bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
John 9
John 9
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 10 →
1
Akati achipfuura, akaona munhu akanga ari bofu kubva pakuberekwa kwake.
2
Vadzidzi vake vakamubvunza, vachiti, “Rabhi, ndianiko akatadza, uyu kana vabereki vake, zvaakaberekwa riri bofu?”
3
Jesu akapindura, akati, “Uyu haana kutadza, kunyange navabereki vake; asi izvi zvakaitwa kuti mabasa aMwari aoneswe maari.
4
Ndinofanira kubata basa rowakandituma, achiri masikati; usiku hunouya, husingagoni munhu kubata basa nahwo.
5
Ndichiri panyika, ndiri chiedza chenyika.”
6
Akati areva izvozvo, akapfira mate pasi, akakanya dope namate, akazodza dope pameso pake,
7
akati kwaari, “Enda undoshamba mudziva reSiroami,” (ndokuti, kana zvichishandurwa, “Kutumwa.”) Ipapo akaenda, akandoshamba, akadzoka achiona.
8
Vakanga vagere naye, navaimuona kare, kuti ndiye waikumbira, vakati, “Ko uyu haasi iye aigara achikumbira here?”
9
Vamwe vakati, “Ndiye;” vamwe vakati, “Kwete, asi akatodzana naye.” Iye akati, “Ndini.”
10
Zvino vakati kwaari, “Meso ako akagosvinudzwa seiko?”
11
Akapindura, akati, “Munhu anonzi Jesu akakanya dope, akazodza meso angu, akati kwandiri, enda Siroami, undoshamba; naizvozvo ndakaenda, ndikashamba, ndikaona.”
12
Vakati kwaari, “Iye aripiko?” Akati, “Handizivi.”
13
Vakamuisa kuvaFarisi, iye akanga ari bofu kare.
14
Zvino raiva Sabata zuva iro Jesu raakakanya dope naro, akasvinudza meso ake.
15
Zvino vaFarisi vakamubvunzazve, kuti wakaoneswa sei. Akati kwavari, “Akaisa dope pameso pangu, ndikandoshamba, ndikaona.”
16
Zvino vamwe vavaFarisi vakati, “Munhu uyu haasi waMwari, nokuti haachengeti Sabata.” Asi vamwe vakati, “Ko munhu mutadzi angaita seiko zviratidzo zvakadai?” Ipapo kupesana kwakamuka pakati pavo.
17
Zvino vakatizve kubofu, “Iwe unoti kudiniko pamusoro pake, zvaakasvinudza meso ako?” Akati, “Muporofita.”
18
Naizvozvo vaJudha havana kutenda pamusoro pake, kuti akanga ari bofu, akazoona, kusvikira vadana vabereki vowakaoneswa,
19
vakavabvunza, vachiti, “Uyu ndiye mwanakomana wenyu, wamunoti akaberekwa riri bofu here? Zvino anogoona seiko?”
20
Vabereki vake vakapindura, vakati, “Tinoziva kuti uyu mwanakomana wedu, uye kuti akaberekwa riri bofu;
21
asi hatizivi kuti zvino woona sei; noakasvinudza meso ake, hatimuzivi; mubvunzei henyu; ayaruka, achazvirevera hake.”
22
Vabereki vake vakareva izvozvo, nokuti vaitya vaJudha, nokuti vaJudha vakanga vatotenderana, kuti kana kuchinge kune munhu anotenda kuti ndiye Kristu, abudiswe musinagoge.
23
Naizvozvo vabereki vake vakati, “Ayaruka hake, mubvunzei henyu.”
24
Zvino vakamudanazve rwechipiri, iye munhu akanga ari bofu, vakati kwaari, “Rumbidza Mwari; isu tinoziva kuti munhu uyu mutadzi.”
25
Ipapo iye akapindura, akati, “Kana ari mutadzi ini handizivi; ndinoziva chinhu chimwe, kuti ndaiva bofu, zvino ndoona.”
26
Ipapo vakati kwaari, “Akakuiteiko? Akasvinudza meso ako sei?”
27
Akavapindura, akati, “Ndatokuudzai, mukasanzwa. Munoda kunzwazve nemhaka yeiko? Nemi munoda kuva vadzidzi vakewo kanhi?”
28
Vakamunyomba, vachiti, “Iwe ndiwe mudzidzi wake, asi isu tiri vadzidzi vaMosesi.
29
Tinoziva kuti Mwari wakataura naMosesi; asi uyu hatizivi kwaakabva.”
30
Iye munhu akapindura, akati kwavari, “Nyambera chinhu ichi chinoshamisa, kuti imi hamuzivi kwaanobva, kunyange akasvinudza meso angu.
31
Tinoziva kuti Mwari haanzwi vatadzi; asi kana munhu achishandira Mwari, achiita kuda kwake, anomunzwa iye.
32
Kubvira pakutanga hakuna kumbonzwika, kuti mumwe akasvinudza meso omunhu, akaberekwa riri bofu.
33
Dai uyu asati ari waMwari, haasaigona kuita chinhu.”
34
Vakapindura, vakati kwaari, “Iwe wakaberekerwa muzvivi chose, zvino iwe wotidzidzisa isu?” Vakamudzingira kunze.
35
Jesu akanzwa kuti vamudzingira kunze; akati amuwana, akati kwaari, “Iwe unotenda kuMwanakomana waMwari here?”
36
Akapindura, akati, “Iye ndianiko Ishe, kuti nditende kwaari?”
37
Jesu akati kwaari, “Wamuona, uye, ndiye unotaura newe.”
38
Ipapo akati, “Ndinotenda, Ishe.” Akamupfugamira.
39
Jesu akati, “Kutonga ndiko kwandauyira panyika ino, kuti vasingaoni, vaone; navanoona vave mapofu.”
40
Avo vavaFarisi vaiva naye, vakazvinzwa, vakati kwaari, “Ko nesuo tiri mapofu here?”
41
Jesu akati kwavari, “Dai maiva mapofu, hamusaiva nezvivi, asi zvino munoti, tinoona; zvivi zvenyu zvinoramba zviripo.”
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21