bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
2 Corinthians 3
2 Corinthians 3
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 4 →
1
Tinotangazve kuzvirumbidza kwamuri here? Tinotsvaka here savamwe tsamba dzinoenda kwamuri, kana dzinobva kwamuri, dzingatirumbidza?
2
Imi muri tsamba yedu yakanyorwa mumwoyo medu, inozikanwa nokurahwa navanhu vose;
3
makaonekwa kuti muri tsamba yaKristu, yakagadzirwa nesu, isina kunyorwa neingi, asi naMweya waMwari mupenyu; isina kunyorwa pamahwendefa amabwe, asi pamahwendefa enyama omwoyo.
4
Kutenda kwakadai tinako naKristu, kuna Mwari;
5
hatiti takakwana isu timene, kuti titeme chinhu timene; asi kukwana kwedu kunobva kuna Mwari;
6
iye akatikwanisa kuti tive vashumiri vesungano itsva, isati iri yezvakanyorwa asi yoMweya; nokuti zvakanyorwa zvinouraya, asi Mweya anopa upenyu.
7
Zvino kana kushumira, kwakauyisa rufu, kwakanga kwakatemwa namabhii pamabwe, kwakauya nokubwinya, kwakanga kwadaro kuti vana vaIsiraeri vakakoniwa kutarisisa chiso chaMosesi nokuda kwokubwinya kwechiso chake kwakanga kuchipfuura hako
8
ko kushumira kwoMweya hakungavi nokubwinya kukuru here?
9
Nokuti kana kushumira, kwakauyisa kutongeswa, kwakanga kunokubwinya, zvikuru sei kushumira, kunouyisa kururama, kuchakunda pakubwinya.
10
Nokuti naicho chakabwinyiswa, hachina kubwinyiswa, kana pachinhu ichi tichichifananidza nokubwinya kunokunda.
11
Nokuti kana icho chinopfuura chaiva nokubwinya, zvikuru sei icho chinogara ndicho chiri pakubwinya.
12
Naizvozvo, zvatine tariro yakadai, tinotaura tisingatyi napaduku,
13
tisingaiti saMosesi, waiisa chifukidziro pachiso chake, kuti vana vaIsiraeri varege kutarisisa kuguma kwezvinopfuura.
14
Asi ndangariro dzavo dzakakokomara; nokuti kusvikira zuva ranhasi, kana sungano yakare ichirawa, chifukidziro icho chiripo, chisingaratidzwi kuti muna Kristu zvinopfuura.
15
Asi kusvikira nhasi, kana Mosesi achirawa, chifukidziro chiripo pamwoyo yavo.
16
Zvino kana munhu achitendeukira kuna Ishe, chifukidziro chinobviswa.
17
Ishe ndiMweya; zvino panoMweya waIshe, pane sununguko.
18
Zvino isu tose tinoti tichitarira nechiso chisina kufukidzirwa kubwinya kwaIshe sapachioni-oni, tinosandurwa tichifanana nomufananidzo iwoyo, tichibva pakubwinya kumwe tichienda kunokumwe kubwinya, sezvichibva kuna Ishe, Mweya.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13