bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Nehemiah 7
Nehemiah 7
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 8 →
1
Ɀino ruȿiŋgo rwakati rwaʋakwa, ini ndatimika magonhi, ʋuye ʋarindi ʋemikoʋa, naʋaimbi, naʋaRevi ʋagadzwa,
2
ndikagadza Hanani munuŋuna waŋgu, naHanania muɓati wenhare, ʋaʋe ʋatariri ʋeJerusarema; nokuti wakaŋga ari munhu wakatendeka, acitya Mŋari kupfuʋura ʋazhinji.
3
Ndikati kwaʋari: Masuʋo eJerusarema ŋgaarege kuzarurwa kuȿikira zuʋa rapisa; ɀino ʋarindi ʋacimire’po, ŋgaʋapfige mikoʋa, imi mugoikiya; munofanira kugadza ʋo ʋarindi pakati paʋagere Jerusarema, mumŋe nomumŋe paanofanira kurindira, mumŋe nomumŋe pakatarisana neimba yake.
4
Ɀino guta rakaŋga riri ɓamhi rakakura; asi ʋanhu ʋaiʋa’mo ʋashoma; ʋuye dzimba dzakaŋga dzicigere kuʋakwa.
5
Ipapo Mŋari waŋgu wakaisa mufuŋgo pamŋoyo paŋgu kuti ndikokere ʋakuru naʋatariri, naʋanhu, kuti ʋaʋereŋgwe namazita aʋo. Ndikawana buku yamazita aʋakataŋga kuȿika, ndikawana makanyorwa kuɗai:
6
Ndiʋo ʋana ʋorutiʋi rwenyika yaJuda, ʋakadzoka pakutapxa, pakati paʋakaŋga ʋakatapxa, ʋakatapxa naNebukadnezari mambo weBabironi, ʋakadzokera Jerusarema nokwaJuda, mumŋe nomumŋe kuguta rake:
7
Iʋo ʋakaʋuya naZerubaberi, naJeshua, naNehemia, naAzaria, naRaamia, naNahamani, naMordekai, naBirshani, naMispereti, naBigvai, naNehumi, naBaana. Kuwanda kwaʋarume ʋaʋanhu ʋaIsraeri ndiko:
8
Ʋana ʋaParoshi, ɀuru ɀiʋiri nezana namakumi manomŋe naʋaʋiri.
9
Ʋana ʋaShefatia, mazana matatu namakumi manomŋe naʋaʋiri.
10
Ʋana ʋaAra, mazana matanhatu namakumi mashanu naʋaʋiri.
11
Ʋana ʋaPahati‐moabi, ʋaʋana ʋaJeshua naJoabi, ɀuru ɀiʋiri namazana masere negumi naʋasere.
12
Ʋana ʋaErami, curu cimŋe namazana maʋiri namakumi mashanu naʋanna.
13
Ʋana ʋaZatu, mazana masere namakumi manna naʋashanu.
14
Ʋana ʋaZakai, mazana manomŋe namakumi matanhatu.
15
Ʋana ʋaBinui, mazana matanhatu namakumi manna naʋasere.
16
Ʋana ʋaBebai, mazana matanhatu namakumi maʋiri naʋasere.
17
Ʋana ʋaAzgadi, ɀuru ɀiʋiri namazana matatu namakumi maʋiri naʋaʋiri.
18
Ʋana ʋaAdonikami, mazana matanhatu namakumi matanhatu naʋanomŋe.
19
Ʋana ʋaBigvai, ɀuru ɀiʋiri namakumi matanhatu naʋanomŋe.
20
Ʋana ʋaAdini, mazana matanhatu namakumi mashanu naʋashanu.
21
Ʋana ʋaAteri, waHezekia, makumi mapfumbamŋe naʋasere.
22
Ʋana ʋaHashumi, mazana matatu namakumi maʋiri naʋasere.
23
Ʋana ʋaBezai, mazana matatu namakumi maʋiri naʋanna.
24
Ʋana ʋaHarifi, zana rimŋe negumi naʋaʋiri.
25
Ʋana ʋaGibeoni, makumi mapfumbamŋe naʋashanu.
26
Ʋarume ʋeBeti‐rehemi naʋeNetofa, zana rimŋe namakumi masere naʋasere.
27
Ʋarume ʋeAnatoti, zana rimŋe namakumi maʋiri naʋasere.
28
Ʋarume ʋeBeti‐Azmaveti, makumi manna naʋaʋiri.
29
Ʋarume ʋeKiriati‐jearimi, neKefira, neBeeroti, mazana manomŋe namakumi manna naʋatatu.
30
Ʋarume ʋeRama neGeba, mazana matanhatu namakumi maʋiri nomumŋe.
31
Ʋarume ʋeMikmashi, zana rimŋe namakumi maʋiri naʋaʋiri.
32
Ʋarume ʋeBeti‐eri neAi, zana rimŋe namakumi maʋiri naʋatatu.
33
Ʋarume ʋeNebo recipiri, makumi mashanu naʋaʋiri.
34
Ʋana ʋaErami wecipiri, curu cimŋe namazana maʋiri namakumi mashanu naʋanna.
35
Ʋana ʋaHarimi, mazana matatu namakumi maʋiri.
36
Ʋana ʋeJeriko, mazana matatu namakumi manna naʋashanu.
37
Ʋana ʋeRodi, neHadidi, neOno, mazana manomŋe namakumi maʋiri nomumŋe.
38
Ʋana ʋeSenaa, ɀuru ɀitatu namazana mapfumbamŋe namakumi matatu.
39
Ʋaprista ʋakaŋga ʋari: Ʋana ʋaJedaya, ʋeimba yaJeshua, mazana mapfumbamŋe namakumi manomŋe naʋatatu.
40
Ʋana ʋeImeri, curu cimŋe namakumi mashanu naʋaʋiri.
41
Ʋana ʋaPashuri, curu cimŋe namazana maʋiri namakumi manna naʋanomŋe.
42
Ʋana ʋaHarimi, curu cimŋe negumi naʋanomŋe.
43
ƲaRevi ʋakaŋga ʋari: Ʋana ʋaJeshua weKadmieri, waʋana ʋaHodeva, makumi manomŋe naʋanna.
44
Ʋaimbi ʋakaŋga ʋari: Ʋana ʋaAsafi, zana rimŋe namakumi manna naʋasere.
45
Ʋarindi ʋemikoʋa ʋakaŋga ʋari: Ʋana ʋaSharumi, naʋana ʋaAteri, naʋana ʋaTarmoni, naʋana ʋaAkubi, naʋana ʋaHatita, naʋana ʋaShobai, zana rimŋe namakumi matatu naʋasere.
46
ƲaNetinimi ʋakaŋga ʋari: Ʋana ʋaZiha, naʋana ʋaHasufa, naʋana ʋaTabaoti,
47
naʋana ʋaKerosi, naʋana ʋaSia, naʋana ʋaPadoni,
48
naʋana ʋaRebana, naʋana ʋaHagaba, naʋana ʋaSarmai,
49
naʋana ʋaHanani, naʋana ʋaGideri, naʋana ʋaGahari,
50
naʋana ʋaReaya, naʋana ʋaRezini, naʋana ʋaNekoda,
51
naʋana ʋaGazami, naʋana ʋaUza, naʋana ʋaPasea,
52
naʋana ʋaBesai, naʋana ʋaMeunimi, naʋana ʋaNefushesimi,
53
naʋana ʋaBakbuki, naʋana ʋaHakufa, naʋana ʋaHarhuri,
54
naʋana ʋaBazriti, naʋana ʋaMehida, naʋana ʋaHarsha,
55
naʋana ʋaBarkosi, naʋana ʋaSisera, naʋana ʋaTema,
56
naʋana ʋaNezia, naʋana ʋaHatifa.
57
Ʋana ʋaʋaranda ʋaSoromoni ʋakaŋga ʋari: Ʋana ʋaSotai, naʋana ʋaSofereti, naʋana ʋaPerida,
58
naʋana ʋaJaara, naʋana ʋaDarkoni, naʋana ʋaGideri,
59
naʋana ʋaShefatia, naʋana ʋaHatiri, naʋana ʋaPokereti‐hazebaimi, naʋana ʋaAmoni.
60
ƲaNetinimi ʋose naʋana ʋaʋaranda ʋaSoromoni, ʋaiʋa mazana matatu namakumi mapfumbamŋe naʋaʋiri.
61
Ndiʋo ʋakakwira, ʋacibva Terimera, neTeri‐harsha, neKerubi, neAdoni, neImeri; asi ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kuɗudza dzimba dzamadziɓaɓa aʋo, kana marudzi aʋo, kana ʋakaŋga ʋari ʋaIsraeri:
62
Ʋana ʋaDeraya, naʋana ʋaTobia, naʋana ʋaNekoda, mazana matanhatu namakumi manna naʋaʋiri.
63
Pakati paʋaprista ʋakaŋga ʋari: Ʋana ʋaHobaya, naʋana ʋaHakozi, naʋana ʋaBarzirai, wakaŋga awana mukadzi waʋakunda ʋaBarzirai muGireadi, akazotumidzwa zita rokwaʋo.
64
Aʋa ʋakatȿaka mazita aʋo pakati pamazita amadziteteguru, asi akashaikwa; saka ʋakanzi ʋakaȿiɓiswa, ʋakabviswa paʋuprista.
65
Ipapo muɓati akaʋaʋudza kuti ʋarege kudya ɀinhu ɀitȿene‐tȿene, kuȿikira kwamuka muprista uneUrimi neTumimi.
66
Ʋuŋgano yose yakaȿika ɀuru ɀinamakumi manna neɀiʋiri namazana matatu namakumi matanhatu,
67
ʋasiŋgaʋereŋgi ʋaranda ʋaʋo naʋarandakadzi ʋaʋo, ʋakaȿika ɀuru ɀinomŋe namazana matatu namakumi matatu naʋanomŋe; ʋaiʋa naʋaimbi ʋarume naʋakadzi ʋanamazana maʋiri namakumi manna naʋashanu.
68
Mabiza aʋo aiʋa namazana manomŋe namakumi matatu namatanhatu; namahesera aʋo mazana maʋiri namakumi manna namashanu;
69
namakamera aʋo, mazana manomŋe namakumi matatu namashanu; mboŋgoro dzaʋo ɀuru ɀitanhatu namazana manomŋe namakumi maʋiri.
70
Ʋamŋe ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aʋo ʋakapa ɀipo kuzoɓate‐ɓasa. Muɓati wakapa ciʋigiro cefuma madariki endarama anecuru cimŋe, nembiya dzinamakumi mashanu, neŋguʋo dzaʋaprista dzinamazana mashanu namakumi matatu.
71
Ʋamŋe ʋakuru ʋo ʋedzimba dzamadziɓaɓa ʋakapa muciʋigiro cefuma yokuɓate‐ɓasa nayo, madariki endarama aneɀuru ɀinamakumi maʋiri, nepondo dzesirveri dzineɀuru ɀiʋiri namazana maʋiri.
72
Ʋamŋe ʋanhu ʋakapa madariki endarama aneɀuru ɀinamakumi maʋiri, nepondo dzesirveri dzineɀuru ɀiʋiri, neŋguʋo dzaʋaprista dzinamakumi matanhatu nenomŋe.
73
Ɀino ʋaprista, naʋaRevi, naʋarindi ʋemikoʋa, naʋaimbi, naʋamŋe ʋanhu, naʋaNetinimi, naʋaIsraeri ʋose ʋakagara pamaguta aʋo. Mŋedzi wecinomŋe wakati uciȿika, ʋana ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋagere pamaguta aʋo.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13