bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Numbers 17
Numbers 17
Shona 2009?
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 18 →
1
Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
2
"Taura navana vaIsiraeri, utore kwavari tsvimbo, imwe paimba imwe neimwe yamadzibaba avo, tsvimbo dzine gumi nembiri, pamachinda avo ose nedzimba dzamadzibaba avo; zvino unofanira kunyora zita romumwe nomumwe patsvimbo yake.
3
Asi zita raAroni unofanira kurinyora patsvimbo yaRevhi; nokuti kunofanira kuva netsvimbo imwe yomukuru mumwe nomumwe wedzimba dzamadzibaba avo.
4
Zvino unofanira kudzichengeta mutende rokusangana pamberi peareka yechipupuriro, pandinosangana nemi.
5
Ipapo munhu andichatsaura, tsvimbo yake ichabuka, kuti ndigumise kunyunyuta kwavana vaIsiraeri kwavanokunyunyutira nako."
6
Zvino Mozisi akataura navana vaIsiraeri, machinda avo ose akamupa tsvimbo, imwe yomuchinda mumwe nomumwe nedzimba dzamadzibaba avo, ndidzo tsvimbo gumi nembiri; netsvimbo yaAroni yakanga iri pakati petsvimbo dzavo.
7
Mozisi akachengeta tsvimbo idzo pamberi paJehovha mutende rechipupuriro.
8
Fume mangwana Mozisi akapinda mutende rechipupuriro, onei tsvimbo yaAroni yeimba yaRevhi yakanga yabuka, yava namabukira, yabudisa maruva, yabereka maamanda akanga aibva.
9
Ipapo Mozisi akabudisa tsvimbo dzose pamberi paJehovha kuvanhu vaIsiraeri vose; vakatarira, mumwe nomumwe akatora tsvimbo yake.
10
Jehovha akati kuna Mozisi, "Dzosera tsvimbo yaAroni pamberi pechipupuriro, ichengetwe chive chiratidzo chavanhu vakandimukira; kuti ugumise kundinyunyutira kwavo, varege kufa."
11
Mozisi akaita saizvozvo; sezvaakarairwa naJehovha, ndizvo zvaakaita.
12
Vana vaIsiraeri vakataura naMozisi, vakati, "Tarira, tofa, topera, topera tose.
13
Mumwe nomumwe anoswedera, anoswedera kutabhenakeri yaJehovha, anofa; zvino tichafa tose kanhi?"
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36