bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Nehemiah 3
Nehemiah 3
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 4 →
1
Ipapo Eriashibi muprista mukuru wakasimuka, nehama dzake ʋaprista, ʋakaʋaka suʋo ramakwai; ʋakarinatsa, nokutimika magonhi aro; ʋakarinatsa kuȿikira pashoŋgwe yeHamea nokushoŋgwe yeHananeri.
2
Kurutiʋi rwake kwakaʋakwa naʋarume ʋeJeriko. Kurutiʋi rwaʋo kwakaʋakwa naZakuri mŋanakomana waImri.
3
Suʋo rehoʋe rakaʋakwa naʋanakomana ʋaHasenaa; iʋo ʋakaisa matanda aro, nokutimika magonhi aro, nekiyi dzaro, namazariro aro.
4
Kurutiʋi rwaʋo kwakagadzirwa naMeremoti mŋanakomana waUria, mŋanakomana waHakozi. Kurutiʋi rwaʋo kwakagadzirwa naMeshurami mŋanakomana waBerekia, mŋanakomana waMeshezaberi. Kurutiʋi rwaʋo kwakagadzirwa naZadoki mŋanakomana waBaana.
5
Kurutiʋi rwaʋo kwakagadzirwa naʋaTekoi; asi ʋakuru pakati paʋo haʋana‐kuisa mitsipa yaʋo paɓasa rashe waʋo.
6
Suʋo rekare rakagadzirwa naJoyada mŋanakomana waPasea, naMeshurami mŋanakomana waBesodeya; iʋo ʋakaisa matanda aro, nokutimika magonhi aro, nekiyi dzaro, namazariro aro.
7
Kurutiʋi rwaʋo kwakagadzirwa naMeratia muGibeoni, naJadoni muMeronoti, naʋarume ʋeGibeoni neMizpa, ʋaiʋa ʋoʋushe bgomuɓati mhiri kworwizi.
8
Kurutiʋi rwake kwakagadzirwa naUzieri mŋanakomana waHarhaya, ʋapfuri ʋendarama. Kurutiʋi rwake kwakagadzirwa naHanania, mumŋe waʋaveŋganisi ʋeɀinonhuwira; iʋo ʋakasimbisa Jerusarema kuȿikira paruȿiŋgo rwakafara.
9
Kurutiʋi rwaʋo kwakagadzirwa naRefaya mŋanakomana waHuri, muɓati wehafu yenyika yeJerusarema.
10
Kurutiʋi rwaʋo kwakagadzirwa naJedaya mŋanakomana waHarumafi, pakatarisana neimba yake. Kurutiʋi rwake kwakagadzirwa naHatushi mŋanakomana waHashabeneya.
11
Markia mŋanakomana waHarimi, naHashubi mŋanakomana waPahati‐moabi, ʋakagadzira rumŋe rutiʋi, neshoŋgwe yamaʋira.
12
Kurutiʋi rwake kwakagadzirwa naSharumi mŋanakomana waHaroheshi, muɓati wehafu yenyika yeJerusarema, iye naʋakunda ʋake.
13
Suʋo romupata rakagadzirwa naHanuni naʋakaŋga ʋagere Zanoa; iʋo ʋakariʋaka, ʋakatimika magonhi aro, nekiyi dzaro, namazariro aro, namakubiti anecuru cimŋe oruȿiŋgo kuȿikira pasuʋo ramarara.
14
Suʋo ramarara rakagadzirwa naMarkiya mŋanakomana waRekabi, muɓati wenyika yeBeti‐hakeremi; iye wakariʋaka, nokutimika magonhi aro, nekiyi dzaro, namazariro aro.
15
Suʋo retsime rakagadzirwa naSharumi mŋanakomana waKori‐hoze, muɓati wenyika yeMizpa; iye wakariʋaka, akariisa ɗeŋga, akatimika magonhi aro, nekiyi dzaro, namazariro aro, ʋuye ruȿiŋgo rwedziʋa reShera pamunda wamambo, kuȿikira pamatanho anoɓuruka acibva muguta raDavidi.
16
Wakamuteʋera pakugadzira wakaŋga ari Nehemia mŋanakomana waAzbuki, muɓati wehafu yenyika yeBeti‐zuri, kuȿikira pakatarisana namarinda aDavidi, ʋuye kuȿikira padziʋa rakaŋga raʋakwa, nokuimba yemhare.
17
Ʋakamuteʋera pakugadzira ʋakaŋga ʋari ʋaRevi: Rehumi mŋanakomana waBani, nokurutiʋi rwake kwakagadzirwa naHashabia muɓati wehafu yenyika yeKeira, panɀimbo yenyika yake.
18
Hama dzaʋo ndidzo dzakamuteʋera pakugadzira, Bavai mŋanakomana waHenadadi, muɓati wehafu yenyika yeKeira.
19
Kurutiʋi rwake Ezeri mŋanakomana waJeshua, muɓati weMizpa, wakagadzira mumŋe mupanda, pakatarisana neimba yenhumbi dzehondo, pakona yoruȿiŋgo.
20
Baruki mŋanakomana waZabai wakamuteʋera akagadzira nokushiŋgaira mumŋe mupanda, kubva pakona yoruȿiŋgo kuȿikira pamukoʋa weimba yaEriashibi muprista mukuru.
21
Meremoti mŋanakomana waUria, mŋanakomana waHakozi, wakamuteʋera akagadzira mumŋe mupanda, kubva pamukoʋa weimba yaEriashibi, kuȿikira pakuguma kweimba yaEriashibi.
22
Ʋaprista, ʋarume ʋeɓani, ʋakamuteʋera iye pakugadzira.
23
Benjamini naHashubi ndiʋo ʋakaʋateʋera pakugadzira pakatarisana neimba yaʋo. Azaria mŋanakomana waMaaseya, mŋanakomana waAnania, wakaʋateʋera pakugadzira parutiʋi rweimba yake.
24
Binui mŋanakomana waHenadadi wakamuteʋera pakugadzira mumŋe mupanda, kubva paimba yaAzaria kuȿikira pakona yoruȿiŋgo, kundoȿika ɀe pakona.
25
Parari mŋanakomana waUzai wakagadzira pakatarisana nekona yoruȿiŋgo, neshoŋgwe inoɓuɗa paimba yokumsoro yamambo, iri paruʋazhe rwaʋarindi. Pedaya mŋanakomana waParoshi wakamuteʋera.
26
(Ɀino ʋaNetinimi ʋaigara Oferi, kuȿikira pakatarisana nesuʋo remvura kurutiʋi rwamabvazuʋa rweshoŋgwe yakaɓuɗa kunze.)
27
ƲaTekoi ʋakamuteʋera pakugadzira mumŋe mupanda pakatarisana neshoŋgwe huru yakaɓuɗa kunze, kundoȿikira paruȿiŋgo rweOferi.
28
Ʋaprista ʋakagadzira pamsoro pesuʋo ramabiza, mumŋe nomumŋe pakatarisana neimba yake.
29
Zadoki mŋanakomana waImeri wakaʋateʋera pakugadzira pakatarisana neimba yake. Shemaya mŋanakomana waShekania, murindi wesuʋo rokumabvazuʋa, wakamuteʋera pakugadzira.
30
Hanania mŋanakomana waSheremia, naHanuni mŋanakomana wecitanhatu waZarafi ndiʋo ʋakamuteʋera pakugadzira mumŋe mupanda. Meshurami mŋanakomana waBerekia, wakamuteʋera pakugadzira pakatarisana nekamuri yake.
31
Markiya mumŋe waʋapfuri ʋendarama, wakamuteʋera pakugadzira kuȿikira kudzimba dzaʋaNetinimi nedzaʋateŋgesi, pakatarisana nesuʋo raHamifekadi, kuȿikira pakamuri yokumsoro iri pakona.
32
Pakati pekamuri yokumsoro pakona nesuʋo ramakwai, pakagadzirwa naʋapfuri ʋendarama naʋateŋgesi.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13