bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
John 17
John 17
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 18 →
1
Jesu akataura izvozvi, akatarira kudenga, akati, “Baba, nguva yasvika; kudzai Mwanakomana wenyu, kuti Mwanakomana akukudzei imi,
2
sezvamakamupa simba pamusoro pevanhu vose, kuti vose vamakamupa, avape upenyu husingaperi.
3
Upenyu husingaperi ndihwo, kuti vakuzivei imi, Mwari ari oga wechokwadi, naJesu Kristu, wamakatuma.
4
Ndakakukudzai panyika, ndapedza basa ramakandipa kuti ndiriite.
5
Zvino imi baba, mundikudzei pamberi penyu nokukudzwa kwandaiva nako kwamuri, nyika isati yavapo.
6
“Ndakaratidza vanhu, vamakandipa panyika, zita renyu. Vakanga vari venyu, mukandipa ivo, vakachengeta shoko renyu.
7
Zvino vanoziva kuti zvose-zvose, zvamakandipa, zvinobva kwamuri.
8
Nokuti ndakavapa mashoko amakandipa, vakaagamuchira, vakaziva zvirokwazvo kuti ndakabva kwamuri, vakatenda kuti ndakatumwa nemi.
9
“Ndinovanyengeterera ivo; handinyengetereri nyika, asi ivo vamakandipa, nokuti ndivo venyu.
10
Zvose zvangu ndezvenyu, nezvenyu ndezvangu; ndakudzwa mavari.
11
Ini handichiri munyika, asi ivo vari munyika; ini ndinouya kwamuri. Baba vatsvene, muvachengete muzita renyu, ramakandipa, kuti vave vamwe, sesu.
12
Ndichiri navo, ini ndaivachengeta muzita renyu, ramakandipa; hapana mumwe wavo wakarasika, asi mwanakomana wokuraswa, kuti Rugwaro ruitike.
13
Asi zvino ndouya kwamuri; ndinotaura izvi panyika, kuti vave nomufaro wangu, wakazadzika mavari.
14
“Ini ndakavapa shoko renyu nyika ikavavenga, nokuti havasi venyika, seni ndisi wenyika.
15
Handinyengeteri kuti muvabvise panyika, asi kuti muvachengete panowakaipa.
16
Havasi venyika, seni ndisi wenyika.
17
“Muvaite vatsvene muchokwadi; shoko renyu ichokwadi.
18
Sezvamakandituma panyika imi, saizvozvo neni ndakavatuma panyika.
19
Ndinozviita mutsvene nokuda kwavo, kuti naivo vaitwe vatsvene muchokwadi.
20
“Handinyengetereri ava bedzi, asi naivo vanotendawo kwandiri neshoko ravo,
21
kuti vose vave vamwe; semi baba muri mandiri, neni mamuri; kuti naivo vave matiri, kuti nyika itende kuti makandituma.
22
“Neni ndakavapa kubwinya kwamakandipa; kuti vave vamwe, sesu tiri vamwe;
23
ini mavari, nemi mandiri, vakwaniswe kuva vamwe; kuti nyika izive kuti makandituma, uye kuti makavada sezvamakandida ini.
24
“Baba ndinoda kuti avo vamakandipa, vavewo neni apo pandiri, kuti vaone kubwinya kwangu, kwamakandipa, nokuti makandida nyika isati yavambwa.
25
“Baba vakarurama, nyika haina kukuzivai; asi ini ndakakuzivai, naivava vakaziva kuti makandituma.
26
Ndakavazivisa zita renyu, uye ndicharizivisa, kuti rudo, rwamakandida narwo, ruve mavari, neni ndive mavari.”
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21