bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Numbers 23
Numbers 23
Shona 2009?
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 24 →
1
Zvino Bharamu akati kuna Bharaki, "Ndivakire pano aritari nomwe, undigadzirire pano nzombe nomwe namakondobwe manomwe."
2
Bharaki akaita sezvakataura Bharamu; Bharaki naBharamu vakabayira paaritari imwe neimwe nzombe imwe negondobwe rimwe.
3
Zvino Bharamu akati kuna Bharaki, "Chimira iwe pachipiriso chako chinopiswa, asi ini ndichaenda; zvimwe Jehovha achauya kuzosangana neni; zvose zvaanondiratidza, ndichakuudza izvo." Akaenda pakakwirira, pakanga pasina chinhu.
4
Ipapo Mwari akasangana naBharamu, iye akati kwaari, "Ndagadzira aritari nomwe, ndikabayira nzombe negondobwe paaritari imwe neimwe."
5
Jehovha akaisa shoko mumuromo waBharamu, akati, "Dzokera kuna Bharaki, utaure kwaari kudai."
6
Akadzokera kwaari, akamuwana amire pachipiriso chake chinopiswa, iye namachinda ose aMoabhu.
7
Ipapo akataura nomufananidzo wake, akati, "Bharaki akanditora paArami, Mambo waMoabhu akanditora pamakomo okumabvazuva, Achiti, `Uya unditukire Jakobho, Uya, unditsamwire Isiraeri.'
8
Ini ndingatuka seiko asina kutukwa naMwari; Ini ndingatsamwira seiko asina kutsamwirwa naJehovha?
9
Nokuti ndinomuona ndiri pamusoro pamatombo, Ndinomutarira ndiri pamusoro pezvikomo; Havangaverengwi pakati pendudzi.
10
Ndianiko angaverenga guruva raJakobho, Kana kuverenga chikamu chechina chaIsiraeri? Kuguma kwangu ngakufanane nokwake!"
11
Zvino Bharaki akati kuna Bharamu, "Wandiiteiko? Ndanokutora kuti utuke vavengi vangu; tarira, waramba uchingovaropafadza."
12
Akapindura, akati, "Ko handifaniri kuchenjera kuti nditaure zvinoiswa naJehovha mumuromo mangu here?"
13
Bharaki akati kwaari, "Douya hako neni kune imwe nzvimbo, paungavaona uripo; ungangoona vokumudzivo voga, haungavaoni vose; nditukirei ivo uri ipapo."
14
Zvino akaenda naye kumunda waZofimu, pamusoro pePisiga, akavaka aritari nomwe, akabayira nzombe negondobwe paaritari imwe neimwe.
15
Akati kuna Bharaki, "Chimira pano pachipiriso chako chinopiswa, ini ndindosangana naJehovha uko.
16
Ipapo Jehovha akasangana naBharamu, akaisa shoko mumuromo make, akati, "Dzokera kuna Bharaki utaure kudai."
17
Iye akaenda kwaari, akamuwana amire pachipiriso chake chinopiswa, machinda aMoabhu anaye. Bharaki akati kwaari, "Jehovha wakataureiko?"
18
Ipapo akataura nomufananidzo wake, akati, "Simuka, iwe Bharaki, unzwe; Nditeerere, iwe mwanakomana waZipori:
19
Mwari haazi munhu,Haangarevi nhema; Kunyange Mwanakomana womunhu Haangashanduki; Chaakataura, haangachiiti kanhi? Chaakataura, haangachisimbisi kanhi?
20
Tarira, ndakarairwa kuti ndiropafadze; lye wakatopafadza, ini handigoni kuzvishandura.
21
Haana kuona zvakaipa kuna Jakobho; Haana kuona zvakashata kuna Isiraeri; Jehovha Mwari wake anaye, Vanopupurira mambo pakati pavo.
22
Mwari akavabudisa Ijipiti, Ane simba rakafanana nerenyati.
23
Zvirokwazvo hakuna un'anga kuna Jakobho, Uye hakuna kuuka kuna Isiraeri; Zvino zvicharehwa pamusoro paJakobho napamusoro paIsiraeri, Zvakaitwa naMwari,
24
Tarirai, vanhu avo vanosimuka seshumbakadzi, Vanosimuka seshumba. Havangavati pasi vasati vadya chakabatwa, Nokumwa ropa rechakaurawa."
25
Zvino Bharaki akati kuna Bharamu, "Usatongovatuka, kana kutongovaropafadza."
26
Asi Bharamu akapindura, akati kuna Bharaki, "Handina kukuudza here, ndikati, `Zvose zvinotaurwa naJehovha, ndizvo zvandinofanira kuita?' "
27
Bharaki akati kuna Bharamu, "Uya zvino, ndiende newe kune imwe nzvimbo; zvimwe Mwari angafara nazvo kuti unditukire ivo, uri ipapo."
28
Zvino Bharaki akaenda naBharamu pamusoro pePeori, panotarira pasi kurenje.
29
Bharamu akati kuna Bharaki, "Ndivakire pano aritari nomwe, undigadzirire pano nzombe nomwe namakondobwe manomwe."
30
Bharaki akaita sezvakarehwa naBharamu, akabayira nzombe negondobwe paaritari imwe neimwe.
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 24 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36