bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
2 Corinthians 10
2 Corinthians 10
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 11 →
1
Zvino ini Pauro ndinokumbira zvikuru kwamuri nounyoro netsitsi dzaKristu ini muduku kana ndiri pakati penyu, asi ndinotsunga kwamuri kana ndisipo.
2
Ndinokumbira kwamuri, kuti kana ndavapo, ndirege kuzotsunga, nokutenda kwandinoti zvino ndichatsunga nako kuna vamwe vanoti tinofamba nenzira yenyama.
3
Nokuti, kunyange tichifamba nenzira yenyama, hatirwi nemitoo yenyama;
4
nokuti nhumbi dzedu dzokurwa nadzo hadzizi dzenyama, asi dzine simba pamberi paMwari rokuputsa nhare;
5
isu tinoti tichiputsa njere, nezvakakwirira zvose zvinomutswa kuzorwa nokuziva Mwari, tinopa mifungo yose kuti iteerere Kristu;
6
takazvigadzira kuranga kusateerera kwose, kana kuteerera kwenyu kwazadziswa.
7
Imi munotarira zvinhu zviri pamberi penyu. Kana munhu achivimba nazvo achiti ndiri waKristu, ngaarangarirezve chinhu ichi mumwoyo make, kuti sezvaari waKristu iye, saizvozvo nesuo.
8
Nokuti kunyange ndainyanya kuzvirumbidza pamusoro pesimba redu ratakapiwa naIshe kukusimbisai, risati riri rokukuputsai, handinganyadziswi;
9
kuti ndirege kuita sendinokutyisai netsamba dzangu.
10
Nokuti vanoti, “Tsamba dzake dzina mashoko makuru, dzine simba, asi muviri wake kana aripo, unoutera, nokutaura kwake kunozvidzwa.”
11
Munhu akadaro ngaarangarire chinhu ichi, kuti sezvatinoreva mutsamba kana tisipo, ndizvo zvatakaitawo pakuita kwedu kana tiripo.
12
Nokuti tinotya kuzvienzanisa nokuzvifananidza navamwe vanozvikudza; asi ivo havana njere, zvavanozvienzanisa naivo vamene, nokuzvifananidza naivo vamene.
13
Zvino isu hatingazvirumbidzi tichipfuura chiyero, asi nechiyero chinosvika pachitanda chatakagoverwa naMwari, kuti chive chiyero, chisvikirewo kwamuri.
14
Nokuti hatinyanyi kuzvitambanudza, sezvatisingasvikiri kwamuri; nokuti tisu takatanga kusvikira kwamuri neVhangeri yaKristu;
15
hatizvirumbidzi tichipfuura chiyero pamusoro pebasa ravamwe; asi tine tariro kuti, kana kutenda kwenyu kuchikura, isu tichakuriswa pakati penyu kusvikira pachitanda chedu nokupfuurisa;
16
tigoparidza Vhangeri panyika dziri mberi kwenyu, tirege kuzvirumbidza pachitanda chomumwe pamusoro pezvatoitwa hazvo.
17
Asi anozvirumbidza, ngaazvirumbidze muna Ishe.
18
Nokuti akatendeka haazi iye anozvirumbidza, asi ndiye anorumbidzwa naIshe.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13