bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Nehemiah 5
Nehemiah 5
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 6 →
1
Ɀino kunyunyuta kukuru kwakamuka pakati paʋanhu naʋakadzi ʋaʋo pamsoro pehama dzaʋo ʋaJuda. [kuteŋgesa]
2
Nokuti ʋamŋe ʋakati: Isu naʋanakomana ʋeɗu tiri ʋazhinji; ŋgatipiwe ɀiyo, tidye, tirarame.
3
Ʋamŋe ɀe ʋakati: Isu takaita minda yeɗu ruɓatso, neminda yeɗu yemizambiriŋga, nedzimba dzeɗu; ŋgatipiwe ɀiyo, nokuɗa kwenzara ino.
4
Ʋamŋe ɀe ʋakati: Takakwereta mari, yokuripira nayo mutero wamambo, tikaita minda yeɗu ruɓatso, neminda yeɗu yemizambiriŋga.
5
Kunyaŋge ɀakaɗaro ɀino miʋiri yeɗu yakafanana nemiʋiri yehama dzeɗu, naʋana ʋeɗu ʋakafanana naʋana ʋaʋo; tarirai, tosuŋga ʋanakomana ʋeɗu naʋakunda ʋeɗu, ʋaʋe ʋaranda; ʋamŋe ʋakunda ʋeɗu ʋatosuŋgwa, isu hatinesimba rokuɀidziʋisa, nokuti minda yeɗu neminda yeɗu yemizambiriŋga yatoʋa yaʋamŋe.
6
Ipapo ndakatsamŋa kwaɀo ndicinzwa kucema kwaʋo namashoko iwayo.
7
Ɀino ndakaraŋgarira mumŋoyo maŋgu, ndikaita nharo naʋakuru naʋarairi, ndikati kwaʋari: Imi munoreʋa mhindu, mumŋe nomumŋe pahama yake. Ipapo ndikakoka ʋuŋgano huru pamsoro paʋo.
8
Ndikati kwaʋari: Isu takadzikinura hama dzeɗu ʋaJuda dzakaŋga dzateŋgeswa kuʋahedeni patakagona napo; ɀino imi moɗa‐kuteŋgesa hama dzenyu, moɗa kuti dziteŋgeswe kwatiri here? Ipapo ʋakaramba ʋanyerere, ʋakashaiwa neshoko cose.
9
Ndikati ʋo: Cinhu camunoita cakaipa; ko hamufaniri kufamba mucitya Mŋari weɗu, kuti tirege kushoʋorwa naʋaʋeŋgi ʋeɗu ʋahedeni?
10
Neni ʋo, nehama dzaŋgu naʋaranda ʋaŋgu, takaʋapa cikwerete cemari neɀiyo, ticireʋa mhindu. Haiwa, ŋgatirege mhindu iyo.
11
Dzoserai henyu kwaʋari ikonhasi minda yaʋo, neminda yaʋo yemizambiriŋga, neminda yaʋo yemiorivi, nedzimba dzaʋo, ʋuye nomugoʋe wezana wemari, neɀiyo, newaini, namafuta, wamakatora kwaʋari iri mhindu.
12
Ipapo ʋakati: Ticaɀidzosa, hatiŋgareʋi cinhu kwaʋari; seɀamunotaura, ndiɀo ɀaticaita. Ɀino ndakaɗana ʋaprista, ndikaʋapikisa kuti ʋacaita iɀoɀo ɀakapikirwa.
13
Ndikazuza ʋo ŋguʋo dzaŋgu, ndikati: Mŋari ŋgaazuze mumŋe nomumŋe usiŋgaiti iɀoɀo ɀakapikirwa abve paimba yake napaɓasa rake; ŋgaazuzwe nokuɗururwa saiɀoɀo. Ipapo ʋuŋgano yose yakati: Ameni! ʋakarumbidza Jehova. Ʋanhu ʋakaita iɀoɀo ɀakapikirwa.
14
Ʋuye ɀe, kubva paŋguʋa yandakaitwa muɓati waʋo panyika yaJuda, kubva pagore ramakumi maʋiri kuȿikira pagore ramakumi matatu namaʋiri ramambo Artashasta, iwo makore anegumi namaʋiri, ini nehama dzaŋgu hatina‐kudya ɀokudya ɀomuɓati.
15
Asi ʋaɓati ʋokutaŋga, ʋakanditaŋgira, ʋairemedza ʋanhu, ʋacitora kwaʋari ɀokudya newaini, ʋuye ʋo mashekeri esirveri anamakumi manna; naʋaranda ʋaʋo ʋo ʋaiɓata ʋanhu nehasha; asi ini handina‐kuita saiɀoɀo, nokuti ndakatya Mŋari.
16
Ʋuye, ndakarambira paɓasa roruȿiŋgo urwu, hatina‐kutoŋgoteŋga nyika: naʋaranda ʋaŋgu ʋose ʋakaŋga ʋakaʋuŋgana ʋo paɓasa.
17
Ʋuye patafura yaŋgu pakaŋga panaʋaJuda naʋaɓati, ʋarume ʋanezana namakumi mashanu, aʋo ʋaiʋuya kwatiri ʋacibva kuʋahedeni ʋakaŋga ʋakatipoteredza ʋasiŋgaʋereŋgwi.
18
Ɀino zuʋa rimŋe nerimŋe kwaigadzirwa nzombe imŋe, namakwai matanhatu akatsaurwa; ndaigadzirirwa ʋo huku, ʋuye kamŋe pamazuʋa anegumi waini zhinji yamarudzi ose; kunyaŋge ɀakaɗaro handina‐kukumbira ɀokudya ɀomuɓati, nokuti ʋanhu aʋa ʋakaŋga ʋaciremedzwa kwaɀo noʋuranda.
19
Ndiraŋgarirei, Mŋari waŋgu, mundiitire ɀakanaka nokuɗa kweɀose ɀandakaitira rudzi urwu.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13