bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Nehemiah 4
Nehemiah 4
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 5 →
1
Asi Sanbarati wakati acinzwa kuti toʋaka ruȿiŋgo, akatsamŋa, akaʋa neshuŋgu kwaɀo, akaseka ʋaJuda.
2
Akataura nehama dzake nehondo yeSamaria, akati: ƲaJuda aʋa ʋasinesimba ʋanoɓateiko? Ʋacaɀisimbisa panhare here? Ʋacaɓayira here? Ʋacapedza nezuʋa rimŋe here? Ʋacararamisa mabge pamaturunhuru, ɀaatȿa here?
3
Tobia muAmoni wakaŋga amire naye, akati: Cinhu cipi necipi caʋanoʋaka haʋo, kana gaʋa rikakwira’po, ricakoromora ruȿiŋgo rwaʋo rwamabge.
4
Inzwai henyu, Mŋari weɗu, nokuti tinoninipiswa; dzoserai kushoʋora kwaʋo pamisoro yaʋo, muʋarege ʋapambge panyika yaʋatapxa.
5
Regai kufukidza ɀakaipa ɀaʋo, neɀiʋi ɀaʋo ŋgaɀirege kudzimŋa pamberi penyu; nokuti ʋaka ku tsamŋisai pamberi paʋaʋaki.
6
Naiɀoɀo takaʋaka ruȿiŋgo; ruȿiŋgo rwose rukaɓatanidzwa kuȿikira pahafu yokukwirira kwarwo; nokuti ʋanhu ʋakaŋga ʋaciɗa kuɓata.
7
Asi Sanbarati, naTobia, naʋaArabia, naʋaAmoni, naʋaAshdodi, ʋakati ʋacinzwa kuti ɓasa rokugadzira maȿiŋgo ropfuʋurira mberi ɀakanaka, kuti pakaŋga pakoromoka podziʋirwa, ʋakatsamŋa kwaɀo;
8
ʋakaraŋgana ʋose kundorwa neJerusarema, nokuʋakaŋganisa’po.
9
Asi isu takanyeŋgetera kunaMŋari weɗu, tikaisa ʋarindi kuʋarindira masikati noʋusiku nemhaka yaʋo.
10
Ipapo ʋaJuda ʋakati: Simba raʋatakuri ʋemitoro raɗerera, ʋuye marara ari’po mazhinji; saka hatigoni kuʋaka ruȿiŋgo.
11
Ʋadziʋisi ʋeɗu ʋakati: Ŋgaʋarege kuziʋa kana kuʋona cinhu, kuȿikira taʋa pakati paʋo, tikaʋaʋuraya nokumisa ɓasa.
12
Ɀino ʋaJuda ʋakaŋga ʋagere naʋo, ʋakati ʋaciȿika kwatiri, ʋacibva kunɀimbo dzose, ʋakati kwatiri kagumi: Munofanira kudzokera kwatiri.
13
Saka ndakaisa ʋamŋe ʋanhu panɀimbo dzakaɗerera seri kworuȿiŋgo, panɀimbo dzakaŋga dzakashama, ipapo ndakaisa ʋanhu nedzimba dzaʋo, ʋakaɓata minondo yaʋo, namapfumo aʋo, noʋuta bgaʋo.
14
Ndikatarira, ndikasimuka, ndikati kuʋakuru nokuʋatariri nokunaʋamŋe ʋanhu: Regai kuʋatya; raŋgarirai Jehova mukuru unotyisa, murwire hama dzenyu, naʋanakomana ʋenyu, naʋakunda ʋenyu, naʋakadzi ʋenyu, nedzimba dzenyu.
15
Ɀino ʋaʋeŋgi ʋeɗu ʋakati ʋanzwa kuti ɀazikanwa nesu, ʋuye kuti Mŋari wakakonesa kuraŋgana kwaʋo, isu tikadzokera tose kuruȿiŋgo, mumŋe nomumŋe kuɓasa rake.
16
Ɀino kubva paŋguʋa iyo hafu yaʋaranda ʋaŋgu ʋakaɓata paɓasa, asi hafu yaʋo ʋakaɓata mapfumo, nenhoʋo, noʋuta, neŋguʋo dzamatare; ʋuye ʋarairi ʋakaŋga ʋari shure kwaʋose ʋeimba yaJuda.
17
Ʋaiʋaka ruȿiŋgo, naʋaitakura mitoro, ʋaitutira; mumŋe nomumŋe wakaɓata noruʋoko rwake rumŋe paɓasa, asi norumŋe wakaŋga akaɓata nhumbi yake yokurwa nayo;
18
ʋuye ʋaʋaki mumŋe nomumŋe wakaŋga anomunondo wake wakasuŋgirwa paciʋuno cake; ʋakaʋaka saiɀoɀo. Muridzi wehwamanda wakamira neni.
19
Ndikati kuʋakuru nokuʋaɓati nokunaʋamŋe ʋanhu: Muɓato mukuru wakapararira, isu takataraŋgana pamsoro poruȿiŋgo, mumŋe ari kure nomumŋe;
20
papi napapi pamunonzwa kurira kwehwamanda, ʋuyai ikoko kwatiri; Mŋari weɗu ucatirwira.
21
Tikaɓata paɓasa saiɀoɀo; hafu yaʋo ʋaiɓata minondo kubva maŋgwanani kuȿikira nyeredzi dziciɓuɗa.
22
Neŋguʋa iyo ndikati kuʋanhu: Mumŋe nomumŋe anomuranda wake ŋgaaʋate muJerusarema, kuti ʋatirinde ʋusiku, ʋaɓate masikati.
23
Naiɀoɀo ini, kunyaŋge hama dzaŋgu, kana ʋaranda ʋaŋgu, kana ʋarindi ʋainditeʋera, hakuna‐nomumŋe weɗu wakabvisa ŋguʋo dzake, mumŋe nomumŋe wakandonwa mvura nenhumbi dzake dzokurwa nadzo.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13