bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
John 10
John 10
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 11 →
1
Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwamuri, “Asingapindi napamusuo pedanga rehwai asi achikwira napamwe munhu iyeyo imbavha negororo.
2
Asi anopinda napamusuo ndiye mufudzi wehwai.
3
Muchengeti wapasuo guru, anomuzarurira musuo; uye hwai dzinonzwa izwi rake. Anodaidza hwai dzake namazita achidzitungamirira kunze.
4
Kana achinge adziburitsa dzose panze, anodzitungamirira uye hwai dzinomutevera nokuti dzinoziva izwi rake.
5
Mweni hadzimuteveri, asi dzinotomutiza nokuti hadzizivi izwi ravaenzi.”
6
Jesu akavashandisira muenzaniso uyu, asi ivo havana kunzwisisa zvaaireva kwavari.
7
Ipapo Jesu akatizve kwavari, ndinoti kwamuri, “Idi chaizvo ini ndini musuo wehwai.
8
Vose vakanditangira dzaiva mbavha namakororo asi hwai hadzina kuvateerera.
9
Ini ndini musuo. Anopinda napandiri achaponeswa; achapinda nokubuda zvake achiwana mafuro.
10
Mbavha inouya chete kuzoba, nokuzouraya nokuparadza, ini ndakauya kuti vanhu vawane upenyu, uye kuti vawane upenyu huzere.
11
Ini ndini mufudzi wakanaka mufudzi wakanaka anofira hwai dzake.
12
Muronzerwi, asiri mufudzi uye asiri muridzi wehwai akaona mhumhi ichiuya anosiya hwai dziya achitiza, mhumhi inobvuta hwai; dzimwe dzigoti mwanda kupararira.
13
Anotiza nokuti muronzerwi chete uye haana hanya nehwai.
14
Ini ndini mufudzi wakanaka ndinoziva hwai dzangu uye hwai dzangu dzinondizivawo
15
sokundiziva kunoita Baba, iniwo ndinoziva Baba, ndokusaka ndichiparadza upenyu hwangu kuitira hwai.
16
Ndine dzimwe hwai dzisiri dzedanga rino ndinofanira kudziunzawo. Idzo dzichanzwawo izwi rangu saizvozvo kuchava nedanga rimwechete nomufudzi mumwechete.
17
Baba vanondida pamusana pokuti ndinoparadza upenyu hwangu kuti ndizougamuchirazve.
18
Hapana anonditorera, kuhuparadza kwandinoita kutoda kwangu zvangu. Ndinesimba rokuhuparadza uye ndinesimba rokuti ndive noupenyu zvakare. Ndizvo zvandakaudzwa kuti ndiite nababa vangu.”
19
Pakabva pamuka nharo pakati pavaJudha pamusana pamazwi aya.
20
Vazhinji vavo vakati, “Ane mweya wakaipa uye anopenga sei muchimuteerera.”
21
Vamwewo vakati, “Uku hakusi iko kutaura kwomunhu ane Mweya wakaipa. Mweya wakaipa ungazarure maziso ebofu here?”
22
Paiva pazuva rokurangarira zuva guru reChenura kuJerusaremu. Yaiva iri nguva yechando.
23
Jesu aifamba zvake paTemberi muberere raSoromoni.
24
Saka vaJudha vakamuunganira vakamuti, “Unoda kuti timirire kusvikira riniko? Kana uriwe Mesia tiudze pachena.”
25
Jesu akavapindura achiti, “Ndakakutaurirai asi hamutendi mabasa andinoita muzita raBaba vangu anondipupurira.
26
Asi imi hamutendi nokuti hamusi hwai dzangu.
27
Hwai dzangu dzinonzwa izwi rangu, uye ndinodziziva uyewo dzinonditevera.
28
Iniwo ndinodzipa upenyu husingaperi, saizvozvo hadzimbofa dzakaparara. Hakuna angadzibvute mumaoko mangu.
29
Baba vangu vakadzipa kwandiri vakuru kupinda ani zvake uye hapana anogona kudzibvuta mumaoko aBaba.
30
Ini naBaba tiri mumwechete.”
31
VaJudha vakatorazve matombo kuti vamutake nawo.
32
Jesu akavapindura achiti, “Ndakakuratidzai mabasa mazhinji akanaka anobva kuna Baba; amunonditakira ndaapi ipapa?”
33
VaJudha vakamupindura vachiti, “Hatisi kukutakira basa rakanaka asi kushonha Mwari nokuti iwe uri munhu kudai asi uri kuzviita Mwari.”
34
Jesu akavapindura achiti, “Hazvina kunyorwa here mumutemo wenyu zvichinzi, ‘Ndakati muri vanamwari.’
35
Kana akavati ndavanamwari vaya vakavingwa nezwi raMwari. Saka Magwaro Matsvene haapikiswi.
36
Zvino munoti uyo akaitwa mutsvene naBaba, akatumwa pasi pano, uri kushonha Mwari nokuti ndati ndiri Mwanakomana waMwari.
37
Kana ndisiri kuita mabasa aBaba vangu regai zvenyu kunditenda.
38
Asi kana ndichiaita kunyange zvenyu musingatendi mandiri tendai mabasa kuti muzive uye munzwisise kuti Baba vari mandiri uye kuti Ini ndiri muna Baba.”
39
Vakaedzazve kumubata asi akapunyuka mumaoko avo.
40
Akaendazve kumhiri kwaJorodhani paya paimboombekera Johani pakutanga, akambogarako.
41
Vanhu vakawanda vakauya kwaari. Vakati, “Johani haana zvake kuita zvishamiso asi zvose zvakataurwa naJohani nezvomunhu uyu ndezvechokwadi.”
42
Vazhinji vakabva vadavira maari ipapo.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21