bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
John 9
John 9
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 10 →
1
Jesu paakanga achipfuura zvake akaona munhu akaberekwa ari bofu.
2
Vadzidzi vake vakamubvunza vachiti, “Nhai Mudzidzisi ndiani akatadza, munhu uyu kana kuti vabereki vake zvakaita kuti aberekwe ari bofu?”
3
Jesu akapindura achiti, “Haasi munhu uyu akatadza kana kuti vabereki vake, asi zvakaitirwa kuti mabasa aMwari aoneswe maari.
4
“Tinofanira kuita mabasa euyo akandituma kuchakachena. Usiku huri kuuya hwokuti hapana anozokwanisa kushanda.
5
Kana ndichiri pasi pano ndini chiedza chapasi.”
6
Paakataura izvi akasvipira pasi, akakanya tudhaka ndokutwuisa pamaziso omunhu uya
7
akamuti, “Chienda undoshamba mudziva reSiroamu” (zvinoreva kutumwa.) Ipapo akaenda akashamba akauya avakuona.
8
Vavakidzani naye navamwe vaimbomuona achipemha vakati, “Uyu haasiri munhu uya here aigara pasi achipemha?”
9
Vamwe vakati, “Ndiye.” Vamwewo vakati, “Kwete akangofanana naye.” Asi iye akati, “Ndini.”
10
Vakati kwaari, “Ko maziso ako akazarurwa sei?”
11
Iye akapindura achiti, “Munhu anonzi Jesu akanya tudhaka akazora maziso angu akanditi, ‘Enda kudziva reSiroamu ushambe.’ Saizvozvowo ndaenda ndikashamba ndikabva ndavakuona.”
12
Vakati, “Ko zvino ari kupi?” Iye ndokuti, “Handizivi.”
13
Vakaunza kuvaFarisei munhu uya akanga ari bofu.
14
Zvino waiva musi weSabata Jesu paakakanya tudhaka akamuzarura maziso ake.
15
VaFarisei vakamubvunzazve kuti aoneswa sei. Iye akavati aisa tudhaka pamaziso angu ndikashamba, zvino ndava kuona.
16
Vamwe vaFarisei vakati, “Munhu uyu haabvi kuna Mwari nokuti haachengeti Sabata.” Vamwewo vakati, “Zvingaitike sei kuti munhu mutadzi aite zviratidzo zvakadai?” Pakabva pamuka nharo pakati pavo.
17
Naizvozvo, vakatizve kubofu riya, “Ko iwe unotii nezvake zvaakusvinudza maziso.” Iye akati, “Munhu uyu muporofita.”
18
VaJudha havana kudavira kuti akambenge ari bofu. Uye kuti akanga asvinudzwa maziso kusvikira vatodaidza vabereki vomunhu uya akanga asvinudzwa maziso.
19
Vakavabvunza kuti, “Uyu mwana wenyu here uyu wamungati akaberekwa ari bofu; ko zvaitika sei kuti zvino avakuona?”
20
Vabereki vake vakapindurawo vachiti, “Chatinoziva isu ndechokuti, uyu mwanakomana wedu, uye kuti akaberekwa ari bofu.
21
Asi zvokuti iye zvino ava kuona sei isu hatizvizivi kana kuzivawo kuti ndiani wamusvinudza maziso. Mubvunzei iye, inga abve zero wani. Anozvidavirira.”
22
Vabereki vake vakadaro pamusana pokuti vaitya vaJudha nokuti vaJudha vakanga vatorangana kuti munhu anenge angoti iye ndiye Mesia anofanira kudzingwa muSinagogu.
23
Ndokusaka vabereki vake vakati, “Inga abve zero wani, mubvunzei iye.”
24
Naizvozvo vakadaidzazve kechipiri munhu uya akaberekwa ari bofu vakamuti, “Iwe remekedza Mwari, isu tinoziva kuti munhu uyu mutadzi.”
25
Iye akapindura achiti, “Zvokuti mutadzi ini handizvizivi asi chandinoziva chimwechete chokuti ini ndanga ndiri bofu, zvino ndavakuona.”
26
Vakati kwaari, “Chii chaaita kwauri. Akusvinudza maziso ako sei?”
27
Iye akavapindura achiti, “Inga ndakutaurirai kare wani, mukaramba kuteerera. Munodirei kuzvinzwa zvakare? Asi mavakudawo kuva vadzidzi vake nhai?”
28
Vakabva vamunyomba vachiti, “Iwe ndiwe ungatova mudzidzi wake isu tiri vadzidzi vaMosesi.
29
Isu tinoziva kuti Mwari akataura kuna Mosesi. Asi zvomunhu uyu, hatizivi kwaanobva.”
30
Munhu uya akavapindura achiti, “Apokaapo, izvi zvinoshamisa izvi, heya hamuzivi kwaanobva asi iye andisvinudza maziso angu?
31
Tinoziva kuti Mwari haateeri vatadzi, asi kana munhu ari munamati waMwari, uye achiita kuda kwake, Mwari anomunzwa.
32
Kubvira pakutanga kwapasi, hakuna kumbonzwika kuti pane akambozarura maziso omunhu akazvarwa ari bofu.
33
Dai munhu uyu anga asingabvi kuna Mwari hapana chaaikwanisa kuita.”
34
Vakati kwaari, “Iweka iwe, chiberekerwo chako uri mutadzi chaiyeiye. Ndiwe ungade kutidzidzisa iyewe.” Vakabva vamudzinga.
35
Jesu akazvinzwa kuti vamutandanisa. Paakamuona akamuti, “Unotenda here muna Mwanakomana womunhu?”
36
Iye akapindura achiti, “Ndiani iyeyo nhai, changamire kuti nditende maari.”
37
Jesu akamuti, “Wamuona, ndini iye uno ari kutaura kwauri.”
38
Iye akati, “Tenzi ndinotenda,” akabva amugwadamira.
39
Jesu ndokubva ati: “Ndakauya kuti vanhu vazvitongese kuti vasingaoni vaone uye kuti vanoona varege kuona.”
40
Vamwe vaFarisei vakanga vari pedyo naye vakazvinzwa, vakati kwaari, “Nesuwo tiri mapofu here isu?”
41
Jesu akati kwavari, “Dai muri mapofu mungadai musina mhosva. Asi zvino zvamunoti tinoona mhosva yenyu inongoramba iripo.”
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21