bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Deuteronomy 31
Deuteronomy 31
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 30
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 32 →
1
Zvino Mosesi akaenda kundotaura mashoko awa kuVaIsiraeri vose,
2
akati kwavari, “Ndava namakore ane zana namakumi maviri nhasi, handichagoni kubuda nokupinda; zvino Jehovha akati kwandiri, ‘Iwe haungayambuki Jodhani urwu.’
3
Jehovha Mwari wako ndiye uchakutungamirira pakuyambuka; iye uchaparadza ndudzi idzi dzose pamberi pako, dzichava dzako; Joshua ndiye uchakutungamirira pakuyambuka, sezvakataurwa naJehovha.
4
Jehovha uchavaitira ivo sezvaakaitira Sihoni naOgi, madzimambo aVaAmori, nenyika yavo, vaakaparadza.
5
Jehovha uchavaisa mumaoko enyu, nemi munofanira kuvaitira zvose sezvandakakurairai.
6
Simbai, mutsunge mwoyo, musatya kana kuvhunduswa navo; nokuti Jehovha Mwari wako ndiye unoenda newe, haangakuregi, haangakusiyi.”
7
Zvino Mosesi akadana Joshua, akati kwaari pamberi paVaIsiraeri vose, “Simba, utsunge mwoyo, nokuti iwe uchaenda navanhu ava panyika yakapikirwa madzibaba avo naJehovha, kuti uchavapa iyo; iwe uchavagarisa nhaka iyo.
8
Jehovha ndiye unokutungamirira, iye uchava newe, haangakuregi, haangakusiyi; usatya kana kuvhunduswa.”
9
Zvino Mosesi akanyora murairo uyu, akaupa vapristi navana vaRevhi, vaitakura areka yesungano yaJehovha, navakuru vose VaIsiraeri.
10
Mosesi akavaraira, akati, “Nguva dzose pakupera kwamakore manomwe, panguva yakatarwa pagore resununguro, pamutambo wemisasa,
11
kana VaIsiraeri vose vauya kuzviratidza pamberi paJehovha Mwari wako panzvimbo ichatsaurwa naye, unofanira kurava murairo uyu pamberi paVaIsiraeri vose, vaunzwe.
12
Unganidza vanhu, varume navakadzi, nepwere, navatorwa vako vari pakati pamasuwo ako, kuti vanzwe, vadzidze, vatye Jehovha Mwari wenyu, vachenjere kuita mashoko ose omurairo uyu;
13
uye kuti vana vavo vakanga vasingazivi vanzwe, vadzidze kutya Jehovha Mwari wenyu, nguva yose yamuchazogara panyika yamunoyambuka Jodhani kwairi, kuti ive yenyu.”
14
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Tarira, mazuva okufa kwako aswedera; dana Joshua mundomira mutende rokusangana, kuti ndimuraire iye.” Mosesi naJoshua vakandomira mutende rokusangana.
15
Jehovha akazviratidza muTende mushongwe yegore, shongwe yegore ikamira pamusoro pomukova weTende.
16
Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Tarira, iwe uchavata namadzibaba ako; zvino vanhu ava vachasimuka nokupata vachitevera vamwari vavatorwa venyika, kwavanondogara pakati pavo; vachandisiya, nokuputsa sungano yandakaita navo.
17
Zvino kutsamwa kwangu kuchavamukira nenguva iyo, ndichavasiya nokuvavanzira chiso changu, vachaparadzwa, nezvakaipa zvizhinji nenhamo zhinji zvichavawira; naizvozvo nenguva iyo vachati, ‘Ko zvinhu zvakaipa izvi hazvina kutiwira nokuti Mwari wedu haazi pakati pedu here?’
18
Nenguva iyo ndichavanza chiso changu nokuda kwezvakaipa zvose zvavakaita pakutsaukira kwavo kuna vamwe vamwari.
19
“Naizvozvo zvino munofanira kuzvinyorera rwiyo urwu rundipupurire kuvana VaIsiraeri.
20
Nokuti kana ndivapinza panyika yandakapikira madzibaba avo, iyo inoyerera mukaka nouchi, ivo vakadya, vakaguta, vakakora, ipapo vachatsaukira kuna vamwe vamwari nokuvashumira, vakandizvidza ini, nokuputsa sungano yangu.
21
Zvino kana zvakaipa zvizhinji nenhamo zhinji zvikavawira, rwiyo urwu ruchava chapupu kupupura pamberi pavo; nokuti harungakanganikwi pamiromo yavana vavo, nokuti ndinoziva ndangariro dzavanoruka nhasi, ndichigere kuvapinza panyika yandakavapikira.”
22
Naizvozvo Mosesi wakanyora rwiyo urwu nomusi iwoyo, akarudzidzisa vana VaIsiraeri.
23
Akaraira Joshua, mwanakomana waNuni, akati, “Simba, utsunge mwoyo, nokuti iwe uchapinza vana VaIsiraeri panyika yandakavapikira; neni ndichava newe.”
24
Zvino Mosesi wakati apedza kunyora mashoko omurairo uyu mubhuku, kusvikira apera,
25
Mosesi akaraira vaRevhi, vaitakura areka yesungano yaJehovha, akati,
26
“Torai Bhuku iri roMurairo, muiise parutivi rweareka yesungano yaJehovha Mwari wenyu, kuti ikupupurirepo.
27
Nokuti ndinoziva kusanzwa nokusateerera kwenyu; tarirai, ini ndichiri mupenyu pakati penyu nhasi, makamukira Jehovha; hamuchanyanyisi here kana ndafa?
28
Unganidzai kwandiri vakuru vose vamarudzi enyu, navatariri venyu, kuti vanzwe ndichitaura mashoko awa nokudana denga napasi zvivapupurire.
29
Nokuti ndinoziva kuti kana ndafa muchazvisvibisa kwazvo, nokutsauka panzira yandakakurairai; zvakaipa zvichakuwirai pamazuva okupedzisira, nokuti makaita zvakaipa pamberi paJehovha, muchimutsamwisa namabasa amaoko enyu.”
30
Zvino Mosesi akataura mashoko orwiyo urwu, kusvikira apera, ungano yose ichizvinzwa.
← Chapter 30
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 32 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34