bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Numbers 24
Numbers 24
Shona 2009?
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 25 →
1
Zvino Bharamu akati achiona kuti zvakanga zvichifadza Jehovha kuropafadza Isiraeri, haana kuzoenda sapane dzimwe nguva, kutsvaka un'anga, asi akaringira kurenje,
2
Bharamu akasimudza meso ake, akaona vaIsiraeri vagere namarudzi avo; Mweya waMwari akauya pamusoro pake,
3
akataura nomufananidzo wake, akati, "Zvanzi naBharamu, mwanakomana waBheori, Zvanzi nomurume akasvinudzwa meso ake,
4
Zvanzi naiye anonzwa mashoko aMwari, Iye unoona zvinoratidzwa naWamasimbaose, Iye anowira pasi, asvinudzwa meso ake;
5
Matende ako akanaka zvikuru sei, iwe Jakobho, Nedzimba dzako, iwe Isiraeri!
6
Vakatasanurwa semipata, Seminda kunhivi dzorwizi, Samagavakava akasimwa naJehovha, Semichindwe pedo nemvura.
7
Mvura inobva pazvirongo zvake, Mbeu dzake dzichava pamvura zhinji. Mambo wake achakurira Agagi, Ushe hwake huchakuriswa.
8
Mwari akamubudisa Ijipiti, Ane simba rakafanana nerenyati; Achapedza vahedheni, ivo vavengi vake; Achavhuna-vhuna mapfupa avo, Nokuvabvoora nemiseve yake.
9
Anokotama, anovata pasi seshumba, Seshumbakadzi; ndianiko achamumutsa? Mumwe nomumwe anokuropafadza, ngaaropafadzwe, Mumwe nomumwe anokutuka, ngaatukwe."
10
Ipapo Bharaki akatsamwira Bharamu kwazvo, akabubudza maoko ake; Bharaki akati kuna Bharamu, "Ndakudana, kuti utuke vavengi vangu, asi tarira, waramba uchingovaropafadza katatu.
11
Naizvozvo zvino chitiza hako kunzvimbo yako; nokuti ndakati ndichakukudza kwazvo; asi tarira, Jehovha adzivisa kukudzwa kwako."
12
Bharamu akati kuna Bharaki, "Ko handina kutaurawo kunhume dzako, dzawakatuma kwandiri, ndichiti,
13
'Kunyange Bharaki akandipa imba yake izere nesirivha nendarama, handingagoni kudarika shoko raJehovha, ndiite nomoyo wangu zvakanaka kana zvakaipa; zvinotaurwa naJehovha, ndizvo zvandichaita?'
14
Zvino tarira, ndinoenda hangu kurudzi rwangu; uya ndikuudze zvichaitirwa vanhu vako navanhu ava pamazuva okupedzisira."
15
Akataura nomufananidzo wake, akati,"Zvanzi naBharamu, mwanakomana waBheori, Zvanzi nomurume akasvinudzwa meso ake;
16
Zvanzi naiye anonzwa mashoko aMwari, Iye anoziva zivo yoWokudenga-denga, Iye anoona zvinoratidzwa noWamasimbaose,Iye anowira pasi, asvinudzwa meso ake.
17
Ndinomuona, asi handimuoni zvino; Ndinomuona, asi handimuoneri pedo; Nyeredzi ichabuda kuna Jakobho, Netsvimbo youshe ichabva kuna Isiraeri; Ichabvoora nyika yaMoabhu, Nokuparadza vanakomana vose vebope.
18
Edhomu ichava nhaka yake, NeSeiriwo ichava nhaka yake, ndivo vavengi vake; Asi Isiraeri achakunda.
19
Mumwe, achabva kuna Jakobho, achava noushe, achaparadza vakasara muguta."
20
Zvino akatarira Amareki, akataura nomufananidzo wake, akati, "Amareki ndiye wokutanga wavahedheni, Asi pakupedzisira achaparadzwa."
21
Zvino akatarira vaKeniti, akataura nomufananidzo wake, akati, "Ugaro hwako hwakasimba, Dendere rako rakateyiwa padombo.
22
Kunyange zvakadaro Kaini achaparadzwa, Kusvikira iwe uchitapwa naAshuri."
23
Akataura nomufananidzo wake akati,"Haiwa! Ndianiko achararama, kana Mwari achiita saizvozvo?
24
Asi zvikepe zvichabva kurutivi rweKitimi, Zvicharwadza Ashuri, nokurwadza Ebheri, Naiyewo achaparadzwa."
25
Ipapo Bharamu akasimuka, akadzokera kunzvimbo yake; naBharaki akaendawo.
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 25 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36