bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Nehemiah 9
Nehemiah 9
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 10 →
1
Ɀino pazuʋa ramakumi maʋiri namanna romŋedzi uyu ʋana ʋaIsraeri ʋakaʋuŋgana, ʋakaɀinyima ɀokudya, ʋakafuka magumbu, ʋanevu pamisoro yaʋo.
2
Ʋorudzi rwaʋaIsraeri ʋakaɀiraʋura paʋatorwa ʋose, ʋakamira ʋakaɀireʋurura ɀiʋi ɀaʋo neɀitadzo ɀamadziɓaɓa aʋo.
3
Ʋakasimuka paʋakaŋga ʋagere, ʋakaraʋa mubuku yomurairo waJehova Mŋari waʋo mugoʋe wecinna wezuʋa; mumŋe mugoʋe wecinna ʋakaɀireʋurura nokunamata kunaJehova Mŋari waʋo.
4
Ipapo Jeshua, naBani, naKadmieri, naShebania, naBuni, naSherebia, naBani, naKenani ʋakamira pamatanho aʋaRevi, ʋakacema nenzwi guru kunaJehova Mŋari waʋo.
5
Ipapo ʋaRevi, Jeshua, naKadmieri, naBani, naHashabineya, naSherebia, naHodia, naShebania, naPetahiya ʋakati: Simukai, muʋoŋge Jehova Mŋari wenyu nokusiŋgaperi‐peri; zita renyu rinobginya ŋgarikudzwe, iro rinokunda kuʋoŋga nokurumbidza kwose.
6
Ndimi Jehova, imi moga; imi makaita ɗeŋga, nokuɗeŋgaɗeŋga, nehondo dzaro dzose, nenyika neɀose ɀiri mukati mayo, namakuŋgwa neɀose ɀiri mukati mawo; imi munoceŋgeta ɀose; hondo dzokuɗeŋga dzinonamata kwamuri.
7
Ndimi Jehova Mŋari wakatsaura Abrama, mukamuɓuɗisa paUri raʋaKardea, mukamupa zita rinonzi Abrahama;
8
mukaʋona kuti mŋoyo wake wakatendeka pamberi penyu, mukaita suŋgano naye kuti mucapa ʋana ʋake nyika yaʋaKanani, neyaʋaHiti, neyaʋaAmori, neyaʋaPerezi, neyaʋaJebusi, neyaʋaGirgashi, muciita seɀamakataura, nokuti makarurama.
9
Mukaʋona kutambudzika kwamadziɓaɓa eɗu paEgipita, mukanzwa kucema kwaʋo paGuŋgwa Dɀuku;
10
mukaratidza Farao ɀiratidzo neɀinoshamisa, naʋaranda ʋake ʋose, naʋanhu ʋose ʋenyika yake; nokuti makaziʋa kuti ʋakaʋaitira iɀoɀo nokuɀikudza; mukaɀiwanira rumbidzo, seɀaɀakaita nhasi.
11
Mukaparadzanisa guŋgwa pamberi paʋo; naiɀoɀo ʋakayambuka pakati peguŋgwa pakawoma; mukawisira ʋateʋereri ʋaʋo makadzika, sebge mumvura inesimba.
12
Makaʋafambisa ʋo masikati neshoŋgwe yegore, noʋusiku neshoŋgwe yomŋoto, kuti ʋavenekerwe panzira yaʋaifanira kufamba nayo.
13
Makaɓurukira ʋo pagomo reSinai, mukataura naʋo muri kuɗeŋga, mukaʋapa ɀakatoŋgwa ɀakarurama nemirairo yaɀokwaɗi, nemitemo yakanaka, nemirairo.
14
Mukaʋaziʋisa saɓata renyu dɀene, mukaʋaraira mirairo, nemitemo, nomurau, nomuromo waMosesi muranda wenyu;
15
mukaʋapa ciŋgwa cakabva kuɗeŋga kuʋagutisa panzara yaʋo, mukaʋaɓuɗisira mvura pabge kupedza nyota yaʋo, mukaʋaraira kuti ʋapinde munyika kuiita yaʋo, iyo yamakaŋga maʋapikira kuʋapa.
16
Asi iʋo namadziɓaɓa eɗu ʋakaita manyawi, ʋakawomesa mitsipa yaʋo, ʋakasaterera mirairo yenyu,
17
ʋakaramba kuterera, kana kuraŋgarira ɀinoshamisa ɀenyu ɀamakaita pakati paʋo; asi ʋakawomesa mitsipa yaʋo, ʋakamukira Mŋari, ʋakaɀisharira mukuru kuti ʋadzokere kuʋuranda bgaʋo; asi imi muri Mŋari unokaŋganwira ʋanhu, unenyasha, neŋgoni zhinji, unononoka kutsamŋa, nounetsitsi huru; hamuna‐kuʋasiya.
18
Kunyaŋge paŋguʋa yaʋakaɀiitira mhuru yakaʋumbga, ʋaciti: Ndiye Mŋari wenyu wakakuɓuɗisai paEgipita, ʋaka ku tsamŋisai kwaɀo,
19
kunyaŋge ɀakaɗaro, hamunakuʋarasha murenje, nokuɗa kwetsitsi dzenyu zhinji; shoŋgwe yegore hainakubva pamsoro paʋo masikati, icirega kuʋafambisa panzira, kana shoŋgwe yomŋoto ʋusiku, icirega kuʋavenekera nokuʋaratidza nzira yaʋaifanira kufamba nayo.
20
Makaʋapa ʋo mŋeya wenyu wakanaka kuʋadzidzisa, mukasanyima miromo yaʋo mana yenyu, mukaʋapa mvura kupedza nyota yaʋo.
21
Makaʋararamisa makore makumi manna murenje, ʋakasashaiwa cinhu; ŋguʋo dzaʋo hadzina‐kusakara, ʋuye tsoka dzaʋo hadzina‐kuɀimba.
22
Makaʋapa ʋo ʋushe naʋanhu, mukaʋaganhurira nyika yaʋo; naiɀoɀo ʋakapiwa nyika yaSihoni, iyo nyika yamambo weHeshboni, nenyika yaOgi mambo weBashani.
23
Mukawanza ʋana ʋaʋo ʋakaita senyeredzi dzokuɗeŋga; mukaʋaȿitsa panyika yamakaʋudza madziɓaɓa aʋo kuti ʋacapinda’mo kuzoiita yaʋo.
24
Naiɀoɀo ʋana ʋakapinda panyika ʋakaiita yaʋo; imi mukaʋakundira ʋanhu ʋakaŋga ʋagere munyika iyo, iʋo ʋaKanani; mukaʋaisa mumaʋoko aʋo, pamŋe cete namadzimambo aʋo naʋanhu ʋenyika iyo kuti ʋaite naʋo seɀaʋakaŋga ʋaciɗa.
25
Ʋakakunda maguta akakombga, nenyika inefuma, ʋakatora dzimba dzakaŋga dzizere neɀose ɀakanaka, ɀaiti: Matsime akacerwa, neminda yemizambiriŋga neminda yemiorivi, nemiti yakawanda inoɓereka micero; naiɀoɀo ʋakadya, ʋakaguta, ʋakakora, ʋakaɀifarira nokuɗa kwoʋunyoro bgenyu ʋukuru.
26
Kunyaŋge ɀakaɗaro haʋana‐kuterera, ʋakakumukirai, ʋakarashira murau wenyu shure kwemisana yaʋo ʋakaʋuraya ʋaprofita ʋenyu ʋaiʋapupurira, ʋaciɗa kuʋadzosera ɀe kwamuri, ʋaka ku tsamŋisai kwaɀo.
27
Saka makaʋaisa mumaʋoko aʋadziʋisi ʋaʋo, ʋakaʋamanikidza; ɀino paŋguʋa yokutambudzika kwaʋo, pakucema kwaʋo kwamuri, makaʋanzwa iko kuɗeŋga, netsitsi dzenyu zhinji mukaʋapa ʋarwiri ʋakaʋarwira pamaʋoko aʋadziʋisi ʋaʋo.
28
Asi ʋakati ʋazorodzwa, ʋakaita ɀakaipa ɀe pamberi penyu; saka makaʋaregera ɀe mumaʋoko aʋaʋeŋgi ʋaʋo, iʋo ʋakaʋaɓata nesimba; kunyaŋge ɀakaɗaro pakudzoka kwaʋo, nokucema kwaʋo kwamuri, makaʋanzwa kuɗeŋga, mukaʋarwira kazhinji netsitsi dzenyu;
29
mukaʋapupurira, kuti muʋadzosere ɀe kumurau wenyu; kunyaŋge ɀakaɗaro ʋakaita manyawi, ʋakasaterera mirairo yenyu, asi ʋakatadzira ɀamakaŋga matoŋga, (iɀo ɀinoti kana munhu aciɀiita, ucararama naɀo,) ʋakabvisa fudzi raʋo, ʋakawomesa mitsipa yaʋo, ʋakaramba kunzwa.
30
Kunyaŋge ɀakaɗaro makaʋa netsitsi naʋo makore mazhinji, mukaʋapupurira nomŋeya wenyu naʋaprofita ʋenyu; asi ʋakaramba kuterera; saka makaʋaisa mumaʋoko aʋanhu ʋenyika iyo.
31
Kunyaŋge ɀakaɗaro, netsitsi dzenyu zhinji hamuna‐kuʋapedza cose, kana kuʋarasha, nokuti muri Mŋari unenyasha netsitsi.
32
Naiɀoɀo ɀino, Mŋari weɗu, Mŋari mukuru, unesimba, unotyisa, unoceŋgeta suŋgano yake netsitsi, kutambudzika kwose, kwakatiwira isu, namadzimambo eɗu, namacinda eɗu, naʋaprista ʋeɗu, naʋaprofita ʋeɗu, namadziɓaɓa eɗu, naʋanhu ʋenyu ʋose kubva pamazuʋa amadzimambo eAsiria kuȿikira nhasi, ŋgakurege kuita secinhu ciɗuku pamberi penyu.
33
Asi imi makaita henyu ɀakarurama paɀose ɀakatiwira, nokuti makaita neɀokwaɗi, asi isu takaita ɀakashata.
34
Kunyaŋge madzimambo eɗu, namacinda eɗu, naʋaprista ʋeɗu, namadziɓaɓa eɗu, haʋana‐kuceŋgeta murau wenyu, kana kuterera mirairo yenyu neɀipupuriro ɀenyu, ɀamakaʋapupurira naɀo.
35
Nokuti haʋana‐kukushumirai paʋushe bgaʋo, ʋuye nokuɗa kwoʋunyoro bgenyu ʋukuru bgamakaʋaitira, napanyika huru inefuma yamakaʋapa; haʋana‐kurega maɓasa aʋo akaipa.
36
Tarirai, tiri ʋaranda nhasi, ʋuye kana iri nyika yamakapa madziɓaɓa eɗu, kuti ʋadye ɀiɓereko ɀayo neɀakanaka ɀayo, tarirai, tiri ʋaranda mairi.
37
Ɀiɓereko ɀizhinji inoɀiɓerekera madzimambo amakaisa pamsoro peɗu, nokuɗa kweɀiʋi ɀeɗu; iʋo ʋanesimba ʋo pamiʋiri yeɗu, napaŋombe dzeɗu, seɀaʋanoɗa; tiri pakumanikidzwa kukuru.
38
Kunyaŋge ɀose ɀakaɗaro haɀo, tinoita suŋgano inesimba, ticiinyora; namacinda eɗu, naʋaRevi ʋeɗu, naʋaprista ʋeɗu ʋanoisimbisa.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13