bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Deuteronomy 4
Deuteronomy 4
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 5 →
1
“Zvino imi vana VaIsiraeri, tererai zvakatemwa nezvakatongwa, zvandinokudzidzisai, kuti muzviite; kuti murarame, mupinde mutore nyika, yamunopiwa naJehovha, Mwari wamadzibaba enyu.
2
Musawedzera kana kutapudza pashoko randinokurairai, kuti muchengete mirairo yaJehovha Mwari wenyu, yandinokurairai.
3
Meso enyu akaona zvakaitwa naJehovha nokuda kwezvakaitwa paBhaari–peori; nokuti varume vose vakatevera Bhaari–peori, Jehovha Mwari wenyu wakavaparadza pakati penyu.
4
Asi imi, makanamatira Jehovha Mwari wenyu, imi mose muri vapenyu kusvikira nhasi.
5
“Tarirai, ndakakudzidzisai zvakatemwa nezvakatongwa, sezvandakarairwa naJehovha Mwari wangu, kuti muite saizvozvo panyika yamunopinda, kuti ive yenyu.
6
Naizvozvo muchengete izvozvo, muzviite; nokuti ndiko kuchenjera kwenyu nokungwara kwenyu pamberi pavanhu vachanzwa zvose izvi zvakatemwa, vachiti, ‘Zvirokwazvo, rudzi urwu rukuru ndivanhu vakachenjera vakangwara.’
7
“Nokuti rudzi rukuru ruripiko, runa mwari uri pedyo navo, saJehovha Mwari wedu nguva ipi neipi yatinodana kwaari?
8
Rudzi rukuru ruripiko, rune zvakatemwa nezvakatongwa zvakarurama somurairo uyu wose, wandinoisa pamberi penyu nhasi?
9
Asi zvichenjererei, mushingaire kuchengeta mweya yenyu, kuti murege kukanganwa zvinhu zvamakona nameso enyu, zvirege kuzobva pamwoyo yenyu mazuva ose oupenyu hwenyu; asi munofanira kuzvizivisa vana venyu navana vavana venyu;
10
musi wamakanga mumire pamberi paJehovha Mwari wenyu paHorebhu, musi Jehovha waakati kwandiri, ‘Ndiunganidzire vanhu, ndivaudze mashoko angu, kuti vadzidze kunditya mazuva ose avachagara panyika, vagodzidzisa vana vavowo.’
11
“Imi mukaswedera, mukamira pajinga pegomo; gomo rikapfuta nomoto kusvikira pakati pedenga, pamwechete nerima, negore, nokusviba kukuru.
12
Zvino Jehovha akataura nemi ari mukati momoto; mukanzwa izwi ramashoko, asi hamuna kuona kuti wakadini; makanzwa izwi roga.
13
Ipapo wakadudzira sungano yake kwamuri, yaakakurairai, kuti muiite, iye mirairo ine gumi; akainyora pamahwendefa maviri amabwe.
14
Nenguva iyo Jehovha akandiraira, kuti ndikudzidzisei zvakatemwa nezvakatongwa, kuti mundozviita panyika iyo, kwamunoenda, kuzoiita yenyu.
15
“Naizvozvo zvichenjererei zvikuru, nokuti hamuna kuona kuti wakanga akadini, musi Jehovha waakataura nemi paHorebhu ari pakati pomoto.
16
Kuti murege kuzvisvibisa, muchizviitira chifananidzo chakavezwa, chakafanana nechinhu chipi nechipi, kana mufananidzo womurume kana womukadzi,
17
kana mufananidzo wemhuka ipi neipi iri panyika, kana mufananidzo weshiri ipi neipi ina mapapiro, inobhururuka mudenga,
18
kana mufananidzo wechinhu chipi nechipi chinokambaira pasi, kana mufananidzo wehove ipi neipi iri mumvura pasi penyika;
19
kuti murege kusimudzira meso enyu kudenga, zvino kana muchiona zuva nomwedzi nenyenyedzi, hondo yose yokudenga, mukatsautswa mukanamata kwazviri nokuzvishumira, izvo zvakagoverwa ndudzi dzose dziri pasi pedenga naJehovha Mwari wenyu.
20
Asi Jehovha akakutorai imi, akakubudisai muchoto chamatare, paIjipiti, kuti muve vanhu venhaka yake, sezvamuri nhasi.
21
Jehovha akanditsamwirawo nokuda kwenyu, akapika kuti ini handingayambuki Jodhani, ndipinde munyika iyo yakanaka, yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu, kuti ive yenyu.
22
Asi ini ndinofanira kufira munyika ino, handifaniri kuyambuka Jodhani asi imi muchayambuka henyu, mukapiwa nyika iyo yakanaka.
23
Muzvichenjerere, kuti murege kukanganwa sungano yaJehovha Mwari wenyu, yaakaita nemi, mukazviitira chifananidzo chakavezwa chomufananidzo wechinhu chipi nechipi, chawakadziviswa naJehovha Mwari wako.
24
Nokuti Jehovha Mwari wako, moto unoparadza, naMwari ane godo.
25
“Zvino kana iwe wabereka vana navazukuru, mukagara nguva huru panyika, mukazvishatsa, mukaita chifananidzo chakavezwa nomufananidzo wechinhu chipi nechipi, mukaita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wako, mukamutsamwisa;
26
ini ndinodana denga napasi zvikupupurirei nhasi, kuti muchakurumidza kuparadzwa chose panyika yamunoyambukira Jodhani kuti muende kwairi kuiita yenyu; hamungaitimo mazuva mazhinji, asi muchaparadzwa chose.
27
Jehovha uchakuparadzirai pakati pendudzi, muchasara muri vashoma pakati pendudzi, kwamuchandoiswa naJehovha.
28
Apo muchashumira vamwari, vakaitwa namaoko avanhu, vamatanda navamabwe, vasingaoni, kana kunzwa, kana kudya, kana kunhuwidza.
29
Asi kana mukazotsvaka Jehovha Mwari wako, ipapo, uchamuwana, kana ukamutsvaka nomwoyo wako wose nomweya wako wose.
30
Zvino kana uri munjodzi, zvinhu izvi zvose zvakuwira, pamazuva okupedzisira uchadzokera kuna Jehovha Mwari wako, ukateerera izwi rake.
31
Nokuti Jehovha Mwari wako ndiMwari une nyasha; haangakusiyi, kana kukuparadza, kana kukanganwa sungano yamadzibaba ako, yaakavapikira.
32
“Nokuti bvunzai henyu zvino pamazuva akapfuura, imi musati mavapo, kubva pazuva rokusikwa kwavanhu panyika naMwari, kubva panorumwe rutivi rwedenga kusvikira kuno rumwe, kana kwaimbovapo chinhu chikuru chakadai, kunyangwe kumbonzwika chakadai?
33
Ko kuna vanhu, vakambonzwa izwi raMwari richitaura riri mukati momoto, sezvamakanzwa imi, vakararama here?
34
Kana Mwari akatongoidza kundozvitsaurira rudzi pakati porumwe rudzi, nemiidzo, nezviratidzo, nezvinoshamisa, nehondo, nechanza chine simba, noruoko rwakatambanudzwa, nezvinotyisa kwazvo, sezvamakona zvamakaitirwa zvose naJehovha paIjipiti here?
35
Imi makaratidzwa izvozvo, kuti muzive kuti Jehovha ndiye Mwari; hakuno mumwe kunze kwake.
36
Wakakunzwisai izwi rake ari kudenga, kuti akudzidzisei; panyika wakakuonesa moto wake mukuru; iwe wakanzwa mashoko ake ari mukati momoto.
37
Wakada madzibaba ako, naizvozvo akazvitsaurira vana vavo vakavatevera, akakubudisa muIjipiti, iye anewe nesimba rake guru;
38
kuti adzinge pamberi pako ndudzi dzinokupfuura noukuru nesimba, akupinze iwe, akupe nyika yavo ive nhaka yako, sezvazviri nhasi.
39
Naizvozvo uzive nhasi, uzvichengete mumwoyo mako, kuti Jehovha ndiye Mwari kudenga kumusoro napanyika pasi; hakuna mumwe.
40
Unofanira kuchengeta zvaakatema, nemirairo yake, yandinokuraira nhasi, kuti ufare iwe navana vako vanokutevera, kuti uwedzere mazuva ako panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako nokusingaperi.”
41
Zvino Mosesi akatsaura maguta matatu mhiri kwaJodhani kumabvazuva;
42
kuti muurayi agone kutizirako, iye wakauraya wokwake, asina kuita maune, asina kumuvenga kare; kuti kana achinge atizira kune rimwe ramaguta iwayo, ararame;
43
aiti: Bhezeru murenje, kunyika yamapani, yavaRubheni, neRamoti-giriyadhi, yavaGadhi, neGorani paBhashani, yavaManase.
44
Zvino ndiwo murairo wakaiswa naMosesi pamberi pavana VaIsiraeri.
45
Ndizvo zvakapupurwa, zvakatemwa, nezvakatongwa, zvakataurwa naMosesi kuvana VaIsiraeri, pakubuda kwavo Ijipiti;
46
vari kumabvazuva kwaJodhani, pamupata wakatarisana neBheti–peori, munyika yaSihoni, mambo waVaAmori, wakanga agere Heshibhoni, iye wakakundwa naMosesi navana VaIsiraeri, pakubuda kwavo Ijipiti;
47
vakatora nyika yake, nenyika yaOgi, mambo weBhashani, ikava yavo; iwo madzimambo maviri aVaAmori, vakanga vari mhiri kwaJodhani, kumabvazuva;
48
kubva paAroeri, kumapeto kwopata weArinoni, kusvikira pagomo reSioni (ndiro Herimoni),
49
noMupata wose uri mhiri kwaJodhani kumabvazuva, kusvikira pagungwa romupata, pajinga pePisiga.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34