bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
2 Corinthians 4
2 Corinthians 4
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 5 →
1
Saka, zvatinako kushumira uku, patakanzwirwa ngoni napo, hatineti;
2
asi takaramba zvinhu zvakavanzika zvinonyadza, tisingafambi nokunyengera, tisingashatisi shoko raMwari; asi pakuratidza kwedu zvokwadi, tinozvitendisa kuhana dzavanhu vose pamberi paMwari.
3
Zvino kana Vhangeri yedu yakafukidzwa, yakafukidzwa kuna vanorasika;
4
kuna vasingatendi vakapofumadzirwa ndangariro namwari wenyika ino, kuti varege kuvhenekerwa nechiedza cheVhangeri yokubwinya kwaKristu, uri mufananidzo waMwari.
5
Nokuti hatizviparidzi isu, asi Kristu Jesu kuti ndiye Ishe; nesu kuti tiri varanda venyu nokuda kwaJesu.
6
Nokuti Mwari, akareva kuti, “Chiedza chibude parima,” ndiye akavhenekera mumwoyo yedu, kuti atipe chiedza chokuziva kubwinya kwaMwari kunoonekwa pachiso chaJesu Kristu.
7
Asi pfuma iyi tinayo mumidziyo yevhu, kuti ukuru hwesimba huve hwaMwari, hurege kuva hwedu.
8
Tinotambudzika pamativi ose, asi hatimanikidzwi; tinokanganiswa, asi hatina kurasa mwoyo;
9
tinotambudzwa, asi hatina kusiyiwa; takawisirwa pasi, asi hatina kuparadzwa;
10
tinoramba tichitakura nguva dzose mumuviri wedu kufa kwaJesu, kuti noupenyuwo hwaJesu huratidzwe mumuviri wedu.
11
Nokuti isu vapenyu tinogara tichingoiswa pakufa nokuda kwaJesu, kuti noupenyuwo hwaJesu huratidzwe munyama yedu inofa.
12
Saizvozvo kufa kunobata matiri, asi upenyu mamuri.
13
Zvino zvatino mweya iwoyu wokutenda, sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Ndakatenda, saka ndakataura;” nesuo tinotenda, saka tinotaurawo;
14
tichiziva kuti iye akamutsa Ishe Jesu, achatimutsawo isu pamwechete naJesu; agotiisa pamberi pake pamwechete nemi.
15
Nokuti zvinhu zvose zvinoitwa nokuda kwenyu, kuti nyasha zvadzakawanzwa navazhinji, dziwanze kuvonga, kuti Mwari akudzwe.
16
Saka hatineti, asi kunyange munhu wedu wokunze uchipera hawo, munhu womukati unovandudzwa zuva rimwe nerimwe.
17
Nokuti kutambudzika kwedu, kwakareruka, kuripo chinguva chiduku, kunotiitira kubwinya kukuru kwakaisvonaka kusingaperi;
18
tisingatariri zvinoonekwa, asi zvisingaonekwi; nokuti zvinoonekwa zvinopfuura, asi zvisingaonekwi ndezvokusingaperi.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13