kwomwoyo wako, zvauchaona nameso ako.
68
Jehovha uchakuisazve Ijipiti nezvikepe nenzira yandakati kwauri, ‘Hauchazoionizve;’ ipapo muchandozvitengesa kuvavengi venyu, kuti muve varanda navarandakadzi, asi hakungavi nomunhu uchakutengai.”
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 29 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34