bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Numbers 31
Numbers 31
Shona 2009?
← Chapter 30
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 32 →
1
Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
2
"Tsiva vana vaIsiraeri kuvaMidhiani; shure kwaizvozvo iwe uchasanganiswa navanhu vako."
3
Mozisi akataura navanhu, akati, "Varume pakati penyu ngavazvigadzirire kurwa, kuti vandorwa navaMidhiani, vatsivire Jehovha kuvaMidhiani.
4
Munofanira kutumira kuhondo vane chiuru chimwe kurudzi rumwe norumwe rwamarudzi avaIsiraeri."
5
Naizvozvo vakaverenga kuzviuru zvavaIsiraeri chiuru chimwe kurudzi rumwe norumwe, vakasvika zviuru gumi nezviviri vakazvigadzirira kundorwa.
6
Mozisi akavatuma kundorwa, chiuru chimwe kurudzi rumwe norumwe, ivo naPinehasi, mwanakomana waEreazari muprista, kundorwa, iye akabata nhumbi dzeimba tsvene nehwamanda dzokuridzisa nadzo.
7
Vakarwa navaMidhiani, sezvakarairwa Mozisi naJehovha, vakauraya varume vose.
8
Vakaurayawo madzimambo avaMidhiani, pamwechete navamwe vakaurawa, vaiti: Evhi, naRekemu, naZuri, naHuri, naRebha, madzimambo mashanu avaMidhiani; naBharamu, mwanakomana waBheori, vakamuurayawo nomunondo.
9
Vana vaIsiraeri vakatapa vakadzi vavaMidhiani navana vavo; nemombe dzavo dzose namakwai avo ose, nefuma yavo yose, vakazvitapa.
10
Namaguta avo ose mavakanga vagere, nemisasa yavo yose, vakazvipisa nomoto.
11
Vakatora zvavakapamba zvose, nenhapwa dzose dzavanhu nedzezvipfuwo.
12
Vakauya navatapwa, nezvavakatapa, nezvavakapamba kuna Mozisi, nokuna Ereazari muprista, nokuungano yose yavana vaIsiraeri, kumisasa pamapani aMoabhu, ari paJorodhani paJeriko.
13
Zvino Mozisi naEreazari muprista, namachinda ose eungano, vakaenda kundosangana navo kunze kwemisasa.
14
Mozisi akatsamwira vatariri vehondo, navakuru vezviuru navakuru vamazana, vakanga vachidzoka pakundorwa;
15
Mozisi akati kwavari, "Makachengeta vakadzi vose vari vapenyu here?
16
Tarirai, ndivo vakatadzisa vana vaIsiraeri pamberi paJehovha pazvakaitwa paPeori, vapiwa mano naBharamu, denda rikavapo pakati peungano yaJehovha.
17
Naizvozvo zvino urayai vakomana vose vari pakati pavana, muurayewo mukadzi mumwe nomumwe akavata nomurume;
18
asi muzvichengetere vanasikana vose, vasina kumbovata nomurume.
19
Asi imwi, endai mundogara mazuva manomwe kunze kwemisasa; ani naani akauraya munhu, ani naani akabata munhu akaurawa, muzvinatse pazuva retatu nerechinomwe, imwi navatapwa venyu.
20
Munofanirawo kusuka nguvo dzenyu dzose, nezvose zvakaitwa namatebwe, nezvose zvakarukwa nemvere dzembudzi, nezvinhu zvose zvakaitwa namatanda."
21
Ereazari muprista akati kuvarwi vose vakanga vandorwa, "Uyu ndiwo murayiro wakarairwa Mozisi naJehovha:
22
Ndarama, nesirivha, nendarira, nedare, netini, nomutobvu,
23
zvose zvisingaparadzwi nomoto, munofanira kuzvipinza mumoto kuti zvinatswe; kunyange zvakadaro zvinofanira kucheneswa nemvura yokunatsa; asi zvose zvingaparadzwa nomoto, munofanira kuzvipinza mumvura.
24
Munofanira kusuka nguvo dzenyu nezuva rechinomwe, kuti muve vakanaka, mugopinda mumisasa pashure."
25
Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
26
" Verenga vakatapwa zvamakatapa zvavanhu nezvezvipfuwo, iwe naEreazari muprista, navakuru vedzimba dzamadzibaba eungano;
27
mukamure zvakatapwa napakati, ive migove miviri; mugovere pakati pavarume vanoziva kurwa, vakanga vandorwa, neungano yose;
28
zvino uraire kuti mugove wakatarwa utsaurirwe Jehovha navarume vehondo vakanga vandorwa: Chipenyu chimwe kumazana mashanu, kuvanhu, nokumombe, nokumbongoro, nokumakwai;
29
uzvitore pahafu yavo, ugozvipa Ereazari muprista, chive chipiriso chinotsaurirwa Jehovha.
30
Asi pahafu yavana vaIsiraeri unofanira kutora chimwe kumakumi mashanu, kuvanhu, nokumombe, nokumbongoro, nokumakwai, kuzvipfuwo zvose, ugozvipa vaRevhi vanochengeta tabhenakeri yaJehovha."
31
Mozisi naEreazari vakaita sezvakarairwa Mozisi naJehovha.
32
Zvino zvakatapwa zvakanga zvasara, varume vehondo vatora mugove wavo, zvaiva makwai ane zviuru zvina mazana matanhatu nezviuru zvina makumi manomwe nezviuru zvishanu,
33
nemombe dzine zviuru zvina makumi manomwe nezviviri,
34
nembongoro dzine zviuru zvina makumi matanhatu nechiuru chimwe;
35
navakadzi vasina kumbovata navarume vane zviuru zvina makumi matatu nezviviri.
36
Hafu, yakagoverwa vakanga vaenda kundorwa, aiva makwai ane zviuru zvina mazana matatu, nezviuru zvina makumi matatu, nezviuru zvinomwe, namazana mashanu;
37
mugove wakatarwa, wakatsaurirwa Jehovha, waiva makwai ana mazana matanhatu namakumi manomwe namashanu.
38
Mombe dzaiva zviuru zvina makumi matatu nezvitanhatu; mugove wakatarwa, wakatsaurirwa Jehovha kunaidzo, waiva mombe dzina makumi manomwe nembiri.
39
Mbongoro dzaiva zviuru zvina makumi matatu namazana mashanu; mugove wakatarwa, wakatsaurirwa Jehovha kunaidzo, waiva mbongoro dzina makumi matanhatu neimwe.
40
Vanhu vaiva zviuru zvine gumi nezvitanhatu; mugove wakatarwa, wakatsaurirwa Jehovha kuna ivo, waiva vanhu vana makumi matatu navaviri.
41
Mozisi akapa Ereazari muprista mugove wakatarwa, chakanga chiri chipiriso chakatsaurirwa Jehovha, sezvakarairwa Mozisi naJehovha.
42
Pahafu yavana vaIsiraeri, yakanga yakamurwa naMozisi kuvanhu vakanga vandorwa,
43
(zvino hafu yeungano yaiva makwai ane zviuru zvina mazana matatu namakumi matatu, nezviuru zvinomwe namazana mashanu,
44
nemombe dzine zviuru zvina makumi matatu nezviuru zvitatu,
45
nembongoro dzine zviuru zvina makumi matatu namazana mashanu,
46
navanhu vane zviuru zvine gumi nezvitanhatu).
47
Pahafu yavana vaIsiraeri Mozisi akatora chimwe kumakumi mashanu, kuvana nokuzvipfuwo, akazvipa vaRevhi vaichengeta tabhenakeri yaJehovha; sezvakarairwa Mozisi naJehovha.
48
Zvino vatariri vaiva pamusoro pezviuru zvehondo, navakuru vezviuru, navakuru vamazana vakaswedera kuna Mozisi,
49
vakati kuna Mozisi, "Varanda venyu vakaverenga varume vehondo vanorairwa nesu; hakuna mumwe wedu usipo.
50
Zvino tauya nechipo chaJehovha, zvakawanikwa nomumwe nomumwe: Zvishongo zvendarama, neketani dzomumakumbo nedzomumaoko, nezvindori zvemimwe, nezvindori zvomunzeve, nezvomumutsipa, kuyananisira mweya yedu pamberi paJehovha."
51
Mozisi naEreazari muprista vakagamuchira kwavari ndarama, zviri zvishongo zvamarudzi ose zvakaitwa nayo.
52
Ndarama yose yechipiriso chakatsaurwa, chavakapa Jehovha, chavakuru vezviuru nechavakuru vamazana, aiva mashekeri ane zviuru zvine gumi nezvitanhatu namazana manomwe namakumi mashanu.
53
(Nokuti varume vehondo vakanga vatora mugove wavo wezvakatapwa, mumwe nomumwe.)
54
Mozisi naEreazari muprista vakagamuchira ndarama kuvakuru vezviuru navamazana, vakaiisa mutende rokusangana, kuti chive chirangaridzo kuvana vaIsiraeri pamberi paJehovha.
← Chapter 30
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 32 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36