bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Nehemiah 11
Nehemiah 11
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 12 →
1
Ɀino macinda aʋanhu akagara Jerusarema; ʋamŋe ʋanhu ʋakakanda mijenya ʋo kuti mumŋe pagumi rimŋe nerimŋe agare Jerusarema, iro guta dɀene, asi ʋamŋe ʋapfumbamŋe panamamŋe maguta.
2
Ʋanhu ʋakarumbidza ʋarume ʋose ʋakatenda nomŋoyo waʋo kugara Jerusarema.
3
Ɀino ndiʋo ʋakuru ʋorutiʋi rwenyika ʋakaŋga ʋagere Jerusarema; asi pamaguta aJuda mumŋe nomumŋe wakagara panɀimbo yake pamaguta aʋo, iʋo ʋaIsraeri, naʋaprista, naʋaRevi, naʋaNetinimi, naʋana ʋaʋaranda ʋaSoromoni.
4
PaJerusarema ndipo pakagara ʋamŋe ʋaʋana ʋaJuda, naʋaʋana ʋaBenjamini. Ʋana ʋaJuda aʋa: Ataya mŋanakomana waUzia, mŋanakomana waZekariya, mŋanakomana waAmaria, mŋanakomana waShefatia, mŋanakomana waMaharareri waʋana ʋaPerezi;
5
naMaaseya mŋanakomana waBaruki, mŋanakomana waKori‐hoze, mŋanakomana waHazaya, mŋanakomana waAdaya, mŋanakomana waJoyaribi, mŋanakomana waZekaria, mŋanakomana womuShironi.
6
Ʋanakomana ʋose ʋaPerezi ʋakaŋga ʋagere Jerusarema ʋakaȿika mazana manna namakumi matanhatu naʋasere, ʋarume ʋoʋumhare.
7
Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaBenjamini: Saru mŋanakomana waMeshurami, mŋanakomana waJoedi, mŋanakomana waPedaya, mŋanakomana waKoraya, mŋanakomana waMaaseya, mŋanakomana waItieri, mŋanakomana waJeshaya.
8
Teʋere Gabai, naSarai, mazana mapfumbamŋe namakumi maʋiri naʋasere;
9
naJoeri mŋanakomana waZikri wakaŋga ari mutariri waʋo, naJuda mŋanakomana waHasenua, mutariri wecipiri paguta.
10
Ʋaʋaprista: Jedaya mŋanakomana waJoyaribi, naJakini,
11
Seraya mŋanakomana waHirkia, mŋanakomana waMeshurami, mŋanakomana waZadoki, mŋanakomana waMerayoti, mŋanakomana waAhitubi, muɓati weimba yaMŋari,
12
nehama dzaʋo dzaiɓata maɓasa paimba iyo, ʋakaȿika mazana masere namakumi maʋiri naʋaʋiri; naAdaya mŋanakomana waJerohami, mŋanakomana waPeraria, mŋanakomana waAmzi, mŋanakomana waZekaria, mŋanakomana waPashuri, mŋanakomana waMarkija,
13
nehama dzake, ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa, mazana maʋiri namakumi manna naʋaʋiri; naAmashai mŋanakomana waAzareri, mŋanakomana waAzai, mŋanakomana waMeshiremoti, mŋanakomana waImeri,
14
nehama dzaʋo, ʋarume ʋanesimba noʋumhare, zana namakumi maʋiri naʋasere; mutariri waʋo wakaŋga ari Zabdieri mŋanakomana waHagedorimi.
15
Ʋuye ʋaRevi: Shemaya mŋanakomana waHashubi, mŋanakomana waAzrikami, mŋanakomana waHashabia, mŋanakomana waBuni;
16
naShabetai naJozabadi, ʋaʋakuru ʋaʋaRevi, ʋaitarira maɓasa okunze eimba yaMŋari;
17
naMatania mŋanakomana waMika, mŋanakomana waZabdi, mŋanakomana waAsafi, iye mukuru wakataŋga kuʋoŋga pakunyeŋgetera, naBakbukia mukuru wecipiri pakati pehama dzake; naAbda mŋanakomana waShamua, mŋanakomana waGarari, mŋanakomana waJedutuni.
18
ƲaRevi ʋose paguta dɀene ʋakaŋga ʋanamazana maʋiri namakumi masere naʋanna.
19
Ʋuye ʋarindi ʋemikoʋa, Akubi, naTarmoni, nehama dzaʋo, ʋairinda pamikoʋa, ʋakaŋga ʋanezana rimŋe namakumi manomŋe naʋaʋiri.
20
Ʋamŋe ʋakasara ʋaʋaIsraeri, ʋaʋaprista naʋaRevi ʋakagara pamaguta ose aJuda; mumŋe nomumŋe panhaka yake.
21
Asi ʋaNetinimi ʋakagara paOferi; Ziha naGishpa ʋakaŋga ʋari ʋatariri ʋaʋaNetinimi.
22
Mutariri ʋo waʋaRevi paJerusarema wakaŋga ari Uzi mŋanakomana waBani, mŋanakomana waHashabia, mŋanakomana waMatania, mŋanakomana waMika, ʋaʋanakomana ʋaAsafi, iʋo ʋaimbi ʋaitarira ɓasa reimba yaMŋari.
23
Nokuti mambo wakaŋga araira pamsoro paʋo, naʋaimbi ʋaipiwa muɓairo wakatarwa zuʋa rimŋe nerimŋe.
24
Petahia mŋanakomana waMeshezaberi, waʋana ʋaZera mŋanakomana waJuda, ndiye wakaŋga ari paruʋoko rwamambo pamashoko ose aʋanhu.
25
Kana iri misha nokuruwa rwayo, ʋamŋe ʋaʋana ʋaJuda ʋakagara paKiriati‐araba nemisha yaro, napaDiboni nemisha yaro, napaJekabzeeri nemisha yaro;
26
napaJeshua, napaMorada, napaBeti‐pereti;
27
napaHazari‐shuari, napaBeeri‐sheba nemisha yawo;
28
napaZikragi, napaMekona nemisha yawo;
29
napaEni‐rimoni, napaZora, napaJarmuti;
30
neZanoa, neAdurami, nemisha yawo, neRakishi noruwa rwaro, neAzeka nemisha yaro. Naiɀoɀo ʋakaʋaka misasa yaʋo kubva paBeeri‐sheba kuȿikira pamupata weHinomi.
31
Ʋana ʋaBenjamini ʋakagara kubva paGeba, paMikmashi, neAya, napaBeti‐eri nemisha yawo;
32
neAnatoti, neNobi, neAnania;
33
neHazori, neRama, neGitaimi;
34
neHadidi, neZeboimi, neNebarati;
35
neRodi, neOno, neGehaharashimi.
36
Ʋamŋe ʋaRevi ʋamapoka aJuda ʋakagara pakati paʋaBenjamini.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13