bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Nehemiah 8
Nehemiah 8
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 9 →
1
Ɀino ʋanhu ʋose ʋakaʋuŋgana nomŋoyo mumŋe paɗare rakaŋga riri pamberi pesuʋo remvura; ʋakaʋudza Ezra munyori kuti aʋuye nebuku yomurairo waMosesi, wakaŋga warairwa ʋaIsraeri naJehova.
2
Ezra muprista ndokuʋuya nomurairo pamberi peʋuŋgano yaʋarume naʋakadzi, naʋose ʋakaŋga ʋacigona kunzwisisa, nezuʋa rokutaŋga romŋedzi wecinomŋe.
3
Akaraʋa’mo paɗare rakaŋga riri pamberi pesuʋo remvura, kubva maŋgwanani kuȿikira masikati, pamberi paʋarume naʋakadzi naʋose ʋakaŋga ʋacigona kunzwisisa; nzeʋe dzaʋanhu ʋose dzikaterera mashoko ebuku yomurairo.
4
Ezra munyori akamira pakakwirira pakaŋga pakaʋakirwa iɀoɀo namatanda; ʋuye Matitia, naShema, naAnaya, naUria, naHirkiya naMaaseya ʋakamira kurutiʋi rwake rworudyi, naPedaya, naMishaeri, naMarkiya, naHashumi, naHashbadana, naZekaria, naMeshurami ʋakamira kuruɓoshwe rwake.
5
Ezra akazarura buku pamberi paʋanhu ʋose; (nokuti wakaŋga amire kumsoro kwaʋanhu ʋose;) ɀino wakati aciizarura ʋanhu ʋose ndokusimuka.
6
Ipapo Ezra akaʋoŋga Jehova, Mŋari mukuru. Ʋanhu ʋose ʋakapindura, ʋaciti: Ameni, Ameni, ʋacisimudza maʋoko aʋo; ipapo ʋakakotamisa misoro yaʋo, ʋakanamata kunaJehova ɀiso ɀaʋo ɀakatarira pasi.
7
Jeshua, naBani, naSherebia, naJamini, naAkubi, naShabetai, naHodia, naMaaseya, naKerita, naAzaria, naJozabadi, naHanani, naPeraya, naʋaRevi ʋakaɗudzira ʋanhu mirairo; ʋanhu ʋakaramba ʋamire panɀimbo yaʋo.
8
Ʋakaraʋa ɀicinzwika kwaɀo mubuku yomurairo waMŋari; ʋakaɀiɗudzira, ʋakanzwisisa ɀinorabga.
9
Ipapo muɓati Nehemia, nomuprista Ezra munyori, naʋaRevi ʋakadzidzisa ʋanhu, ʋakati kuʋanhu ʋose: Zuʋa rino idɀene kunaJehova Mŋari wenyu; musawuŋgudza nokucema; nokuti ʋanhu ʋose ʋakacema ʋacinzwa mashoko omurairo.
10
Ipapo akati kwaʋari: Endai henyu, mudye ɀakakora, nokunwa ɀinozipa, mugotumira ʋo migoʋe kunaʋasina‐kugadzirirwa cinhu; nokuti zuʋa rino idɀene kunaShe weɗu; musaʋa neshuŋgu, nokuti mufaro waJehova isimba renyu.
11
Naiɀoɀo ʋaRevi ʋakanyaradza ʋanhu ʋose, ʋaciti: Nyararai henyu, nokuti izuʋa dɀene; musaʋa neshuŋgu.
12
Ipapo ʋanhu ʋose ʋakaenda kundodya nokunwa, nokutumira ʋamŋe migoʋe, nokufara kwaɀo; nokuti ʋakaŋga ʋanzwisisa mashoko aʋakaparidzirwa.
13
Ɀino pazuʋa recipiri ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aʋanhu ʋose, naʋaprista, naʋaRevi, ʋakaʋuŋganira kunaEzra munyori, kuzoterera mashoko omurairo.
14
Ʋakawana pakanyorwa mumurairo, kuti Jehova wakaraira Mosesi, kuti ʋana ʋaIsraeri ʋanofanira kugara pamatumba pamutambo womŋedzi wecinomŋe;
15
ʋuye kuti ʋanofanira kuziʋisa nokuparidza shoko iro pamaguta aʋo ose, napaJerusarema, ʋaciti: Ƃuɗirai kugomo, mundotora mataʋi emiorivi, namataʋi emiorivi yomusaŋgo, namataʋi emimirte, namataʋi emicindwe, namataʋi emiti mikobvu, kuti muite matumba seɀakanyorwa.
16
Naiɀoɀo ʋanhu ʋakaɓuɗa, ʋakaʋuya nawo, ʋakaɀiitira matumba, mumŋe nomumŋe pamsoro peɗeŋga reimba yake, napaʋazhe dzaʋo, napaʋazhe dzeimba yaMŋari, napaɗare resuʋo remvura, napaɗare resuʋo raEfraimi.
17
Ʋuŋgano yose yaʋakaŋga ʋakadzoka pakutapxa ʋakaita matumba, ʋakagara pamatumba; nokuti kubva pamazuʋa aJoshua mŋanakomana waNuni kuȿikira pazuʋa iro, ʋana ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋasina‐kuita iɀoɀo. Pakaʋa nomufaro mukuru.
18
Ʋuye zuʋa rimŋe nerimŋe, kubva pazuʋa rokutaŋga kuȿikira pazuʋa rokupedzisira, wakaraʋa pabuku yomurairo waMŋari. Ʋakaita mutambo mazuʋa manomŋe; pazuʋa rorusere ʋakaita ʋuŋgano yokupedzisira, seɀakaŋga ɀatemŋa.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13