bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Nehemiah 12
Nehemiah 12
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 13 →
1
Ɀino aʋa ndiʋo ʋaprista naʋaRevi ʋakaenda naZerubaberi mŋanakomana waSheartieri, naJeshua: Seraya, naJeremia, naEzra;
2
naAmaria, naMaruki, naHatushi;
3
naShekania, naRehumi, naMeremoti;
4
naIdo, naGinetoi, naAbija;
5
naMijamini, naMaadia, naBirga;
6
naShemaya, naJoyaribi, naJedaya;
7
naSaru, naAmoki, naHirkiya, naJedaya. Ndiʋo ʋakaŋga ʋari ʋakuru ʋaʋaprista naʋehama dzaʋo pamazuʋa aJeshua.
8
Ʋuye naʋaRevi aʋa: Jeshua, naBinui, naKadmieri, naSherebia, naJuda, naMatania, iye nehama dzake ndiʋo ʋairaira ʋaimbi.
9
NaBakbukia, naUno, hama dzaʋo, ʋakaŋga ʋakatarisana naʋo pakurinda.
10
Jeshua akaɓereka Joyakimi, Joyakimi akaɓereka Eriashibi, Eriashibi akaɓereka Joyada;
11
Joyada akaɓereka Jonatani, Jonatani akaɓereka Jadua.
12
Pamazuʋa aJoyakimi ʋaprista, iʋo ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa, ʋakaŋga ʋari: WokwaSeraya, Meraya; wokwaJeremia, Hanania;
13
wokwaEzra, Meshurami, wokwaAmaria, Jehohanani;
14
wokwaMaruki, Jonatani; wokwaShebania, Josefa;
15
wokwaHarimi, Adna; wokwaMerayoti, Herkai;
16
wokwaIdo, Zekaria; wokwaGinetoni, Meshurami;
17
wokwaAbia, Zikri; wokwaMinyamini waMoadia, Pirtai;
18
wokwaBirga, Shamua; wokwaShemaya, Jehonatani;
19
wokwaJoyaribi, Matenai; wokwaJedaya, Uzi;
20
wokwaSarai, Karai; wokwaAmoki, Eberi;
21
wokwaHirkiya Hashabia; wokwaJedaya, Netaneri.
22
ƲaRevi ʋakanyorwa mazita aʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa pamazuʋa aEriashibi, naJoyada, naJohanani, naJadua; naʋaprista ʋo kuȿikira pakuɓata ʋushe kwaDariusi muPersia.
23
Ʋanakomana ʋaRevi, iʋo ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa, ʋakanyorwa pabuku yamakronike, kuȿikira pamazuʋa aJohanani mŋanakomana waEriashibi.
24
Ʋakuru ʋaʋaRevi ʋakaŋga ʋari: Hashabia, naSherebia, naJeshua, mŋanakomana waKadmieri, nehama dzaʋo dzakatarisana naʋo pakurumbidza nokuʋoŋga, seɀakaŋga ɀarairwa naDavidi munhu waMŋari, ʋaciita madzoro pakuimba.
25
Matania, naBakbukia, naObadia, naMeshurami, naTarmoni, naAkubi ʋakaŋga ʋari ʋarindi ʋe mikoʋa, ʋairinda pamatura pamasuʋo.
26
Ndiʋo ʋakaŋga ʋari’po pamazuʋa aJoyakimi mŋanakomana waJeshua, mŋanakomana waJozadaki, napamazuʋa aNehemia muɓati, nomuprista Ezra munyori.
27
Ɀino pakutsaurira kwaʋo Jehova ruȿiŋgo rweJerusarema, ʋakandotȿaka ʋaRevi pose paʋakaŋga ʋagere, ʋakaʋuya naʋo Jerusarema, kuti ʋatsaure nomufaro, nokuʋoŋga nokuimba, nokuridza makandira nemiteŋgeranwa nembira.
28
Ʋanakomana ʋaʋaimbi ʋakaʋuŋgana pamŋe cete ʋacibva kumapani akapoteredza Jerusarema, nokumisha yaʋaNetofati;
29
napaBeti‐girgari, naparuwa rweGeba neAzmaveti; nokuti ʋaimbi ʋakaŋga ʋaɀiʋakira misha pamatiʋi ose eJerusarema.
30
Ɀino ʋaprista naʋaRevi ʋakaɀinatsa, ndokunatsa ʋo ʋanhu, namasuʋo, noruȿiŋgo.
31
Ipapo ndakakwidza macinda aʋaJuda pamsoro poruȿiŋgo, ndikaraira mapoka makuru maʋiri ʋakaʋoŋga ʋacifamba ʋakaita muɗuŋgwe; rimŋe rakafamba kurutiʋi rworudyi pamsoro poruȿiŋgo, ʋacienda kusuʋo ramarara;
32
shure kwaʋo kwakafamba Hosaya, nehafu yamacinda aJuda,
33
naAzaria, naEzra, naMeshurami,
34
naJuda, naBenjamini, naShemaya, naJeremia,
35
naʋamŋe ʋanakomana ʋaʋaprista ʋanehwamanda: Zekaria mŋanakomana waJonatani, mŋanakomana waShemaya, mŋanakomana waMatania, mŋanakomana waMikaya, mŋanakomana waZakuri, mŋanakomana waAsafi;
36
nehama dzake: Shemaya, naAzareri, naMirarai, naGirarai, naMaai, naNetaneri, naJuda, naHanani ʋaneɀokuridza ɀaDavidi munhu waMŋari; Ezra munyori wakaŋga ari pamberi paʋo;
37
ʋakafamba napasuʋo retsime, ʋakarurama, ndokukwira namatano eguta raDavidi, pamukwidzwa woruȿiŋgo, pamsoro peimba yaDavidi, kuȿikira pasuʋo remvura, kumabvazuʋa.
38
Rimŋe ɓoka raʋaʋoŋgi rakandosoŋgana naʋo, ini ndiciʋateʋera, ndinehafu yaʋanhu pamsoro poruȿiŋgo, pamsoro peshoŋgwe yamaʋira, kuȿikira paruȿiŋgo rupamhi;
39
napamsoro pesuʋo raEfraimi, napasuʋo rekare, napasuʋo rehoʋe, neshoŋgwe yaHananeri, neshoŋgwe yaHamea, kuȿikira pasuʋo ramakwai; ʋakamira pasuʋo raʋarindi.
40
Mapoka maʋiri aʋaʋoŋgi ʋakamira saiɀoɀo paimba yaMŋari, neni nehafu yaʋatariri,
41
naʋaprista Eriakimi, naMaaseya, naMiniamini, naMikaya, naErioenai, naZekaria, naHanania, ʋanehwamanda;
42
naMaaseya, naShemaya, naEreazari, naUzi, naJehohanani, naMarkija, naErami, naEzeri. Ʋaimbi ʋakaimbisa kwaɀo, ʋanaJezrahia mutariri waʋo.
43
Ʋakaɓayira ɀiɓayiro ɀikuru nezuʋa iro, ʋakafara; nokuti Mŋari wakaŋga aʋafadza nomufaro mukuru; naʋakadzi ʋo naʋana ʋakafara; naiɀoɀo mufaro weJerusarema wakanzwika kure.
44
Pazuʋa iro ʋarume ʋakagadzwa kutarira makamuri efuma, neɀipiriso ɀinotsaurwa, neɀitȿa, neɀegumi, kuti ʋaʋuŋganidzire’mo migoʋe yaʋaprista neyaʋaRevi yakaŋga yakatarwa nomurau, kuti itorwe paruwa rwamaguta; nokuti ʋaJuda ʋakafarira ʋaprista naʋaRevi ʋaishumira.
45
Iʋo ʋakaceŋgeta murairo waMŋari waʋo, nomurairo wokunatsa, naʋaimbi naʋarindi ʋemikoʋa ʋo saiɀoɀo, seɀakaŋga ɀarairwa naDavidi naSoromoni mŋanakomana wake.
46
Nokuti pamazuʋa akare aDavidi naAsafi, kwaiʋa nomukuru waʋaimbi, nenziyo dzokurumbidza nokuʋoŋga Mŋari.
47
Ɀino ʋaIsraeri ʋose pamazuʋa aZerubaberi, napamazuʋa aNehemia, ʋaipa ʋaimbi naʋarindi ʋemikoʋa migoʋe yaʋo, yakaɗikanwa zuʋa rimŋe nerimŋe; iʋo ʋaitsaurira ʋaRevi, ʋuye ʋaRevi ʋaitsaurira ʋanakomana ʋaAroni.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13