bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
John 3
John 3
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 4 →
1
Kwaivapo mumwe wavaFarisi, ainzi Nikodhimo, mukuru wavaJudha.
2
Iye akauya kwaari usiku, akati kwaari, “Rabhi, tinoziva kuti muri Mudzidzisi akabva kuna Mwari; nokuti hakuna munhu anogona kuita zviratidzo izvozvo zvamunoita, kana Mwari asiri naye.”
3
Jesu akapindura, akati kwaari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, kana munhu asingaberekwi kutsva, haangaoni ushe hwaMwari.”
4
Nikodhimo akati kwaari, “Munhu angagoberekwa seiko ava mukuru? Angapindazve mudumbu ramai vake rwechipiri, akaberekwa here?”
5
Jesu akapindura, akati, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, kana munhu asingaberekwi nemvura noMweya, haangagoni kupinda muushe hwaMwari.
6
Chakaberekwa nenyama inyama, chakaberekwa noMweya, mweya.
7
Usashamiswa, nokuti ndakati kwauri, munofanira kuberekwa kutsva.
8
Mhepo inovhuvhuta painoda napo, unonzwa izwi rayo, asi hauzivi painobva napainoenda; mumwe nomumwe akaberekwa naMweya akadaro.”
9
Nikodhimo akapindura, akati kwaari, “Zvinhu izvi zvingagoitwa seiko?”
10
Jesu akapindura, akati kwaari, “Iwe uri mudzidzisi wavaIsiraeri, haunzwisisi zvinhu izvozvi here?
11
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, tinotaura zvatinoziva, tinopupura zvatakaona; asi imi hamugamuchiri kupupura kwedu.
12
“Kana ndakakuudzai zvinhu zvenyika, mukasatenda, mungagotenda seiko, kana ndichikuudzai zvinhu zvokudenga?
13
“Hakuna munhu akakwira kudenga, asi iye akaburuka kudenga, iye Mwanakomana womunhu.”
14
Mosesi sezvaakasimudza nyoka murenje, saizvozvo Mwanakomana womunhu anofanira kusimudzwawo,
15
kuti ani naani anotenda kwaari, ave noupenyu husingaperi.
16
Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa mumwe woga, kuti ani naani anotenda kwaari, arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi.
17
Nokuti Mwari haana kutumira Mwanakomana wake panyika, kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe naye.
18
Anotenda kwaari, haatongwi; asi asingatendi kwaari, atotongwa, nokuti haana kutenda kuzita roMwanakomana waMwari akaberekwa mumwe woga.
19
Kutongwa ndokuku, kuti chiedza chakasvika panyika, asi vanhu vakada rima kupfuura chiedza, nokuti mabasa avo akanga akaipa.
20
Nokuti mumwe nomumwe, anoita zvakaipa, anovenga chiedza, haauyi pachiedza, kuti mabasa ake arege kubudiswa pachena.
21
Asi anoita chokwadi, anouya kuchiedza, kuti mabasa ake aonekwe, kuti akaitwa muna Mwari.
22
Shure kwaizvozvo Jesu akasvika munyika yeJudhea, navadzidzi vake, akagarako navo achibhabhatidza.
23
NaJohani akanga achibhabhatidzawo paAinoni, pedyo neSarimi, nokuti kwaiva nemvura zhinji ipapo; vakauya, vakabhabhatidzwa.
24
Nokuti Johani akanga achigere kuiswa mutorongo.
25
Zvino nharo dzikamuka pamusoro pokuzvinatsa pakati pavadzidzi vaJohani nomumwe muJudha.
26
Vakauya kuna Johani, vakati kwaari, “Rabhi, uya aiva nemi mhiri kwaJorodhani, wamaimbopupurira, tarirai, iye anobhabhatidza, uye vose vanouya kwaari.”
27
Johani akapindura, akati, “Munhu haangagamuchiri chinhu, kana asina kuchipiwa chichibva kudenga.
28
Imi mumene mungandipupurira, kuti ndakati, ‘Handisi Kristu ini, asi kuti ndakatumwa pamberi pake.’
29
Ano mwenga ndiye muwani; asi shamwari yemuwani inomira ichimunzwa, inofara zvikuru nezwi romuwani. Naizvozvo kufara kwangu uku kwazadzika.
30
Iye anofanira kukura, asi ini ndinofanira kudukupiswa.”
31
Anobva kumusoro ndiye uri pamusoro pavose; noanobva panyika ndowenyika, anotaura zvenyika; anobva kudenga ndiye ari pamusoro pavose.
32
Zvaakaona nezvaakanzwa, ndizvo zvaanopupura; asi hakuna munhu anogamuchira kupupura kwake.
33
Uyo akagamuchira kupupura kwake, akasimbisa kuti Mwari ndowechokwadi.
34
Nokuti akatumwa naMwari, ndiye anotaura mashoko aMwari; nokuti haapi Mweya asina mwero.
35
Baba vanoda Mwanakomana, vakamupa zvose muruoko rwake.
36
Anotenda Mwanakomana, ano upenyu husingaperi; asi asingatereri Mwanakomana, haangaoni upenyu, asi kutsamwa kwaMwari kunogara pamusoro pake.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21