bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Numbers 36
Numbers 36
Shona 2009?
← Chapter 35
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
1
Zvino vakuru vedzimba dzama dzibaba vemhuri yavana vaGiriyadhi, mwanakomana waManase, vemhuri dzavana vaJosefa, vakaswedera, vakataura pamberi paMozisi, napamberi pamachinda, vaiva vakuru vedzimba dzamadzibaba avana vaIsiraeri,
2
vakati, "Jehovha akaraira tenzi wangu, kuti agovere nyika nemijenya pakati pavana vaIsiraeri, ive nhaka yavo; uyezve, tenzi wangu wakarairwa naJehovha kupa vanasikana vaZerofehadhi, munun'una wedu, nhaka yake.
3
Zvino kana ivo vakawanikwa nomumwe wavanakomana vamarudzi mamwe avana vaIsiraeri, nhaka yavo ichafanira kubviswa panhaka yamadzibaba edu, ikawedzerwa panhaka yorudzi kwavanozondogara; saizvozvo ichabviswa panhaka yatakapiwa nemijenya.
4
Zvino kana gore reJubheri ravana vaIsiraeri richisvika, nhaka yavo ichawedzerwa panhaka yorudzi kwavagere; naizvozvo nhaka yavo ichabviswa panhaka yorudzi rwamadzibaba edu."
5
Zvino Mozisi akaraira vana vaIsiraeri sezvakataura Jehovha, akati, "Rudzi rwavana vaJosefa runotaura kwazvo.
6
Ndiro shoko rakarairwa naJehovha pamusoro pavanasikana vaZerofehadhi: Ngavawanikwe navavanoda; asi ngavawanikwe naveimba yorudzi rwababa vavo.
7
Naizvozvo hapana nhaka yavana vaIsiraeri ingabva kuno rumwe rudzi ikaenda kuno rumwe; nokuti vana vaIsiraeri vanofanira, mumwe nomumwe, kunamatira nhaka yorudzi rwamadzibaba avo.
8
Mwanasikana mumwe nomumwe ane nhaka parudzi rupi norupi rwavana vaIsiraeri, ngaawanikwe nomumwe weimba yorudzi rwababa vake, kuti vana vaIsiraeri, mumwe nomumwe, vagare nhaka yamadzibaba avo.
9
Naizvozvo hapana nhaka ingazobva kuno rumwe rudzi, ikaenda kuno rumwe rudzi, nokuti marudzi avana vaIsiraeri achanamatira, rumwe norumwe, nhaka yarwo."
10
Vanasikana vaZerofehadhi vakaita sezvakarairwa Mozisi naJehovha.
11
Nokuti Mara, naTiriza, naHogira, naMirika, naNowa, ivo vanasikana vaZerofehadhi, vakawanikwa navanakomana vavanunguna vababa vavo.
12
Vakawanikwa padzimba dzavana vaManase, mwanakomana waJosefa, nhaka ikagara parudzi rweimba yababa vavo.
13
Ndiyo mirairo nemitemo, yakarairwa vana vaIsiraeri naJehovha nomuromo waMozisi pamapani eMoabhu paJorodhani paJeriko.
← Chapter 35
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36