bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Numbers 16
Numbers 16
Shona 2009?
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 17 →
1
Zvino Kora, mwanakomana waIzari, mwanakomana waKohati, mwanakomana waRevhi, naDhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhu, naOni, mwanakomana waPereti, vanakomana vaRubheni, vakatora varume,
2
vakamukira Mozisi, vana vamwe vavana vaIsiraeri, vaiva vakuru veungano. vana mazana maviri namakumi mashanu, vakanga vakadamwa kumakurukota, varume vakanga vakakurumbira;
3
vakaunganira kuna Mozisi naAroni, vakati kwavari,"Zvaringana, nokuti vanhu vose veungano vatsvene, mumwe nomumwe wavo; Jehovha ari pakati pavo; imwi munozvikudzireiko pamakurukota aJehovha?"
4
Mozisi akati achizvinzwa, akawira pasi nechiso chake;
5
akataura naKora neboka rake rose, akati, "Mangwana Jehovha acharatidza kuti vanhu vake ndivanani, uye kuti mutsvene ndiani, uye kuti ndiani waachaswededza kwaari; iye waanotsaura, ndiye waachazoswededza kwaari.
6
Itai kudai: Torai hadyana dzezvinonhuhwira, iwe Kora, neveboka rako rose;
7
mangwana muise moto mukati madzo, nokuisawo zvinonhuhwira pamusoro padzo pamberi paJehovha; zvino munhu anotsaurwa naJehovha, ndiye achava mutsvene. Zvaringana, imwi vanakomana vaRevhi."
8
Mozisi akatiwo kuna Kora, "Teererai, imwi vanakomana vaRevhi:
9
Ko munoti chinhu chiduku kuti Mwari waIsiraeri akakutsaurai paungano yaIsiraeri, kuti akuswededzei kwaari, kuti mubate basa retabhenakeri yaJehovha, nokumira pamberi peungano, nokuvabatira,
10
akakuswededza, nehama dzako dzose, vanakomana vaRevhi, pamwechete newe here? Zvino motsvaka upristawo here?
11
Naizvozvo iwe neboka rako rose maungana kuzorwa naJehovha; Aroni ndianiko, zvamunomupopotera iye?"
12
Ipapo Mozisi akatuma munhu kundodana Dhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhu; asi ivo vakati, "Hatidi kukwirako.
13
Chinhu chiduku here zvawakatibudisa munyika inoyerera mukaka nouchi, kuti utiurayire murenje; zvino woda kuzviita ishe pamusoro pedu here?
14
Uye hauna kutiisa munyika inoyerera mukaka nouchi, kana kutipa nhaka yeminda neyeminda yemizambiringa; zvino unoda kutumbura meso avanhu ava here? Hatidi kukwirako."
15
Ipapo Mozisi akatsamwa kwazvo, akati kuna Jehovha, "Musagamuchira chipiriso chavo; handina kuvatorera mbongoro imwe, handina kuitira mumwe wavo zvakaipa."
16
Ipapo Mozisi akati kuna Kora, "Iwe neboka rako rose, uyai pamberi paJehovha mangwana, iwe, naivo, naAroni;
17
mumwe nomumwe atore hadyana yake yezvinonhuhwira, muise zvinonhuhwira mukati madzo, muuye nadzo pamberi paJehovha, mumwe nomumwe hadyana yake yezvinonhuhwira, hadyana dzina mazana maviri namakumi mashanu; newewo, naAroni, mumwe nomumwe hadyana yake."
18
Zvino mumwe nomumwe akatora hadyana yake, akaisa moto mukati mayo, akaisawo zvinonhuhwira pamusoro padzo, akandomira pamukova wetende rokusangana, pamwechete naMozisi naAroni.
19
Kora akaunganidza ungano yose pamukova wetende rokusangana; kubwinya kwaJehovha kukaonekwa neungano yose.
20
Ipapo Jehovha akataura naMozisi naAroni, akati,
21
"Zvitsaurei imwi paungano iyi, ndivaparadze pakarepo."
22
Zvino vakawira pasi nezviso zvavo, vakati, "Haiwa, Mwari, Mwari wemweya yavanhu vose, ko kana munhu mumwe akatadza, mungatsamwira ungano yose here?"
23
Ipapo Jehovha akataura naMozisi, akati,
24
"Taura neungano, uti, `Ibvai patabhenakeri yaKora, naDhatani, naAbhiramu.' "
25
Ipapo Mozisi akasimuka, akaenda kuna Dhatani naAbhiramu; vakuru vaIsiraeri vakamutevera.
26
Akataura neungano, akati, "Ibvai pamatende avarume ava vakaipa, musatongobata chinhu chavo, kuti murege kuparadzwa pazvivi zvavo zvose."
27
Naizvozvo vakabva patabhenakeri yaKora, naDhatani, naAbhiramu, kumativi ose, Dhatani naAbhiramu vakabuda, vakandomira pamikova yamatende avo navakadzi vavo navana vavo, nezvana zvavo zviduku.
28
Zvino Mozisi akati, "Muchaziva nezvizvi kuti Jehovha akandituma kuti ndiite mabasa awa ose; nokuti handina kuaita nokuda kwangu.
29
Kana varume ava vakafa savamwe vanhu vose, kana zvimwe vakasvikirwa nezvinosvikira vamwe vanhu vose, Jehovha haana kundituma.
30
Asi kana Jehovha akasika chinhu chitsva, panyika ikashamisa muromo wayo, ikavamedza, ivo nezvose zvavo, vakaburukira muhwiro vari vapenyu, ipapo muchaziva kuti varume ava vakazvidza Jehovha."
31
Zvino akati apedza kutaura mashoko awa ose, pasi pavo pakatsemuka,
32
nyika ikashamisa muromo wayo, ikavamedza, ivo nemhuri dzavo, navanhu vose vakanga vari vaKora, nenhumbi dzavo dzose.
33
Naizvozvo ivo, nezvose zvavo, vakaburukira kuhwiro vari vapenyu; ivhu rikavafukidza, vakaparadzwa pakati peungano.
34
Ipapo vaIsiraeri vose vakanga vakavakomba vakatiza nokuchema kwavo, nokuti vakati, "Nyika irege kutimedzawo."
35
Ipapo moto ukabuda kuna Jehovha, ukaparadza varume avo vaiva namazana maviri namakumi mashanu, vakanga vachipisira zvinonhuhwira.
36
Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
37
"Taura naEreazari, mwanakomana waAroni muprista, kuti anonge hadyana dzezvinonhuhwira pakati pomoto, iwe uparadzire moto kure, nokuti hadyana itsvene;
38
idzo hadyana dzezvinonhuhwira dzavanhu avo vakatadza vakaurawa, dzipambadzirwe, kufukidza aritari nadzo; nokuti vakanga vauya nadzo pamberi paJehovha, naizvozvo itsvene; chichava chiratidzo kuvana vaIsiraeri."
39
Zvino muprista Ereazari akatora hadyana dzezvinonhuhwira dzendarira, dzakanga dzauyiswa navakazopiswa, akadzipambadzira kuti aritari ifukidzwe nadzo;
40
kuti chive chirangaridzo kuvana vaIsiraeri, kuti mutorwa, asati ari worudzi rwaAroni, arege kuswedera kuti apise zvinonhuhwira pamberi paJehovha, arege kuzoitirwa saKora neboka rake; sezvakataura Jehovha naye nomuromo waMozisi.
41
Fume mangwana ungano yose yavana valsiraeri yakapopotera Mozisi naAroni, vachiti, "imwi makauraya vanhu vaJehovha."
42
Zvino ungano yakati yaungana kuzorwa naMozisi naAroni, vakatarira kutende rokusangana, vakaona kuti gore rarifukidza, nokubwinya kwaJehovha kukaonekwa.
43
Ipapo Mozisi naAroni vakandomira pamberi petende rokusangana,
44
Jehovha akataura naMozisi, akati,
45
"Ibvai paungano iyi, ndivaparadze pakarepo." Ivo vakawira pasi nezviso zvavo.
46
Mozisi akati kuna Aroni, "Tora hadyana yako yezvinonhuhwira, uise moto unobva paaritari mukati mayo, nokuisawo zvinonhuhwira pamusoro payo, ukurumidze kuenda nazvo kuungano, uvayananisire; nokuti Jehovha atsamwa, denda ratanga."
47
Aroni akaitora, sezvakataura Mozisi, akamhanyira pakati peungano, onei denda rakanga ratanga pakati pavanhu; akaisa zvinonhuhwira pamusoro payo, akayananisira vanhu.
48
Akandomira pakati pavakafa navapenyu, denda rikaguma.
49
Zvino vakanga vafa nedenda vakasvika zviuru zvine gumi nezvina namazana manomwe, vakanga vafa nokuda kwaKora vasingaverengwi.
50
Ipapo Aroni akadzokera kuna Mozisi kumukova wetende rokusangana, denda rikaguma.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36