bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Numbers 6
Numbers 6
Shona 2009?
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 7 →
1
Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
2
"Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, `Kana murume, kunyange, mukadzi, akazvisunga nokupika kukuru, kupika komuNaziri, kuti azvitsaurire Jehovha;
3
anofanira kuramba waini nezvinobata, haafaniri kumwa vhiniga yewaini, kana vhiniga yezvinobata, uye haafaniri kumwa muto wemizambiringa,kana kudya mazambiringa matsva kana akaomeswa.'
4
Mazuva ose okuzvitsaura kwake haafaniri kudya chinhu chinobva pamuti womuzambiringa kubva pasvurwe kusvika pamateko.
5
Mazuva ose okupika kwake kuzvitsaura haafaniri kuveurwa musoro wake nechiso; anofanira kuva mutsvene, nevhudzi romusoro wake anofanira kurirega rirebe, kusvikira mazuva apera aakazvitsaurira Jehovha nawo.
6
Ngaarege kuswedera kuchitunha mazuva ose aanozvitsaurira Jehovha nawo.
7
Haafaniri kuzvisvibisa nokuda kwababa vake, kana nokuda kwamai vake, kana nokuda komunun'una wake, kana nokuda kwehanzvadzi yake, kana vafa; nokuti akazvitsaurira Mwari.
8
Mutsvene kuna Jehovha mazuva ose okuzvinatsa kwake.
9
Kana munhu akafa kamwe-kamwe pedo naye, akasvibisa musoro wake wakatsaurwa; ipapo anofanira kuveura musoro wake nomusi wokunatswa kwake, nomusi wechinomwe anofanira kuuveura.
10
Musi worusere anofanira kuuya kumuprista nenjiva mbiri kana twana twuviri twenjiva pamukova wetende rokusangana;
11
muprista agobayira imwe chive chipiriso chezvivi, neimwe chive chipiriso chinopiswa, amuyananisire zvaakatadza nokuda kowakafa, anatse musoro wake nomusi uyo.
12
Anofanira kutsaurira Jehovha mazuva okuzvitsaura kwake, ndokuuya negwayana regondobwe regore rimwe, chive chipiriso chemhosva; asi mazuva okutanga haangaverengwi, nokuti kuzvitsaura kwake kwakanga kwasvibiswa.
13
"Ndiwo murayiro womuNaziri, kana mazuva okuzvitsaura kwake achinge apera. Anofanira kuiswa kumukova wetende rokusangana;
14
kuti ape Jehovha chipo chake, chinoti gwayana rimwe, regondobwe regore rimwe, risina kuremara, chive chipiriso chinopiswa, negwayana rimwe resheche regore rimwe, risina kuremara, chive chipiriso chezvivi, negondobwe rimwe risina kuremara, chive chipiriso chokuyananisa,
15
nedengu rezvingwa zvisina kuviriswa, nezvingwa zviduku zvoupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, nezvingwa zvitete zvisina kuviriswa, zvakazodzwa namafuta, nechipiriso chazvo choupfu, nezvipiriso zvazvo zvinodururwa.
16
muprista anofanira kuuya nazvo pamberi paJehovha, ndokugadzira chipiriso chake chezvivi nechipiriso chake chinopiswa;
17
ndokuuya negondobwe chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa kuna Jehovha, pamwechete nedengu rezvingwa zvisina kuviriswa; muprista anofanira kuuyawo nechipiriso chacho choupfu, nechipiriso chacho chinodururwa.
18
Zvino muNaziri anofanira kuveura musoro wake wakatsaurwa pamukova wetende rokusangana, ndokutora vhudzi romusoro wake wakatsaurwa, ndokuriisa pamoto uri pasi pechibayiro chezvipiriso zvokuyananisa.
19
Zvino muprista anofanira kutora bandauko regondobwe rakabikwa, nechingwa chimwe chiduku chisina kuviriswa padengu, nechimwe chingwa chitete chisina kuviriswa, ndokuzviisa pamaoko omuNaziri, kana iye apedza kuveura musoro wake wakatsaurwa.
20
Zvino muprista anofanira kuzvizunguzira pamberi paJehovha, chive chipiriso chinozunguzirwa; chinhu chitsvene chomuprista, pamwechete nechityu chinozunguzirwa, nebandauko rinosimudzwa; zvino muNaziri angamwe
21
ndiwo murayiro womuNaziri pakupika kwake, nechipo chake chokuzvitsaurira Jehovha, zvimwe zvaangagona kuuya nazvo zvisingaverengwi; sezvaakapika, ndizvo zvaanofanira kuita nomurayiro wokuzvitsaura nawo."
22
Jehovha akataura naMozisi, akati,
23
"Taura naAroni navanakomana vake, uti, `Munofanira kuropafadza vana vaIsiraeri nomutoo uyu:' Muti kwavari,
24
‘Jehovha akuropafadze, akuchengete;
25
Jehovha akuvhenekere nechiso chake, akunzwire nyasha;
26
Jehovha akusimudzire chiso chake, akupe rugare.'
27
Nokudaro vachaisa zita rangu pavana vaIsiraeri; neni ndichavaropafadza."
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36