bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
2 Corinthians 7
2 Corinthians 7
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 8 →
1
Zvino, vadikanwi, zvatine zvipikirwa izvi, ngatizvinatse pamatsvina ose enyama noomweya, tikwanise utsvene pakutya Mwari.
2
Mutizarurire mwoyo yenyu; hatina kuitira munhu zvisakarurama, hatina kutadzira munhu, hatina kunyengera munhu.
3
Handirevi izvi, kuti ndikupei mhosva; nokuti ndamboreva kuti imi muri mumwoyo medu, kuti tife nokurarama pamwechete nemi.
4
Kusatya kwangu kukuru pakutaura kwamuri, nokuzvirumbidza kwangu kukuru pamusoro penyu; ndizere nokunyaradzwa, ndinofara kwazvo pakutambudzika kwedu kwose.
5
Nokuti takati tasvika Makedhonia, nyama yedu haina kuzorora, asi takatambudzika pamativi ose; kunze kwaiva nokukakavara, mukati maiva nokutya.
6
Asi Mwari, anonyaradza vakaora mwoyo, akatinyaradza nokusvika kwaTito;
7
handiti nokusvika kwake bedzi, asiwo nokunyaradzwa, kwaakanyaradzwa nako pamusoro penyu, achitiudza zvechishuo chenyu, nokuchema kwenyu, nokushingaira kwenyu pamusoro pangu; saka ndakanyanya kufara.
8
Nokuti kunyange ndakakuchemedzai netsamba yangu, handizvidyi mwoyo; kunyange ndakanga ndichizvidya mwoyo hangu, ndinoona kuti tsamba iyo yakakuchemedzai, asi yakanga iri nguva duku hayo.
9
Zvino, handifari kuti makachemedzwa, asi nokuti makachemedzwa mukatendeuka; nokuti makachemedzwa sezvinoda Mwari, kuti murege kurasikirwa nechinhu nokuda kwedu.
10
Nokuti kuchema sezvinoda Mwari kunouyisa kutendeuka, kunoisa kukuponwa kusingazvidyi mwoyo; asi kuchema kwenyika kunouyisa rufu.
11
Nokuti tarirai kuti chinhu icho chokuti makachemedzwa sezvinoda Mwari, chakauyisa mukati menyu kushingaira kukuru sei, nokuzvidavirira, nokutsamwa, nokutya, nechisuo, nokurwadza mwoyo, nokutsiva. Pazvinhu zvose makazviratidza kuti makachena pachinhu ichi.
12
Zvino, kana ndakakunyorerai, handina kuzviita nokuda kwaiye akaita zvisakarurama, kana nokuda kwaiye akaitirwa zvisakarurama, asi kuti kushingaira kwenyu nokuda kwedu kuonekwe nemi mumene pamberi paMwari.
13
Nemhaka iyi isu tinonyaradzwa; zvino pakunyaradzwa kwedu takafara zvikuru kwazvo pamusoro pomufaro waTito, nokuti mweya wake wakasimbiswa nemi mose.
14
Nokuti kana ndakazvirumbidza nechinhu kwaari pamusoro penyu, handina kunyadziswa; asi sezvatakataura kwamuri zvose nechokwadi, saizvozvowo kuzvirumbidza kwedu pamberi paTito kwakaonekwa kuti ndokwechokwadi.
15
Nehanya dzake dzawedzerwa kwamuri, achirangarira kuteerera kwenyu mose, pamakamugamuchira napo nokutya nokudedera.
16
Ndinofara kuti pazvinhu zvose ndingakutendai.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13