bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
John 4
John 4
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 5 →
1
Zvino Ishe akati aziva kuti vaFarisi vakanga vanzwa kuti Jesu akaita nokubhabhatidza vadzidzi kupfuura Johani,
2
kunyange Jesu akanga asingabhabhatidzi amene, asi vadzidzi vake,
3
akabva Judhea, akaendazve Gariria.
4
Akanga achifanira kupfuura neSamaria.
5
Zvino akasvika paguta reSamaria, rainzi Sikari, pedyo nemunda wakanga wapa Jakobho mwanakomana wake Josefa.
6
Tsime raJakobho rakanga riripo. Zvino Jesu aneta nokufamba, ndokungogara zvake patsime. Yaiva nguva inenge yechitanhatu.
7
Zvino mumwe mukadzi weSamaria akasvikapo kuzochera mvura. Jesu akati kwaari, “Ndipeiwo, ndinwe.”
8
Nokuti vadzidzi vake vakanga vaenda muguta kundotenga zvokudya.
9
Ipapo mukadzi muSamaria akati kwaari, “Ko iwe muJudha, unokumbira seiko kwandiri kunwa, ini mukadzi muSamaria?” (Nokuti vaJudha havafambidzani navaSamaria).
10
Jesu akapindura, akati kwaari, “Dai waiziva chipo chaMwari, uye kuti ndiani anoti kwauri, ndipeiwo ndinwe, ungadai waikumbira kwaari, akakupa mvura mhenyu.”
11
Mukadzi akati kwaari, “Ishe, hamuna chamungachera nacho, tsime rakadzika, zvino mvura mhenyu mungaiwanepiko?
12
Ko muri mukuru kuna baba vedu Jakobho, vakatipa tsime iri, vakanwa pariri vamene navanakomana vavo nezvipfuwo zvavo?”
13
Jesu akapindura, akati kwaari, “Mumwe nomumwe, anonwa mvura iyi, achava nenyotazve.
14
Asi ani naani, anonwa mvura yandichamupa ini, haachazovi nenyota nokusingaperi; asi mvura, yandichamupa, ichava mukati make tsime remvura, inovhaira kuupenyu husingaperi.”
15
Mukadzi akati kwaari, “Ishe, ndipei mvura iyi, kuti ndirege kuzova nenyota, kana kuuya kuchera pano.”
16
Jesu akati kwaari, “Enda, undodana murume wako, ugouya pano.”
17
Mukadzi akapindura, akati kwaari, “Handina murume.” Jesu akati kwaari, “Wareva zvakanaka, zvawati, ‘Handina murume.’
18
“Nokuti watova navarume vashanu; uyo waunaye zvino, haasi murume wako; apo wareva chokwadi.”
19
Mukadzi akati kwaari, “Ishe, ndinoona kuti muri muporofita.
20
Madzibaba edu ainamata pagomo iri; imi munoti muJerusaremu ndimo munofanira kunamatwa.”
21
Jesu akati kwaari, “Mai, nditende kuti nguva inouya, yamusingazonamati baba pagomo iri, kana muJerusaremu.
22
Imi munonamata chamusingazivi; isu tinonamata chatinoziva, nokuti ruponeso runobva kuvaJudha.
23
Asi nguva inouya, nazvino yatovapo, yokuti vanonamata nechokwadi vachanamata baba mumweya nechokwadi; nokuti baba vanotsvaka vakadaro kuzomunamata.
24
“Mwari ndiMweya; vanomunamata, vanofanira kumunamata mumweya nechokwadi.”
25
Zvino mukadzi akati kwaari, “Ndinoziva kuti Mesiasi anouya, anonzi Kristu; kana iye asvika, uchatiudza zvose.”
26
Jesu akati kwaari, “Ini, ndinotaura newe, ndini iye.”
27
Zvino vadzidzi vake vakasvika, vakashamiswa vachiona kuti anotaurirana nomukadzi; kunyange zvakadaro hakuna mumwe akati, “Munotsvakeiko kwaari?” Kana, “Munotaurireiko naye?”
28
Ipapo mukadzi akasiya chirongo chake, akaenda muguta, akati kuvanhu,
29
“Uyai muone munhu, akandiudza zvose zvandakaita. Ko uyu handiti ndiye Kristu here?”
30
Vakabuda muguta, vakaenda kwaari.
31
Nenguva iyo vadzidzi vake vakafanomunyengetera, vachiti, “Rabhi, chidyai.”
32
Iye akati kwavari, “Ini ndine zvokudya, zvandinodya, zvamusingazivi.”
33
Zvino vadzidzi vakataurirana, vachiti, “Kasi mumwe amuvigira zvokudya kanhi?”
34
Jesu akati kwavari, “Zvokudya zvangu ndizvo, kuti ndiite kuda kwoakandituma, nokupedza basa rake.
35
Ko imi hamuti, ‘Kwasara mwedzi mina, kukohwa kwasvika?’ Tarirai, ini ndinoti kwamuri, simudzai meso enyu, onai minda, kuti yatochena kuti ikohwiwe.
36
Anocheka anopiwa mubayiro, anounganidza mbesanwa muupenyu husingaperi; kuti anokusha naanocheka vafare vose.
37
Nokuti tsumo ndeyechokwadi, inoti, ‘Mumwe anokusha, mumwe achikohwa.’
38
Ndakakutumai kundokohwa zvamusina kubindukira; vamwe vakabindukira, zvino imi mapinda pane zvavakabindukira ivo.”
39
Zvino vaSamaria vazhinji veguta iro vakatenda kwaari neshoko romukadzi, akapupura, achiti, “Andiudza zvose zvandakaita.”
40
Zvino vaSamaria vakati vachisvika kwaari, vakamunyengetera kuti agare navo; akagarapo mazuva maviri.
41
Navamwe vazhinji vakatenda neshoko rake.
42
Vakati kumukadzi, “Hatichatendi nokureva kwako; tazvinzwira timene, tinoziva kuti uye ndiye Muponesi wapasi pose.”
43
Mazuva maviri akati apfuura, akabvapo; akaenda Gariria.
44
Nokuti Jesu amene akapupura, kuti muporofita haakudzwi munyika yake.
45
Zvino akati achisvika Gariria, vaGariria vakamugamuchira, nokuti vakanga vaona zvose zvaakaita Jerusaremu pamutambo wePasika, nokuti naivo vakanga vaendawo kumutambo wePasika.
46
Zvino Jesu akasvikazve paKana yeGariria, paakanga ashandura mvura ikaita waini. Ipapo pakanga panorimwe gurukota raishe, mwanakomana wake akanga achirwara paKapenaume.
47
Iye akati achinzwa kuti Jesu abva Judhea, asvika Gariria, akaenda kwaari, akamunyengetera kuti aburuke kundoporesa mwanakomana wake; nokuti akanga achitandadza.
48
Zvino Jesu akati kwaari, “Kana musingaoni zviratidzo nezvishamiso, hamungatongotendi.”
49
Gurukota raishe rakati kwaari, “Ishe, burukai henyu, mwana wangu asati afa.”
50
Jesu akati kwaari, “Enda hako, mwanakomana wako mupenyu.” Munhu uyu akatenda shoko rakarehwa naJesu kwaari, akaenda.
51
Akati achaburuka, varanda vake vakasangana naye, vakati, “Mwana wenyu mupenyu.”
52
Zvino akavabvunza nguva yaakatanga kunaya nayo. Vakati kwaari, “Zuro nenguva yechinomwe fivha yakabva kwaari.”
53
Zvino baba vakaziva kuti ndiyo nguva Jesu yaakati kwaari, “Mwanakomana wako mupenyu.” Iye akatenda nemhuri yake yose.
54
Ichi ndicho chiratidzo chechipiri chakaitwa naJesu, abva Judhea, asvika Gariria.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21