bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Deuteronomy 8
Deuteronomy 8
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 9 →
1
“Murairo wose wandinokuraira nhasi munofanira kuchenjera kuti muuite, kuti mugorarama, nokuwanda, nokupinda munyika yakapikirwa madzibaba enyu naJehovha, muiite yenyu.
2
Unofanira kurangarira nzira yose yawakafambiswa nayo naJehovha Mwari wako murenje makore awa makumi mana, kuti akuninipise, nokukuidza, kuti azive zvaiva mumwoyo mako, kana wakanga uchida kuchengeta mirairo yake, kana kwete.
3
Akakuninipisa, akakuziyisa nenzara, akakugutsa nemana yawakanga usingazivi, kunyangwe madzibaba ako akanga asingaziviwo; kuti akuzivise kuti munhu haararami nezvokudya zvoga, asi kuti munhu unorarama nezvose zvinobuda mumuromo waJehovha.
4
Nguo dzako hadzina kukusakarira, netsoka dzako hadzina kuzvimba makore awa makumi mana.
5
Funga mumwoyo mako, kuti Jehovha Mwari wako unokuranga somunhu unoranga mwanakomana wake.
6
Unofanira kuchengeta mirairo yaJehovha Mwari wako, kuti ufambe nenzira dzake nokumutya.
7
Nokuti Jehovha Mwari wako unokupinza munyika yakanaka, nyika ine hova dzemvura, namatsime, namadziva akadzika, anobuda pamipata napamakomo;
8
nyika ine zviyo, nebhari, nemizambiringa, nemionde, nemitamba; nyika yemiorivhi ina mafuta, nouchi;
9
nyika yauchadya chingwa, usingashaiwi, kwausingatongoshaiwi chinhu; nyika ina mabwe emhangura, napamakomo ayo uchachera ndarira.
10
Uchadya ukaguta, ukavonga Jehovha Mwari wako nokuda kwenyika yakanaka yaakakupa.
11
“Chenjera kuti urege kukanganwa Jehovha Mwari wako, ukasachengeta mirairo yake, nezvaakatonga, nezvaakatema, zvandinokuraira nhasi;
12
kuti kana wadya ukaguta, ukavaka dzimba dzakanaka, ukagara madziri,
13
nemombe dzako namakwai ako akawanda, nesirivha yako nendarama yako ikawanda, nezvose zvaunazvo zvikawanda,
14
mwoyo wako ukazvikudza, ukakanganwa Jehovha Mwari wako, wakakubudisa munyika yeIjipiti paimba youranda;
15
iye wakakufambisa murenje guru rinotyisa, makanga mune nyoka dzinopenga nezvinyavada, nevhu rakaoma risina mvura; iye wakakubudisira mvura padombo romusarasara;
16
wakakugutsa murenje nemana, yakanga isina kuzikanwa namadzibaba ako, kuti akuninipise akuidze, kuti akuitire zvakanaka pakupedzisira;
17
kuti urege kuzoti mumwoyo mako, ‘Simba rangu nokugona kworuoko rwangu ndizvo zvakandiwanisa pfuma iyi.’
18
Asi unofanira kurangarira Jehovha Mwari wako, nokuti ndiye unokupa simba rokupfuma; kuti asimbise sungano yake, yaakapikira madzibaba ako, sezvaanoita nhasi.
19
Zvino kana ukakanganwa Jehovha Mwari wako, ukatevera vamwe vamwari, ukavashumira, ukanamata kwavari, ndinokupupurirai nhasi kuti muchaparadzwa zvirokwazvo.
20
Imi muchaparadzwa sendudzi dzinoparadzwa naJehovha pamberi penyu; nokuti makaramba kuteerera izwi raJehovha Mwari wenyu.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34