bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Deuteronomy 12
Deuteronomy 12
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 13 →
1
“Ndizvo zvakatemwa, nezvakatongwa, zvamunofanira kuchenjera kuti muzviite panyika yawakapiwa naJehovha Mwari wamadzibaba ako, kuti ive yako, mazuva ose amunogara panyika.
2
Munofanira kuparadza chose nzvimbo dzose, apo, ndudzi dzose dzamunopiwa kuti dzive dzenyu, padzaishumira vamwari vadzo, pamakomo marefu, napazvikomo, napasi pemiti mitema yose;
3
munofanira kuputsa atari dzavo, nokuputsanya shongwe dzavo, nokupisa matanda avo okunamata nawo; mutemewo mifananidzo yavo yakavezwa; kuti muparadze zita razvo panzvimbo iyo.
4
Regai kuitira Jehovha Mwari wenyu saizvozvo.
5
Asi munofanira kushanyira panzvimbo yakatsaurwa naJehovha Mwari wenyu pakati pamarudzi enyu ose, kuti aise zita rakepo, paanogara, ndipo pamunofanira kushanyirapo, nokuendapo;
6
munofanira kuuyapo nezvipiriso zvenyu zvinopiswa, nezvibairo zvenyu, nezvegumi zvenyu, nezvipiriso zvakatsaurwa namaoko enyu, nezvipikiso zvenyu, nezvipo zvokuda kwenyu, navana vematangwe emombe dzenyu nedzamakwai enyu;
7
ndipo pamunofanira kudya pamberi paJehovha Mwari wenyu, muchifarira zvose zvamunobata namaoko enyu, imi, nemhuri dzenyu, sezvamakaropafadzwa naJehovha Mwari wenyu.
8
“Hamufaniri kuita sezvatinoita pano nhasi, mumwe nomumwe sezvaanoona kuti ndizvo zvakanaka;
9
nokuti muchigere kusvika pazororo napanhaka, yaunopiwa naJehovha Mwari wako.
10
Asi kana mayambuka Jodhani, mogara munyika yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu, ive nhaka yenyu, kana iye achikupai zororo pavavengi venyu vose vanokukombai, mogara makachengetwa,
11
zvino kunzvimbo yakatsaurwa naJehovha, kuti aise zita rakepo, ndiko kwamunofanira kuuya nezvose zvandinokurairai, zvinoti: zvipiriso zvenyu zvinopiswa, nezvibairo zvenyu, nezvegumi zvenyu, nezvipiriso zvakatsaurwa namaoko enyu, nezvipikiso zvenyu zvakaisvonaka zvamunopikira Jehovha;
12
mufare pamberi paJehovha Mwari wenyu, imi navanakomana venyu, navanasikana venyu, navaranda venyu, navarandakadzi venyu, nomuRevhi uri mukati mamasuwo enyu, nokuti iye haana mugove kana nhaka pakati penyu.
13
Chenjera kuti urege kuuya nezvipiriso zvako zvinopiswa panzvimbo ipi neipi yaunoona,
14
asi panzvimbo ichatsaurwa naJehovha pano rumwe rwamarudzi ako, ndipo paunofanira kuuya nezvipo zvako zvinopiswa, ndipo paunofanira kuita zvose zvandinokuraira.
15
“Asi ungabaya hako nokudya hako nyama mukati mamasuwo ako ose, sezvinoda mwoyo wako, uye sezvawakaropafadzwa naJehovha Mwari wako; usina kunaka nowakanaka vose vangaidya, sezvinoitwa nenyama yemhara nenondo.
16
Asi hamufaniri kudya ropa; unofanira kuriteurira pasi semvura.
17
Usadya mukati mamasuwo ako zvegumi zvezviyo zvako, kana zvewaini yako, kana zvamafuta ako, kana vana vematangwe emombe dzako, kana dzamakwai ako, kana chipikiso chipi nechipi chaunopika nacho, kana zvipo zvokuda kwako, kana chipiriso chinotsaurwa noruoko rwako;
18
asi unofanira kuzvidya pamberi paJehovha Mwari wako panzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wako, iwe, navanakomana vako navanasikana vako, navaranda vako navarandakadzi vako, nomuRevhi uri mukati mamasuwo ako; unofanira kufara pamberi paJehovha Mwari wako pazvose zvaunobata namaoko ako.
19
Chenjera kuti urege kukanganwa muRevhi nguva yose yaunogara munyika yako.
20
“Zvino kana Jehovha Mwari wako akurisa nyika yako, sezvaakakupikira, iwe ukati, ‘Ndichadya nyama,’ nokuti mwoyo wako unoda kudya nyama, ungadya hako nyama, sezvinoda mwoyo wako.
21
Kana nzvimbo yakatsaurwa naJehovha, kuti aise zita rakepo, iri kure newe, unofanira kubaya zvimwe zvemombe dzako, kana zvamakwai ako, zvawakapiwa naJehovha, sezvandakakuraira, ugozvidya mukati mamasuwo ako, sezvinoda mwoyo wako.
22
Unofanira kuzvidya sezvinodyiwa nyama yemhara neyenondo; usina kunaka nowakanaka vose vanofanira kuzvidya pamwechete.
23
Asi chenjera kwazvo kuti urege kudya ropa, nokuti ropa ndihwo upenyu; usadya upenyu pamwechete nenyama.
24
Usaridya, asi unofanira kuriteurira pasi semvura.
25
Usaridya, kuti zvive zvakanaka newe, iwe, navana vako vanokutevera, kana uchiita zvakarurama pamberi paJehovha.
26
Asi zvinhu zvako zvitsvene, nezvipikiso zvako, unofanira kuzvitora nokuenda nazvo kunzvimbo yakatsaurwa naJehovha.
27
Zvino unofanira kugadzira zvipiriso zvako zvinopiswa, nyama neropa, paatari yaJehovha Mwari wako; ropa rezvibairo zvako rinofanira kuteurirwa paatari yaJehovha Mwari wako, asi iwe unofanira kudya nyama.
28
Teerera unzwe zvakanaka mashoko awa andinokuraira, kuti zvive zvakanaka newe, iwe, navana vako vanokutevera nokusingaperi, kana uchiita zvakanaka nezvakarurama pamberi paJehovha Mwari wako.
29
“Zvino kana Jehovha Mwari wako achiparadza pamberi pako ndudzi idzo, dzaunoenda kwadziri kundodziita dzako, ukadziita dzako, ukagara munyika yadzo;
30
uchenjere kuti urege kunyengerwa kuzodzitevera, idzo dzamboparadzwa pamberi pako; kuti urege kubvunza vamwari vavo, uchiti, ‘Ndudzi idzi dzinoshumira vamwari vadzo seiko? Neni ndichaitawo saizvozvo.’
31
Usaitira Jehovha Mwari wako saizvozvo; nokuti ivo vakaitira vamwari vavo zvose zvinonyangadza Jehovha, nezvaanovenga; nokuti kunyangwe vanakomana vavo navanasikana vavo vanovapisira vamwari vavo pamoto.
32
“Chinhu chipi nechipi chandinokurairai, chenjerai kuti muzviite; musawedzera kwazviri, kana kutapudza kwazviri.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34