bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Numbers 3
Numbers 3
Shona 2009?
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 4 →
1
Zvino ndiwo marudzi aAroni naMozisi nomusi wakataura Jehovha nawo naMozisi pagomo reSinai:
2
Ndiwo mazita avanakomana vaAroni: Wedangwe, Nadhabhi, tevere Abhihu naEreazari naltamari.
3
Ndiwo mazita avanakomana vaAroni, vaprista vakazodzwa, vaakagadza kuti vashumire pabasa rouprista.
4
Asi Nadhabhi naAbhihu vakafa pamberi paJehovha nguva yavakauyisa moto usakafanira pamberi paJehovha murenje reSinai; vakanga vasina vana; asi Ereazari naItamari vakashumira pabasa rouprista pamberi paAroni, baba vavo.
5
Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
6
"Swededza rudzi rwaRevhi, uvaise pamberi paAroni muprista, kuti vamushumire.
7
Vanofanira kumubatira iye, nokubatira ungano yose pamberi petende rokusangana, kuti vapedzise mabasa etabhenakeri.
8
Vanofanira kuchengeta nhumbi dzose dzetende rokusangana, nokubatira vana vaIsiraeri, kuti vapedzise mabasa etabhenakeri.
9
Vanofanira kupa Aroni navanakomana vake vaRevhi; vakapiwa chose pakati pavana vaIsiraeri.
10
Asi Aroni navanakomana vake unofanira kuvagadza, kuti vabate basa rouprista hwavo; asina kufanira, usaswederapo, anofanira kuurawa."
11
Jehovha akataura naMozisi,
12
Tarira ini ndomene ndakatora vaRevhi pakati pavana vaIsiraeri panzvimbo yamatangwe ose anotanga kuzarura chizvaro pakati pavana vaIsiraeri; vaRevhi ndavangu;
13
nokuti matangwe ose ndaangu; musi wandakauraya matangwe ose panyika yeIjipiti, ndakazvitsaurira matangwe ose pavaIsiraeri, pavanhu napazvipfuwo; anofanira kuva angu; ndini Jehovha."
14
Zvino Jehovha akataura naMozisi murenje reSinai akati,
15
"Verenga vana vaRevhi nedzimba dzamadzibaba avo, nemhuri dzavo; unofanira kuverenga varume vose vomwedzi mumwe navanopfuura."
16
Ipapo Mozisi akavaverenga neshoko raJehovha sezvaakarairwa.
17
Ndivo vanakomana vaRevhi namazita avo: Geshoni, naKohati, naMerari.
18
Ndiwo mazita avanakomana vaGeshoni, nemhuri dzavo: Ribhini naShimei.
19
Navanakomana vaKohati nemhuri dzavo: Amuramu naIzhari naHebhuroni naUzieri.
20
Navanakomana vaMerari nemhuri dzavo: Mari naMushi. Ndidzo mhuri dzavaRevhi, nedzimba dzamadzibaba avo.
21
Geshoni ndiye teteguru wavaRibhini navaShimei, ndidzo mhuri dzavaGeshoni.
22
Vakaverengwa kwavari, vari varume vose vakaverengwa vomwedzi mumwe navanopfuura, vakasvika zviuru zvinomwe namazana mashanu.
23
Mhuri dzavaGeshoni dzinofanira kudzika matende adzo shure kwetabhenakeri kumavirazuva.
24
Eriasafi, mwanakomana waRaeri, ndiye anofanira kuva muchinda weimba yamadzibaba avaGeshoni.
25
Vanakomana vaGeshoni vanofanira kuchengeta zvinhu izvi mutende rokusangana, tabhenakeri, netende, nechifukidzo chayo, nechidzitiro chomukova wetende rokusangana.
26
Nezvirembedzwa zvoruvazhe, nechidzitiro chomukova woruvazhe, ruri patabhenakeri nokunhivi dzose dzeatari, namabote ayo, zvokubata mabasa ayo ose.
27
Kohati ndiye tateguru wavaAmuramu, navaIzhari, navaHebhuroni, navaUzieri; ndidzo mhuri. dzavaKohati.
28
Varume vose vomwedzi mumwe navanopfuura vakaverengwa vakasvika zviuru zvisere namazana matanhatu; ndivo vaibata mabasa paimba tsvene.
29
Mhuri dzavanakomana vaKohati dzinofanira kudzika matende adzo kurutivi rwetebhenakeri nechenyasi
30
Erizafani mwanakomana waUzieri, ndiye anofanira kuva muchinda weimba yamadzibaba emhuri dzavaKohati.
31
Ivo vanofanira kuchengeta areka, netafura, nechigadziko chemwenje, nearitari, nenhumbi dzeimba tsvene, dzavanobata nadzo, nechidzitiro, namabasa ose ayo.
32
Ereazari, mwanakomana waAroni muprista, ndiye anofanira kuva muchinda wamachinda avaRevhi, iye anofanira kuva mutariri wavanobata mabasa paimba tsvene.
33
Merari ndiye teteguru wavaMari navaMushi; ndidzo mhuri dzaMerari.
34
Vakaverengwa kwavari, ivo varume vose vomwedzi mumwe navanopfuura, vakasvika zviuru zvitanhatu namazana maviri.
35
Zurieri, mwanakomana waAbhihairi, ndiye anofanira kuva muchinda weimba yamadzibaba emhuri dzaMerari; ivo vanofanira kudzika matende avo kurutivi rwetabhenakeri nechokumusoro.
36
Basa rakatarirwa vanakomana vaMerari nderokuchengeta matanda etabhenakeri, nembariro dzayo, nembiru dzayo, nezvigadziko zvadzo, nenhumbi dzayo dzose, namabasa ayo ose;
37
nembiru dzaparuvazhe kunhivi dzose, nezvigadziko zvadzo, nembambo dzadzo, namabote adzo.
38
Avo vanodzika matende avo pamberi petabhenakeri kumabvazuva pamberi petende rokusangana, kurutivi runobuda zuva, ndivo Mozisi naAroni navanakomana vake, vanobata basa renzvimbo tsvene, ndiro basa ravana vaIsiraeri; asina kufanira anoswederapo anofanira kuurawa.
39
Vose vakaverengwa vavaRevhi, vakaverengwa naMozisi naAroni sezvakarairwa naJehovha, nemhuri dzavo, varume vose vomwedzi mumwe navanopfuura, vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezviviri.
40
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Verenga matangwe ose avarume avana vaIsiraeri vomwedzi mumwe navanopfuura, ugonyora kuwanda kwamazita avo.
41
Zvino unofanira kunditorera vaRevhi (ndini Jehovha) panzvimbo yamatangwe ose avana vaIsiraeri, nemombe dzavaRevhi panzvimbo yavana vose vemhongora dzemombe dzavana vaIsiraeri."
42
Mozisi akaverenga matangwe ose avana vaIsiraeri, sezvaakarairwa naJehovha.
43
Namatangwe ose avarume namazita avanomwedzi mumwe navanopfuura vakaverengwa kwavari, vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezviviri namazana maviri namakumi manomwe namatatu.
44
Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
45
"Tora vaRevhi panzvimbo yamatangwe ose avana vaIsiraeri, nemombe dzavaRevhi panzvimbo yemombe dzavo; nokuti vaRevhi ndavangu; ndini Jehovha.
46
Zvino kuti udzikunure matangwe ana mazana maviri namakumi manomwe namatatu avana vaIsiraeri, vanopfuura vaRevhi pakuwanda kwavo,
47
unofanira kutora mashekeri mashanu kuno mumwe nomumwe; unofanira kuatora uchienzanisa neshekeri rapanzvimbo tsvene (shekeri rina magera makumi maviri).
48
Zvino unofanira kupa Aroni navanakomana vake mari iyo yokudzikunura avo vakapfuura pakaverengwa pakati pavo."
49
Mozisi akatora mari yokudzikunura kuna ivo vakanga vakapfuura vakadzikunurwa navaRevhi;
50
akatora mari iyi kumatangwe avana vaIsiraeri, mashekeri ane chiuru chimwe namazana matatu namakumi matanhatu namashanu, achienzanisa neshekeri rapanzvimbo tsvene.
51
Mozisi akapa Aroni navanakomana vake mari iyo yokudzikunura, seshoko raJehovha, sezvakarairwa Mozisi naJehovha.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36