bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
John 16
John 16
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 17 →
1
“Zvinhu izvi ndakakuudzai, kuti murege kugumburwa.
2
Vachakubudisai mumasinagoge; asi nguva inosvika, mumwe nomumwe wakakuurayai, achati anobatira Mwari basa.
3
Zvinhu izvi vachaita, nokuti havana kuziva baba, kana ini.
4
“Asi ndakakuudzai izvi, kuti kana nguva yazvo yasvika, mugozviyeuka, kuti ndakakuudzai. Handina kukuudzai izvi kubva pakutanga, nokuti ndaiva nemi.
5
Asi zvino ndinoenda kune akandituma; hakuna mumwe wenyu anondibvunza, achiti, ‘Munoendepiko?’
6
Asi zvino mwoyo yenyu yafa neshungu zvandakakuudzai izvi.
7
Asi ini ndinokuudzai zvechokwadi, kana ndichiti, zviri nani kwamuri, kuti ndiende, nokuti kana ndisingaendi, Munyaradzi haangauyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri.
8
“Iye kana asvika achazivisa nyika pamusoro pezvivi, napamusoro pokururama, napamusoro pokutongwa;
9
pamusoro pezvivi, nokuti havatendi kwandiri;
10
pamusoro pokururama, nokuti ndinoenda kuna baba, hamungazondioni;
11
pamusoro pokutongwa, nokuti muchinda wenyika ino atongwa kare.
12
“Ndine zvizhinji zvandinoda kukuudzai; asi hamugoni kuzvigamuchira zvino.
13
“Asi kana asvika, iye Mweya wechokwadi, achakutungamirirai muchokwadi chose; nokuti haangatauri zvake, asi zvaakanzwa, ndizvo zvaachataura, uye achakuparidzirai zvinouya.
14
Achandikudza, nokuti achatora pane zvangu achikuparidzai izvo.
15
Zvose baba zvavanazvo, ndezvangu; naizvozvo ndakati, achatora pane zvangu, achikuparidzai izvo.
16
“Chinguva chiduku chasara, hamuchazondioni; uyezve chinguva chiduku, muchandiona.”
17
Zvino vamwe vavadzidzi vake vakataurirana, vachiti, “Chinyiko ichi chaanoreva kwatiri, kuti, ‘Chinguva chiduku chasara, hamuchazondioni; uyezve, chinguva chiduku, muchandiona, uye, nokuti, ndinoenda kuna baba?’
18
Naizvozvo vakati, chinyiko chaanoti, ‘Chasara chinguva chiduku?’ Hatizivi chaanotaura.”
19
Jesu akaziva kuti vanoda kumubvunza, akati kwavari, “Munobvunzana here pamusoro pechinhu ichi chandareva, ndichiti, ‘Chasara chinguva chiduku, hamuchazondioni; uyezve, chinguva chiduku, muchandiona?’
20
“Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, mucharira nokuchema imi, asi nyika ichafara; imi muchanzwa shungu, asi shungu dzenyu dzichasanduka mufaro.
21
“Mukadzi kana achipona, anonzwa shungu, nokuti nguva yake yasvika; asi kana apona mwana, haachafungi kutambudzika, nokufara kwake nokuti munhu aponwa panyika.
22
Nemi zvino mune shungu; asi ndichakuonaizve, nomwoyo yenyu ichafara; hakuna munhu angakutorerai mufaro wenyu.
23
“Nezuva iro hamungazondibvunzi chinhu. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, zvose zvamunenge muchakumbira kuna baba, vachakupai izvo muzita rangu.
24
Kusvikira zvino hamuna kukumbira chinhu muzita rangu; kumbirai, muchapiwa, mufaro wenyu uzadzike.
25
“Izvi ndakataura kwamuri nemifananidzo, nguva inouya yandisingazotauri kwamuri nemifananidzo; asi ndichakuparidzira pachena zvababa.
26
“Nezuva iro muchakumbira muzita rangu; handikuudzii, kuti ndichakunyengeterera ini kuna baba;
27
nokuti baba vemene vanokudai, nokuti makandida ini, mukatenda, kuti ini ndakabva kuna baba.
28
Ndakabva kuna baba, ndikauya panyika; ndinobvazve panyika, ndichienda kuna baba.”
29
Vadzidzi vake vakati, “Tarirai, zvino motaura pachena, hamucharevi nemifananidzo.
30
Zvino toziva, kuti munoziva zvose, hamutsvaki kuti munhu akubvunzei; tinotenda izvozvi kuti makabva kuna Mwari.”
31
Jesu akavapindura akati, “Motenda zvino here?
32
Tarirai, nguva inouya, yatosvika, yamuchaparadzirwa, mumwe nomumwe kune zvake mukandisiya ndiri ndoga; asi handisi ndoga, nokuti baba vaneni.
33
Ndakareva izvozvi kwamuri, kuti muve norugare mandiri. Panyika munotambudzika; asi tsungai mwoyo, ini ndakakunda nyika.”
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21