bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Nehemiah 2
Nehemiah 2
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 3 →
1
Ɀino nomŋedzi weNisani, negore ramakumi maʋiri ramambo Artashasta, paŋguʋa yaakaŋga anewaini pamberi pake, ini ndikatora waini, ndikaipa mambo. Ɀino ndakaŋga ndisina‐kumbopunyaira pamberi pake.
2
Ipapo mambo akati kwandiri: Ciso cako cinopunyairireiko, ɀausiŋgarwari? Ici cinhu ishuŋgu dzomŋoyo caidzo. Ndikatya kwaɀo.
3
Ndikati kunamambo: Mambo ŋgaararame nokusiŋgaperi! Ciso caŋgu ciŋgaregereiko kupunyaira, kana guta iro rina marinda amadziɓaɓa aŋgu, raʋa ɗoŋgo, namasuʋo aro atȿa nomŋoto?
4
Ipapo mambo akati kwandiri: Unokumbireiko? Ɀino ndikanyeŋgetera kunaMŋari wokuɗeŋga,
5
ndikati kunamambo: Kana mambo acifara naɀo, kana muranda wenyu awana tsitsi kwamuri, ndinokumbira kuti munditume kwaJuda, kuguta ramarinda amadziɓaɓa aŋgu, ndindoriʋaka.
6
Mambo akati kwandiri, (naʋahosi ʋo ʋakaŋga ʋagere naye): Rwendo rwako rucaita ŋguʋa yakaɗiniko? Ucadzoka rini? Ɀino mambo akatenda kundituma; ndikamutarira ŋguʋa.
7
Ʋuye ndakati ʋo kunamambo: Kana mambo acifara naɀo, ndinokumbira kuti ndipiwe ŋwadi dzakanyorerwa ʋaɓati ʋari mhiri kworwizi, ʋanditendere kupfuʋura ndiȿike kwaJuda;
8
neimŋe ŋwadi ʋo kunaAsafi mutariri weɗondo ramambo, andipe miti yokuita nayo matanda amasuʋo enhare yapaimba yaMŋari nookuisa paruȿiŋgo rweguta napaimba yandicapinda. Mambo akandipa iɀoɀo, nokuti ruʋoko rwakanaka rwaMŋari waŋgu rwakaŋga ruri pamsoro paŋgu.
9
Ɀino ndikaȿika kuʋaɓati mhiri kworwizi, ndikaʋapa ŋwadi dzamambo. Ɀino mambo wakaŋga atuma ʋakuru ʋehondo naʋataȿi ʋamabiza neni.
10
Asi Sanbarati muHoroni, naTobia muranda, muAmoni, ʋakati ʋanzwa kuti kwakaŋga kwaȿika munhu kuzotȿaka kuitira ʋana ʋaIsraeri ɀakanaka, ɀikaʋaʋodza mŋoyo kwaɀo.
11
Naiɀoɀo ndakaȿika Jerusarema ndikagara’po mazuʋa matatu.
12
Ndikamuka ʋusiku, ini naʋamŋe ʋanhu ʋashoma; asi handinakuʋudza munhu ɀakaŋga ɀaiswa mumŋoyo maŋgu naMŋari waŋgu kuti ndiitire Jerusarema; ʋuye ndakaŋga ndisinecimŋe cipfuwo neni, asi cipfuwo candakaŋga ndicitaȿa.
13
Ndikaɓuɗa ʋusiku napasuʋo roMupata, ndikaenda nokutsime reShato, nesuʋo raMarara, ndikacerekedza maȿiŋgo eJerusarema akaŋga akoromoka, namasuʋo aro akaŋga atȿa nomŋoto.
14
Ipapo ndikapfuʋurira kuȿika pasuʋo reTsime, nokudziʋa ramambo; asi pakaŋga pasinenɀimbo paŋgapfuʋura napo cipfuwo candakaŋga ndakataȿa.
15
Ipapo ndakakwira ʋusiku naparukoʋa, ndikacerekedza ruȿiŋgo; ndikadzoka, ndikapinda napasuʋo roMupata, ndikadzoka saiɀoɀo.
16
Ʋaɓati haʋana‐kuziʋa kwandakaŋga ndaenda, kana ɀandakaŋga ndandoita; nokuti ndakaŋga ndisinakuʋudza ʋaJuda, kana ʋaprista, kana ʋakuru, kana ʋaɓati, kana ʋamŋe ʋaɓati ʋeɓasa.
17
Ɀino ndakati kwaʋari: Munoʋona nhamo yeɗu, kuti Jerusarema raʋa ɗoŋgo, namasuʋo aro atȿa nomŋoto; hendei tindoʋaka ɀe ruȿiŋgo rweJerusarema, tirege kugara ticishoʋorwa.
18
Ndikaʋaʋudza ɀokunaka kworuʋoko rwaMŋari rwakaŋga ruri pamsoro paŋgu; namashoko amambo aakandiʋudza. Iʋo ʋakati: Ŋgatisimuke, tiʋake. Naiɀoɀo ʋakasimbisa maʋoko aʋo kuɓate‐ɓasa rakanaka.
19
Asi Sanbarati muHoroni, naTobia muranda, muAmoni, naGeshemi, muArabia, ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakatiseka, nokutininipisa, ʋakati: Cinyiko ici camunoita? Munoɗa kumukira mambo kanhi?
20
Ipapo ndakaʋapindura, ndikati kwaʋari: Mŋari wokuɗeŋga ucatifambisa ɀakanaka; saka isu ʋaranda ʋake ticasimuka, nokuʋaka; asi imi hamunomugoʋe kana simba kana ciraŋgaridzo paJerusarema.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13