bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
2 Corinthians 5
2 Corinthians 5
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 6 →
1
Nokuti tinoziva kuti kana imba yedu yenyika, tabhenakeri yedu, ichiputswa, tine chakavakwa chinobva kuna Mwari, imba isina kuvakwa namaoko, isingaperi, iri kudenga.
2
Nokuti tinogomerawo mairi, tichishuva kuti tifukidzwe neimba yedu inobva kudenga;
3
kuti kana takafukidza hedu, hatingawanikwi tisina chatakafuka.
4
Nokuti nesu, tiri mutabhenakeri iyi tinogomera, tichiremerwa; tisingadi kuti tikutunurwe, asi kuti tifukidzwe, kuti chinofa chimedzwe noupenyu.
5
Zvino, uyo akatigadzirira chinhu ichi ndiMwari, akatipawo rubatso rwoMweya.
6
Naizvozvo tinotsunga mwoyo nguva dzose, tichiziva kuti kana tichigara mumuviri hatigari kuna Ishe;
7
nokuti tinofamba nokutenda, hatifambi nokuona;
8
tinotsunga mwoyo, tichiti zviri nani tirege kugara mumuviri, kuti tigare kuna Ishe.
9
Saka tinoshingaira kuti timufadze iye, kunyange tichigaramo, kunyange tisingagarimo.
10
Nokuti isu tose tinofanira kuratidzwa pamberi pechigaro chokutonga chaKristu; kuti mumwe nomumwe apiwe zvaakaita nomuviri, sezvaakaita, kana zvakanaka kana zvakaipa.
11
Naizvozvo zvatinoziva kutya kwaIshe, tinogombedzera vanhu; asi tinoratidzwa hedu kuna Mwari; uye zvino ndinoti dai tichiratidzwawo muhana dzenyu.
12
Hatizvirumbidzizve kwamuri, asi tinokupai nzira yokurumbidza nokuda kwedu, kuti mugone kupindura avo vanovimba nezvinoonekwa, vasingavimbi nezvomwoyo.
13
Nokuti kana tichipenga, tinodaro nokuda kwaMwari; kana tiri vanhu kwavo, tinodaro nokuda kwenyu.
14
Nokuti rudo rwaKristu runotimanikidza; zvatinoziva chinhu ichi kuti mumwe akafira vose, zvino vose vakafa;
15
zvino iye akafira vose, kuti avo vanorarama varege kuzozviraramira ivo, asi uyo akafa nokumutswa nokuda kwavo.
16
Naizvozvo kubvira zvino hatitongozivi munhu panyama; uye kunyange takaziva Kristu panyama, kubvira zvino hatichamuzivi saizvozvo.
17
Saka kana munhu ari muna Kristu, ava chisikwa chitsva; zvinhu zvakare zvapfuura; tarirai, zvose zvava zvitsva.
18
Asi zvinhu zvose zvakabva kuna Mwari, wakatiyananisa naye naKristu, akatipa kushumira kwokuyananisa;
19
ndiko kuti Mwari akanga achiyananisa nyika naye muna Kristu, akasavaverengera kudarika kwavo, akatipa isu shoko rokuyananisa.
20
Naizvozvo tiri nhume nokuda kwaKristu, Mwari saanenge achikumbira zvikuru nesu; tinokumbira nokuda kwaKristu, tichiti, “Yananiswai naMwari.”
21
Uyo, akanga asingazivi zvivi, akamuita kuti ave zvivi nokuda kwedu; kuti isu tive kururama kwaMwari maari.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13