bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
John 18
John 18
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 19 →
1
Jesu akati areva izvozvi, akabuda navadzidzi vake, akaenda mhiri kworukova runonzi Kedhironi, paiva nomunda, akapinda mauri, iye navadzidzi vake.
2
Zvino Judhasi, akamupandukira, akanga achizivawo nzvimbo iyo; nokuti Jesu kazhinji waiunganapo navadzidzi vake.
3
Naizvozvo Judhasi akatora boka ravarwi, navatariri, vaibva kuvapristi vakuru navaFarisi, akaendapo nemwenje namazhenje, nezvokurwa nazvo.
4
Zvino Jesu, zvaakanga achiziva zvose zvaifanira kumuwira, akabuda, akati kwavari, “Munotsvaka aniko?”
5
Vakamupindura, vakati, “Jesu weNazareta.” Jesu akati kwavari, “Ndini.” NaJudhasi, akamupandukira, akanga amirewo navo.
6
Zvino akati areva kwavari, achiti, “Ndini,” vakasudurukira shure vakawira pasi.
7
Zvino akavabvunzazve, achiti, “Munotsvaka aniko?” Vakati, “Jesu weNazareta.”
8
Jesu akapindura, akati, “Ndakuudzai, kuti ndini. Kana muchinditsvaka ini, regai ava vaende;”
9
kuti shoko, raakareva, riitike, rokuti, “Handina kurasikirwa nomumwe kuna ivavo vamakandipa.”
10
Zvino Simoni Petirosi, akanga ano munondo, akauvhomora, akatema muranda womupristi mukuru, akamugura nzeve yorudyi. Zita romuranda uyo rainzi Marikosi.
11
Zvino Jesu akati kuna Petirosi, “Dzorera munondo wako mumuhara; mukombe wandakapiwa nababa, handingaunwi here?”
12
Zvino boka ravarwi, nomukuru wechiuru chezana, navatariri vavaJudha vakabata Jesu, vakamusunga
13
vakatanga kumuisa kuna Anasi; nokuti akanga ari tezvara waKaifasi, aiva mupristi mukuru gore iro.
14
Zvino Kaifasi ndiye akanga apa vaJudha zano, kuti zviri nani kuti munhu mumwe afire vanhu vose.
15
Zvino Simoni Petirosi akanga achitevera Jesu, nomumwe mudzidziwo. Mudzidzi uyu aizikanwa nomupristi mukuru, akapinda naJesu muruvazhe rwomupristi mukuru.
16
Asi Petirosi akanga amire panze pamusuo. Zvino uya mumwe mudzidzi, aizikanwa nomupristi mukuru, akabuda, akataura nomurindi womusuo, akapinza Petirosi.
17
Zvino musikana, wairinda musuo, akati kuna Petirosi, “Newewo uri mumwe wavadzidzi vomunhu uyu here?” Akati, “Handisati.”
18
Zvino varanda navatariri vakanga vamirepo, vambovesa moto wamazimbe, nokuti kwaitonhora; vakadziya moto. NaPetirosi akamirawo navo achidziya moto.
19
Zvino mupristi mukuru akabvunza Jesu zvavadzidzi vake, nezvokudzidzisa kwake.
20
Jesu akamupindura, akati, “Ndaitaura pachena kunyika; ndaidzidzisa nguva dzose mumasinagoge nomutemberi, panoungana vaJudha vose; handina kureva chinhu pakavanda.
21
“Munondibvunzireiko ini? Bvunzai ava vainzwa zvandaitaura kwavari; tarirai, ava vanoziva zvandaireva.”
22
Akati areva izvozvo, mumwe wavatariri, akanga amirepo, akarova Jesu noruoko, achiti, “Unopindura mupristi mukuru uchidaro nhai?”
23
Jesu akamupindura, akati, “Kana ndareva zvakaipa, pupura kuti zvakaipa ndezvipi; kana ndareva zvakanaka, wagondirovereiko?”
24
Zvino Anasi akamutumira akasungwa kuna Kaifasi, mupristi mukuru.
25
Zvino Simoni Petirosi akanga amirepo, achidziya moto. Vakati kwaari, “Newewo uri mumwe wavadzidzi vake here?” Akaramba, akati, “Handisati.”
26
Mumwe muranda womupristi mukuru, hama yowakanga agurwa nzeve naPetirosi, akati, “Ini handina kukuona unaye mumunda here?”
27
Petirosi akarambazve. Pakarepo jongwe rikarira.
28
Zvino vakabva kuna Kaifasi, vakaenda naJesu kuimba yomubati; aiva mangwanani. Asi ivo havana kupinda mumba momubati, kuti varege kusvibiswa, kuti vagodya Pasika.
29
Ipapo Pirato akabudira kwavari, akati, “Munoti, munhu uyu ane mhosva yeiko?”
30
Vakapindura, vakati kwaari, “Dai munhu uyu asaiva mutadzi, tingadai tisina kumuisa kwamuri.”
31
Zvino Pirato akati kwavari, “Chimutorai imi, mumutonge nomurayiro wenyu.” VaJudha vakati kwaari, “Hatina kutenderwa isu kuti tiuraye munhu;”
32
kuti shoko raJesu raakareva riitike, achidudzira kufa kwaaifanira kufa nako.
33
Zvino Pirato akapindazve mumba momubati, akadana Jesu, akati kwaari, “Ndiwe mambo wavaJudha here?”
34
Jesu akapindura, akati, “Unozvireva izvi pachako here, kana wazviudzwa navamwe pamusoro pangu?”
35
Pirato akapindura, akati, “Ini ndiri muJudha su? Rudzi rwako navapristi vakuru vakakuisa kwandiri; waiteiko?”
36
Jesu akapindura akati, “Ushe hwangu hahusi hwenyika ino; dai ushe hwangu hwaiva hwenyika ino, varanda vangu vangadai vairwa, kuti ndirege kuiswa kuvaJudha; asi zvino ushe hwangu hahusi hwapano.”
37
Ipapo Pirato akati kwaari, “Iwe uri mambo su?” Jesu akapindura akati, “Unoreva iwe kuti ndiri mambo. Ndakaberekerwa izvo, ndakauyira izvozvo panyika, kuti ndipupure chokwadi. Mumwe nomumwe wechokwadi anonzwa izwi rangu.”
38
Pirato akati kwaari, “Chokwadi chinyiko?” Akati areva izvozvi, akabudirazve kuvaJudha, akati kwavari, “Ini handiwani mhosva kwaari.
39
Asi imi mune tsika kuti ndikusunungurirei mumwe nePasika; zvino munoda kuti ndikusunungurirei mambo wavaJudha here?”
40
Ipapo vakadanidzira vose, vachiti, “Munhu uyu kwete, asi Bharabhasi!” Zvino Bharabhasi akanga ari gororo.
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21