bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
2 Corinthians 1
2 Corinthians 1
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 2 →
1
Pauro, mupostori waKristu Jesu, nokuda kwaMwari, naTimoti, hama yedu kukereke yaMwari iri muKorinde, pamwechete navatsvene vose vari paAkaya yose:
2
Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kuna Mwari, Baba vedu, naIshe Jesu Kristu.
3
Mwari ngaavongwe, ivo Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, Baba vengoni, Mwari wokunyaradza kwose;
4
iye anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose, kuti isu tive nesimba rokunyaradza vari mukutambudzika kupi nokupi, nokunyaradzwa kwatinonyaradzwa nako naMwari.
5
Nokuti madambudziko aKristu sezvaakava mazhinji kwatiri, saizvozvowo kunyaradzwa kwedu kwakava kuzhinji naKristu.
6
Zvino kana tichitambudzika hedu isu, zvinoitwa nokuda kwokunyaradzwa nokuponeswa kwenyu; kana tichinyaradzwa isu, zvinoitwa nokuda kwokunyaradzwa kwenyu, kunokusimbisai kutsungirira pamadambudziko iwayo atinotambudzikawo nawo.
7
Tariro yedu pamusoro penyu yakasimba, nokuti tinoziva kuti sezvamunosangana nesu pamadambudziko, saizvozvowo pakunyaradzwa.
8
Nokuti hatidi hama dzangu, kuti murege kuziva kutambudzika kwakatiwira paAsia, kuti takaremerwa kwazvokwazvo kukunda simba redu, nokudaro takarasa mwoyo tichiti hatingararami;
9
asi pamwoyo pedu isu takanga tatozvitongera rufu, kuti tirege kuvimba nesimba redu, asi naMwari anomutsa vakafa;
10
iye akatisunungura parufu rukuru rwakadai, uye achatisunungurazve; iye watinotenda kuti acharamba achitisunungura;
11
nemiwo muchibatsirana pakutikumbirira kwenyu, kuti vanhu vazhinji vavonge pamusoro pedu nokuda kwechipo chedu chenyasha chatakapiwa nokunyengetera kwavazhinji.
12
Nokuti kuzvirumbidza kwedu ndikoku: Kupupura kwehana yedu, kuti takafamba panyika, zvikuru kwamuri, noutsvene nechokwadi chaMwari, tisingafambi nouchenjeri hwenyama, asi nenyasha dzaMwari.
13
Nokuti hatikunyorerei zvimwe zvinhu, asi izvo zvamunorava nezvamunotenda; ndinoti dai muchizvitenda kusvikira pakuguma;
14
sezvamakatitendawo panezvimwe, kuti isu tiri kurumbidzwa kwenyu, semiwo muchava kurumbidzwa kwedu nezuva raIshe Jesu.
15
Ndichiziva izvozvi, ndakanga ndichida kutanga kuuya kwamuri, kuti mukomborerwe rwechipiri;
16
ndipfuure nokwenyu ndichienda Makedhonia, nokuuya nokwenyuzve, ndichibva Makedhonia, ndiperekedzwe nemi ndichienda Judhea.
17
Zvino zvandakanga ndichida kuita izvozvo, ndakaita nokusanduka mwoyo here? Kana, zvandinoda kuita ndinozvida nenyama here, kuti ini pamwe nditi, “Hongu, hongu,” pamwe, “Kwete, kwete?”
18
NaMwari akatendeka, shoko redu kwamuri harizi “Hongu” kana “Kwete.”
19
Nokuti Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, uyo akaparidzwa pakati penyu nesu neni naSirivhano naTimoti akanga asiri, “Hongu” kana “Kwete,” asi akanga ari, “Hongu maari.”
20
Nokuti zvipikirwa zvaMwari, kunyange zviri zvizhinji sei, maari ndi “Hongu,” naizvozvo naiyewo ndi “Ameni,” kuti Mwari akudzwe nesu.
21
Zvino, uyo anotisimbisa muna Kristu pamwechete nemi, nokutizodza, ndiMwari;
22
uyo akatiisirawo chisimbiso, akatipa rubatso rwoMweya mumwoyo medu.
23
Asi ndinodana Mwari, ave chapupu pamwoyo wangu, kuti handina kuzouya Korinde, nokuti ndakakunzwirai tsitsi.
24
Hatiiti simba nokutenda kwenyu, asi tinokubatsirai kuti mufare; nokuti mumire nokutenda.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13