bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
John 7
John 7
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 8 →
1
Shure kwaizvozvo Jesu akafamba muGariria; nokuti akanga asingadi kufamba muJudhea, nokuti vaJudha vakanga vachida kumuuraya.
2
Zvino mutambo wavaJudha wamatumba wakanga uri pedyo.
3
Naizvozvo vanun'una vake vakati kwaari, “Ibva pano, uende Judhea, kuti vadzidzi vako vaonewo mabasa ako aunoita.
4
Nokuti hakuna munhu anoita chinhu chinyararire, kana iye amene achida kuzikanwa; kana iwe uchiita izvi, uzviratidze kunyika.”
5
Nokuti navanun'una vake vakanga vasingatendi kwaari.
6
Ipapo Jesu akati kwavari, “Nguva yangu ichigere kusvika; asi nguva yenyu inogara yakagadzirwa.
7
“Nyika haingakuvengi imi; asi inondivenga ini, nokuti ndinoipupurira, kuti mabasa ayo akaipa.
8
Kwirai kumutambo imi; ini handiti ndokwira kumutambo, nokuti nguva yangu ichigere kusvika kwazvo.”
9
Akati areva izvozvo kwavari, akagara Gariria.
10
Zvino vanun'una vake vakati vakwira kumutambo, iye akabva okwirawo, asingaendi pachena, asi panenge sapakavanda.
11
Zvino vaJudha vakamutsvaka pamutambo, vakati, “Aripiko iye?”
12
Kugun'un'una kukuru kukavapo pakati pavazhinji pamusoro pake, vamwe vachiti, “Akanaka;” vamwe vachiti, “Kwete, anotsausa vanhu vazhinji.”
13
Kunyange zvakadaro kwakanga kusina munhu aitaura pachena pamusoro pake, nokuti vakatya vaJudha.
14
Zvino kwakati pava pakati pomutambo, Jesu akakwira kutemberi, akatanga kudzidzisa.
15
Naizvozvo vaJudha vakashamiswa, vachiti, “Munhu uyu anoziva seiko mabhuku, zvaasina kumbodzidza?”
16
Jesu akapindura, akati, “Kudzidzisa kwangu hakusi kwangu, asi ndokwoakandituma.
17
Kana munhu achida kuita kuda kwake, achaziva kana kudzidzisa uku kuchibva kuna Mwari, kana ndichizvitaurira ndimene.
18
“Anozvitaurira, anotsvaka kukudzwa kwake; asi anotsvaka kukudzwa kwoakamutuma, ndiye wechokwadi, hapana kusarurama maari.
19
Mosesi haana kukupai murayiro here? Asi hakuna mumwe wenyu anoita murayiro. Munotsvakireiko kundiuraya?”
20
Vanhu vazhinji vakapindura, vachiti, “Uno mweya wakaipa iwe; ndianiko anotsvaka kukuuraya?”
21
Jesu akapindura, akati kwavari, “Ndakaita basa rimwe, mukashamiswa mose.
22
Nemhaka iyi Mosesi akakupai dzingiso, (handiti ndeyaMosesi, asi yamadzibaba); zvino imi munodzingisa munhu neSabata.
23
“Zvino kana munhu angadzingiswa neSabata, kuti murayiro waMosesi urege kutyorwa, ko imi monditsamwira nokuti ndakaporesa munhu wose neSabata here?
24
Musatonga nezvinoonekwa, asi tongai nokutonga kwakarurama.”
25
Zvino vamwe veJerusaremu vakati, “Ko haasi iye avaitsvaka kuuraya here?
26
Tarirai, anotaura pachena, vasingarevi chinhu kwaari. Ko vakuru vanoziva kwazvo kanhi kuti ndiye Kristu?
27
Zvino uyu tinoziva kwaanobva, asi Kristu kana achisvika, hakuna munhu angaziva kwaanobva.”
28
Zvino Jesu akadanidzira mutemberi, akadzidzisa, achiti, “Munondiziva, munoziva napandakabva; handina kuuya ini ndimene, asi akandituma ndiye wechokwadi, wamusingazivi imi.
29
Ini ndinomuziva, nokuti ndinobva kwaari; ndiye akandituma.”
30
Naizvozvo vakatsvaka kumubata, asi kwakanga kusina munhu akaisa ruoko kwaari, nokuti nguva yake yakanga isati yasvika.
31
Asi vamwe vazhinji vakatenda kwaari, vakati, “Kana Kristu achizosvika, angaita zviratidzo zvizhinji kunezvizvi zvakaitwa nouyu here?”
32
Zvino vaFarisi vakanzwa vanhu vazhinji vachigun'un'una izvozvo pamusoro pake; vapristi vakuru navaFarisi vakatuma mapurisa kundomubata.
33
Ipapo Jesu akati kwavari, “Ndichiri nemi nguva duku, ndigoenda kune akandituma.
34
Muchanditsvaka, asi hamungandiwani; uye apo pandiri, imi hamungasvikipo.”
35
Zvino vaJudha vakataurirana, vachiti, “Uyo anoda kuendepiko, kwatisingazomuwani? Ko anoda kuenda kuna vakapararira pakati pavaGiriki, kuti anodzidzisa vaGiriki here?
36
Rinoti kudiniko shoko iri raareva, rokuti, ‘Muchanditsvaka, asi hamungandiwani, uye, apo pandiri, imi hamungasvikipo?’ ”
37
Zvino nezuva rokupedzisira, zuva guru romutambo, Jesu akamira, akadanidzira, akati, “Ani naani, kana ane nyota, ngaauye kwandiri, anwe.
38
‘Anotenda kwandiri, sezvazvakarehwa noRugwaro, nzizi dzemvura mhenyu dzichayerera dzichibva mukati make.’ ”
39
Asi izvi akareva Mweya, aizopiwa avo vaitenda kwaari, nokuti Mweya akanga asati avapo, nokuti Jesu akanga asati akudzwa.
40
Zvino vamwe pakati pavanhu vazhinji vakati vachinzwa mashoko awa, vakati, “Zvirokwazvo uyu muporofita.”
41
Vamwe vakati, “Uyu ndiye Kristu.” Asi vamwe vakati, “Ko Kristu angabva Gariria here?
42
Rugwaro haruna kureva here, kuti Kristu achabva kurudzi rwaDhavhidhi, napamusha weBheterehemu, paiva naDhavhidhi?”
43
Naizvozvo kupesana kwakamuka pamusoro pake pakati pavazhinji.
44
Vamwe vakanga vachida kumubata; asi kwakanga kusina akaisa maoko kwaari.
45
Zvino mapurisa akauya kuvapristi vakuru nokuvaFarisi, ivo vakati kwavari, “Makaregereiko kuuya naye?”
46
Mapurisa akapindura, akati, “Hakuna munhu akatongotaura nokutaura kwomunhu uyo.”
47
Naizvozvo vaFarisi vakavapindura, vakati, “Nemiwo matsauswa kanhi?
48
Kuvakuru nokuvaFarisi kuno mumwe akatongotenda kwaari here?
49
Asi vanhu ava vazhinji, vasingazivi murayiro, vakatukwa.”
50
Nikodhimo, (uya akambouya kwaari, aiva mumwe wavo), akati kwavari,
51
“Murayiro wedu unotonga munhu, vasati vambomunzwa, nokuziva chaanoita here?”
52
Vakapindura, vakati kwaari, “Ko newewo uri weGariria here? Nzvera, uone kuti hakuna muporofita, anobva Gariria.” [
53
Ipapo mumwe nomumwe akaenda kumba kwake.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21