bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
2 Corinthians 12
2 Corinthians 12
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 13 →
1
Ndinofanira hangu kuzvirumbidza, kunyange zvisina kunaka, asi ndichasvika pazviratidzo nezvakazarurwa zvaIshe.
2
Ndinoziva munhu ari muna Kristu, ava makore ane gumi namana apfuura, (kana zvakaitwa mumuviri, kana kunze kwomuviri, handizivi; Mwari anoziva), munhu akadai akakwidzwa kudenga rechitatu.
3
Uye ndinoziva munhu akadai (kana zvakaitwa mumuviri kana kunze kwomuviri, handizivi; Mwari anoziva),
4
kuti akakwidzwa muparadhiso, akanzwa mashoko asingagoni kutaurwa, asina kutenderwa munhu kuti aareve.
5
Pamusoro pomunhu akadai ndichazvirumbidza; asi pamusoro pangu handizvirumbidzi; asi pamusoro poutera hwangu bedzi.
6
Nokuti kana ndichida kuzvirumbidza, handingavi benzi; nokuti ndichareva zvamazvokwadi; asi ndinorega hangu, kuti kurege kuva nomunhu, angati ndiri mukuru kunezvaakaona kana zvaakanzwa kwandiri;
7
zvino, kuti ini ndirege kunyanya kuzvikudza nokuda kwoukuru kwazvo hwezvakandizarurirwa, ndakapiwa munzwa munyama yangu, nhume yaSatani, andirove, kuti ndirege kunyanya kuzvikudza.
8
Pamusoro pechinhu ichi ndakakumbira Ishe zvikuru katatu, kuti chibve kwandiri.
9
Iye akati kwandiri, “Nyasha dzangu dzinokuringana; nokuti simba rangu rinozadziswa pautera hwako.” Naizvozvo zviri nani kuti ndizvirumbidze nomufaro mukuru noutera hwangu, kuti simba raKristu rigare pamusoro pangu.
10
Naizvozvo ndinofara noutera, nokuzvidzwa, nokushaiwa, nokutambudzika, nenhamo nokuda kwaKristu; nokuti kana ndino utera, ipapo ndine simba.
11
Ndava benzi; imi mandiroverera. Nokuti ini ndaifanira kurumbidzwa nemi; nokuti handizi muduku napaduku kuvapostori vanopfuura vose, kunyange ndisi chinhu.
12
Zvirokwazvo, zviratidzo zvomupostori zvakaitwa pakati penyu nokutsungirira kukuru, nezviratidzo, nezvishamiso, namabasa esimba.
13
Nokuti makapfuurwa neiko nedzimwe kereke, asi pakuti ini handina kukuremedzai? Ndikanganwirei henyu kusarurama uku.
14
Tarirai, ino ndiyo nguva yechitatu yandakazvigadzira kuuya kwamuri; handingakuremedzii; nokuti handitsvaki zvenyu, asi ndinokutsvakai imi; nokuti vana havafaniri kuchengetera vabereki, asi vabereki vanofanira kuchengetera vana.
15
Nokuti ndingafara zvikuru kupedza zvose zvangu, nokupedzwa ini nokuda kwemweya yenyu. Kana ini ndichikudai zvikuru, ini ndodikanwa zvishoma here?
16
Zvino, ngazvive saizvozvo hazvo, ini handina kukuremedzai; asi zvandakanga ndine njere, ndakakubatai namano.
17
Ndakakutorerai chinhu here nomumwe waivo vandakatuma kwamuri?
18
Ndakarayira Tito, ndikatuma hama iya naye; ko Tito akakutorerai chinhu here? Hatina kufamba nomweya mumwe here? Uye namakwara mamwe here?
19
Nguva yose makanga muchiti tinozvidavirira kwamuri here? Tinotaura pamberi paMwari muna Kristu; asi tinotaura izvi zvose, vadikanwi, kuti musimbiswe.
20
Nokuti ndinotya kuti zvimwe kana ndichisvika, ndingakuwanai musina kuita sezvandinoda, neni ndingawanikwa nemi ndakaita sezvamusingadi; zvimwe kungavapo gakava, negodo, nokutsamwa, nokupesana, nokuchera, namakuhwa, namanyawi, nenyonganiso;
21
kuti kana ndichisvikazve, Mwari wangu arege kundininipisa pamberi penyu, ndicheme pamusoro pavazhinji vavo vatotadza, vakasatendeuka patsvina yavo, noupombwe, noutere hwavakaita.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13