bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
John 6
John 6
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 7 →
1
Shure kwaizvozvo Jesu akaenda mhiri kwegungwa reGariria, ndiro reTibheriasi.
2
Vanhu vazhinji-zhinji vakamutevera, nokuti vakaona zviratidzo zvaaiita kuvarwere.
3
Jesu akakwira mugomo, akagaramo navadzidzi vake.
4
Pasika, mutambo wavaJudha, wakanga uri pedyo.
5
Zvino Jesu akati achitarira, akaona vanhu vazhinji-zhinji vachiuya kwaari, akati kuna Firipi, “Tingatengepiko zvingwa, kuti vanhu ava vadye?”
6
Akareva izvozvo kuti amuedze, nokuti iye akaziva amene zvaakanga achida kuita.
7
Firipi akamupindura, achiti, “Zvingwa zvamadhenari ana mazana maviri hazvingavaringani, kuti mumwe nomumwe atore zvishoma.”
8
Zvino mumwe wavadzidzi vake, Andireya, munun'una waSimoni Petirosi, akati kwaari,
9
“Pano pano mukomana, ane zvingwa zvishanu zvebhari nehove mbiri; asi izvi zvingakwanira sei vanhu vazhinji?”
10
Jesu akati, “Garisai vanhu pasi.” Zvino kwakanga kuno uswa huzhinji ipapo. Naizvozvo varume vakagara pasi, kuwanda kwavo kunenge zviuru zvishanu.
11
Zvino Jesu akatora zvingwa; akavonga, akazvipa vakanga vagere pasi; nehovewo saizvozvo pavaida napo.
12
Zvino vakati vaguta, akati kuvadzidzi vake, “Unganidzai zvimedu zvakasara, kuti zvirege kurasika.”
13
Ipapo vakazviunganidza, vakazadza matengu ane gumi namaviri nezvimedu zvezvingwa zvishanu zvebhari, zvakanga zvasara kuna vakadya.
14
Zvino vanhu vakati vaona chiratidzo chaakaita, vakati, “Zvirokwazvo uyu muporofita, anouya panyika.”
15
Zvino Jesu, zvaakaziva kuti voda kuuya kumubata nesimba kuzomuita mambo, akabvazve, akaenda mugomo ari oga.
16
Zvino ava madekwana, vadzidzi vake vakaburukira kugungwa;
17
vakapinda muigwa, vakatanga kuyambuka gungwa kuenda Kapenaume. Zvino kwakanga kwasviba, asi Jesu akanga asati asvika kwavari.
18
Gungwa rikatanga kumutswa nemhepo huru yaivhuvhuta.
19
Zvino vakati vakwasva zvikuru masitadhia anenge makumi maviri namashanu, kana makumi matatu, vakaona Jesu achifamba pamusoro pemvura, achiswedera pedyo negwa; vakatya.
20
Asi iye akati kwavari, “Ndini, musatya.”
21
Zvino vakafara kumugamuchira muigwa, igwa rikasvika pakarepo kunyika kwavakanga vachienda.
22
Ava mangwana vanhu vazhinji, vakanga vamire mhiri kwegungwa, vakaona kuti pakanga pasina rimwe igwa duku ipapo, asi iro rimwe makanga mapinda vadzidzi vake, mariri, uye kuti Jesu haana kupinda muigwa navadzidzi vake, asi kuti vadzidzi vake vakanga vaenda voga.
23
(Asi mamwe magwa maduku akanga abva Tibheriasi, akasvika pedyo pavakadyira zvingwa, Ishe ambovonga).
24
Zvino vanhu vazhinji vakati vaona, kuti Jesu haapo, navadzidzi vake, vakapinda vamene mumagwa maduku, vakasvika Kapenaume, vachitsvaka Jesu.
25
Zvino vakati vamuwana mhiri kwegungwa, vakati kwaari, “Rabhi, mauya pano riniko?”
26
Jesu akavapindura, akati, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, hamunditsvaki nokuti makaona zviratidzo, asi nokuti makadya zvingwa mukaguta.
27
Musabatira basa kutsvaka zvokudya zvinopera, asi batirai basa kuti muwane zvokudya zvinogara kuupenyu husingaperi, zvamuchapiwa naMwanakomana womunhu; nokuti baba, Mwari, vakaisa chisimbiso kwaari.”
28
Zvino vakati kwaari, “Tichaiteiko, kuti tibate mabasa aMwari?”
29
Jesu akapindura, akati kwavari, “Basa raMwari ndiro, kuti mutende kuna iye waakatuma.”
30
Zvino vakati kwaari, “Munoita chiratidzo chipiko, kuti tione, tikutendei?
31
Madzibaba edu akadya mana murenje, sezvazvakanyorwa, zvichinzi, ‘Akavapa chingwa chikabva kudenga, kuti vadye.’ ”
32
Zvino Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, akanga asi iye Mosesi, akakupai chingwa chakabva kudenga, asi ndibaba vangu vanokupai chingwa chechokwadi, chinobva kudenga.
33
Nokuti chingwa chaMwari ndicho chinoburuka kudenga, chinopa pasi upenyu.”
34
Zvino vakati kwaari, “Ishe, tipei chingwa ichi misi yose.”
35
Jesu akati kwavari, “Ndini chingwa choupenyu; anouya kwandiri, haangatongovi nenzara, noanotenda kwandiri haangatongovi nenyota.
36
Asi ndakakuudzai, kuti makandiona, asi hamutendi.
37
“Zvose baba zvavanondipa zvichauya kwandiri; noanouya kwandiri, handingatongomurasiri kunze.
38
Nokuti handina kuburuka kudenga, kuti ndiite kuda kwangu, asi kuda kwoakandituma.
39
Kuda kwoakandituma ndiko, kuti pazvose zvaakandipa, ndirege kurasikirwa nomumwechete waakanditurira, asi kuti ndivamutse nezuva rokupedzisira.
40
Nokuti kuda kwababa vangu ndiko, kuti mumwe nomumwe, anotarira Mwanakomana, nokutenda kwaari, ave noupenyu husingaperi; neni ndichamumutsa nezuva rokupedzisira.”
41
Zvino vaJudha vakagun'un'una pamusoro pake, nokuti akati, “Ndini chingwa chakaburuka kudenga.”
42
Vakati, “Uyu haasi Jesu, Mwanakomana waJosefa, watinoziva baba namai vake here? Zvino angagoti seiko, ndakaburuka kudenga?”
43
Jesu akapindura, akati kwavari, “Musagun'un'una pakati penyu.
44
“Hakuna munhu angauya kwandiri, kana baba, vakandituma, vasingamukwevi; neni ndichamumutsa nezuva rokupedzisira.
45
Muvaporofita makanyorwa, muchinzi, ‘Vachadzidziswa vose naMwari.’ Mumwe nomumwe akazvinzwa kuna baba, akadzidza, anouya kwandiri.
46
Handirevi kuti kune munhu akaona baba; asi uyo anobva kuna Mwari, ndiye akaona baba.
47
“Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, anotenda, ano hupenyu usingaperi.
48
Ndini chingwa choupenyu.
49
“Madzibaba enyu akadya mana murenje, akafa.
50
Ichi ndicho chingwa, chinoburuka kudenga, kuti munhu achidye, arege kufa.
51
Ndini chingwa chipenyu, chakaburuka kudenga; kana munhu achidya chingwa ichi, achararama nokusingaperi; chingwa chandichapa, inyama yangu, yandinopira upenyu hwapasi.”
52
Zvino vaJudha vakakakavara pakati pavo, vachiti, “Munhu uyu angatipa seiko nyama yake, tidye?”
53
Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kana musingadyi nyama yoMwanakomana womunhu, nokunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri.
54
“Anodya nyama yangu, naanonwa ropa rangu, ane upenyu husingaperi; ini ndichamumutsa nezuva rokupedzisira.
55
Nokuti nyama yangu ndicho chokudya chaicho, neropa rangu chokunwa chaicho.
56
Anodya nyama yangu, naanonwa ropa rangu, anogara mandiri, neni maari.
57
Baba vapenyu, sezvavakandituma, neni ndichirarama nababa; saizvozvo anondidya, achararama neni.
58
Ichi ndicho chingwa chakaburuka kudenga; hazvina kuita samadzibaba akadya, akafa; anodya chingwa ichi achararama nokusingaperi.”
59
Akareva zvinhu izvi musinagoge, achidzidzisa paKapenaume.
60
Zvino vazhinji vavadzidzi vake vakati vachizvinzwa, vakati, “Iri shoko igukutu; ndianiko angarinzwa?”
61
Asi Jesu, zvaakanga achiziva mumwoyo make kuti vadzidzi vake vanogun'un'una neshoko irero, akati kwavari, “Iri shoko rinokugumbusai kanhi?
62
Muchagodiniko kana muchiona Mwanakomana womunhu achikwira kwaaiva pakutanga?
63
Mweya ndiye anoraramisa, nyama haina maturo; mashoko andakataura kwamuri, ndiwo mweya noupenyu.
64
Asi vamwe venyu variko vasingatendi;” nokuti Jesu akanga achiziva kubva pakutanga, kuti vaisatenda ndivanaani, uye kuti ndiani aizomupandukira.
65
Akati, “Nemhaka iyi ndakati kwamuri, kuti hakuna munhu angauya kwandiri, kana asina kuzvipiwa nababa.”
66
Ipapo vadzidzi vake vazhinji vakadzokera shure, vakasazofamba naye.
67
Jesu akati kuna vane gumi navaviri, “Nemi munoda kubvawo here?”
68
Simoni Petirosi akamupindura, akati, “Ishe, tichagoenda kuna aniko? Ndimi muna mashoko oupenyu husingaperi.
69
“Isu takatenda, tikaziva kuti ndimi Mutsvene waMwari.”
70
Jesu akapindura, akati, “Handina kukutsanangurai, imi muri gumi navaviri here? Asi mumwe wenyu ndowaDhiabhori.”
71
Akareva Judhasi, mwanakomana waSimoni Isikarioti, nokuti ndiye aizomupandukira, aiva mumwe wavane gumi navaviri.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21