bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
2 Corinthians 6
2 Corinthians 6
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 7 →
1
Zvino zvatinobatsirana naye, tinokumbira zvikuru kuti murege kugamuchira nyasha dzaMwari pasina.
2
(Nokuti iye anoti, “Ndakakunzwa iwe nenguva yakafanira, Ndakakubatsira pazuva rokuponeswa;” tarirai, zvino inguva yakafanira; tarirai, zvino ndiro zuva rokuponeswa.)
3
Hatigumbusi vamwe nechinhu, kuti kushumira kwedu kurege kuzvidzwa;
4
asi pazvinhu zvose tinozviratidza savashumiri vaMwari, pakutsungirira kukuru, panhamo, pakushayiwa, pamadambudziko,
5
pakurohwa, pakusungwa, pakunyonganiswa, pamabasa, pakusavata, pakuzvinyima zvokudya;
6
pakuchema kwomwoyo, pakuziva, pamwoyo murefu, paunyoro, paMweya Mutsvene, parudo rusinganyengeri;
7
pashoko rechokwadi, pasimba raMwari, nenhumbi dzokurwa dzokururama, kurudyi nokurubhoshe
8
nokukudzwa, nokusakudzwa, neguhu rakaipa, neguhu rakanaka; savanyengeri, asi tiri vechokwadi hedu;
9
savasingazikanwi, asi tichizikanwa hedu zvikuru; savanofa, asi, tarirai, tiri vapenyu; savanorohwa, asi tisingaurawi;
10
savanochema, asi tichigara tichifara hedu; savarombo, asi tichipfumisa vazhinji; savasina chinhu, asi tinazvo zvose.
11
Imi, vaKorinde, muromo wedu wakashama kwamuri, mwoyo wedu wakuriswa.
12
Hamumanikidzwi nesu, asi munomanikidzwa mumwoyo menyu.
13
Zvino, mundidzosere saizvozvo (ndinotaura sokuna vana vangu), imiwo mukuriswe mwoyo.
14
Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwechete navasingatendi; nokuti kururama kungava noukama hweiko nokusarurama? Chiedza chingayanana seiko nerima?
15
Kristu anganzwana seiko naBheriari? Anotenda angava nomugove weiko noasingatendi?
16
Temberi yaMwari ingatenderana seiko nezvifananidzo? Nokuti isu tiri temberi yaMwari mupenyu; Mwari sezvaakareva, achiti, “Ndichagara mukati mavo, nokufamba mukati mavo; ndichava Mwari wavo, ivo vachava vanhu vangu.
17
Saka budai pakati pavo, muzviraure, ndizvo zvinotaura Ishe, Musabata chinhu chine tsvina; Ini ndichakugamuchirai,
18
Ndichava baba venyu, Nemi muchava vanakomana navanasikana vangu, ndizvo zvinotaura Ishe ane simba rose.”
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13