bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
John 21
John 21
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
1
Shure kwaizvozvo Jesu akazviratidzazve kuvadzidzi vake pagungwa reTibheriasi; akazviratidza kudai:
2
VanaSimoni Petirosi, naTomasi, ainzi Dhidhimo, naNataneri, weKana yeGariria, navanakomana vaZebhedhi, navamwe vaviri vadzidzi vake, vakanga vari pamwechete.
3
Simoni Petirosi akati kwavari, “Ndonobata hove.” Vakati kwaari, “Nesu tinoendawo newe.” Vakabuda, vakapinda muigwa; asi usiku uhwo havana kubata chinhu.
4
Zvino kwakati kwaedza, Jesu akamira pamhenderekedzo, asi vadzidzi vakanga vasingazivi kuti ndiJesu.
5
Zvino Jesu akati kwavari, “Vana, mune hove here?” Vakamupindura, vachiti, “Kwete.”
6
Akati kwavari, “Kandai usvasvi kurutivi rworudyi rwegwa mugowana.” Ipapo vakakanda, vakasagona zvino kuhukweva nokuwanda kwehove.
7
Zvino mudzidzi uya, aidikanwa naJesu, akati kuna Petirosi, “NdiIshe.” Ipapo Simoni Petirosi akati achinzwa kuti ndiIshe, akasunga nguo yake, nokuti akanga asina, akazviwisira mugungwa.
8
Asi vamwe vadzidzi vakauya nekagwa, vachikweva usvasvi hune hove, nokuti vakanga vasiri kure nenyika asi makubhiti anenge mazana maviri.
9
Zvino vakati vasvika panyika, vakaona moto wamazimbe waveswa, nehove yakaiswa pamusoro pawo, nechingwa.
10
Jesu akati kwavari, “Uyai nedzimwe hove dzamakabata zvino.”
11
Simoni akakwira muigwa, akakwevera usvasvi kumucheto, hwakanga huzere nehove huru, zana namakumi mashanu nenhatu; asi kunyange dzaiva zhinji dzikadai usvasvi hahuna kubvaruka.
12
Jesu akati kwavari, “Uyai, musvusvure.” Kwakanga kusina mumwe wavadzidzi vake akatsunga kumubvunza, kuti, “Ndimi aniko?” Vachiziva kuti ndiye Ishe.
13
Zvino Jesu akaenda, akatora chingwa, akavapa, nehovewo saizvozvo.
14
Urwu rwaiva rwechitatu, Jesu rwaakazviratidza kuvadzidzi vake amuka kuvakafa.
15
Zvino vakati vasvusvura, Jesu akati kuna Simoni Petirosi, “Simoni, mwanakomana waJona uno rudo neni kupfuura ava here?” Akati kwaari, “Hongu, Ishe; munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akati kwaari, “Fudza hwayana dzangu.”
16
Akati kwaarizve rwechipiri, “Simoni, mwanakomana waJona, une rudo neni here?” Akati kwaari, “Hongu, Ishe; munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akati kwaari, “Chengeta makwai angu.”
17
Akati kwaari rwechitatu, “Simoni, mwanakomana waJona, Unondida here?” Petirosi akarwadziwa mwoyo, nokuti akati kwaari rwechitatu, “Unondida here?” Akati kwaari, “Ishe, munoziva zvose; munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akati kwaari, “Fudza hwai dzangu.
18
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, uchiri jaya, waizvisunga chiuno, uchifamba kwawaida; asi kana wakwegura, uchatambanudza maoko ako, mumwe achakusunga chiuno, achikuisa kwausingadi.”
19
Akareva izvozvo, achifananidza kufa kwaaizokudza Mwari nako. Zvino akati areva izvozvo, akati kwaari, “Nditevere.”
20
Petirosi akatendeuka, akaona uya mudzidzi, aidikanwa naJesu, achitevera; ndiyewo akasendamira pachipfuva chake pachirariro, achiti, “Ishe, ndianiko achakupandukirai?”
21
Zvino Petirosi akati achimuona, akati kuna Jesu, “Ishe, ko uyu uchaitweiko?”
22
Jesu akati kwaari, “Kana ndikada kuti agare kusvikira ndichiuya, uneiko nazvo iwe? Unditevere iwe.”
23
Zvino shoko iro rakapararira pakati pehama, kuti mudzidzi uyu haangazofi. Asi Jesu haana kureva kwaari, kuti haangazofi, asi kuti, “Kana ndikada kuti agare kusvikira ndichiuya, uneiko nazvo iwe?”
24
Ndiwoyu mudzidzi anopupura izvozvi, wakazvinyorawo; tinoziva kuti kupupura kwake ndokwechokwadi.
25
Zvimwe zvizhinji zviriko zvakaitwawo naJesu; kana zvainyorwa chimwe nechimwe, ndinoti kunyange nenyika yose haingaringani bhuku dzinganyorwa.
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21