bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
John 14
John 14
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 15 →
1
“Mwoyo yenyu ngairenge kutambudzika tendai muna Mwari mutendewo mandiri.
2
Mumba maBaba vangu kune dzimba dzakawanda dai kwakanga kusina ndingadai ndakakuudzai. Ndiri kuendako kundokugadzirirai pokugara.
3
Kana ndandokugadzirirai pokugara ndichauyazve ndozokutorai kuti kwandichange ndiri, imi muvekowo.
4
Nzira yokwandinoenda munoiziva.”
5
Tomasi akati kwaari, “Tenzi hatizivi kwamuri kuenda tingazive sei nzira yoko?”
6
Jesu akamuti kwaari, “Ndini nzira nechokwadi noupenyu. Hapana anosvika kuna Baba asina kuuya nokwandiri.
7
Dai maindiziva maizivawo Baba vangu asi kubvira zvino mavakuvaziva uye makavaona.”
8
Firipi akati, “Tenzi tiratidzei Baba tinobva tagutsikana.”
9
Jesu akati kwaari, “Nhai Firipi, ko zvandagarazve nguva ndefu yakadai nemi, nanhasi wose haundizivi? Inga wani akaona ini akaona Baba. Zvino ungagoti seiko tiratidzei Baba?
10
Haudaviri here kuti ndiri muna Baba uye kuti Baba vari mandiri. Zvandinotaura kwamuri hazvisi zvomusoro wangu asi kuti Baba vanogara mandiri ndivo vanenge vachiita mabasa avo.
11
Nditendei kuti ini ndiri muna Baba uye kuti Baba vari mandiri kana kuti nditendei nokuda kwamabasa pachawo.
12
“Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwamuri, anotenda mandiri achaitawo mabasa andinoita uye achaita mabasa akatokura kupinda aya nokuti ndava kuenda kuna Baba.
13
Chiri chose chamunokumbira muzita rangu ndichachiita kuti Baba varumbidzwe muMwanakomana.
14
Kana mukakumbira chii zvacho muzita rangu ini ndichachiita.
15
“Kana muchindida, muchachengeta mitemo yangu.
16
Iniwo ndichakumbira Baba, ivo vachakupai mumwe Murevereri achava nemi nokusingaperi.
17
Ndiye uya Mweya wechokwadi iyeyo pasi pano hapagoni kumugamuchira nokuti hapamuoni kana kumuziva; imi munomuziva nokuti anogara nemi uye achava mamuri.
18
“Handikusiyei muri nherera ndichauyazve kwamuri.
19
Kwasara chinguvana chiduku, pasi hapazondiona. Asi imi muchandiona zvenyu pamusana pokuti ini ndiri mupenyu imiwo muchava vapenyu.
20
Ipapo ndipo pamuchaziva kuti ini ndiri muna Baba vangu imi muri mandiri iniwo ndiri mamuri.
21
Munhu ane mitemo yangu achiichengeta, ndiye munhu anondida; uyo anondida achadidawo naBaba vangu iniwo ndichazviratidza kwaari.”
22
Judhasi, kwete Isikarioti, akati kwaari, “Tenzi nemhaka yei muchizviratidza kwatiri musingazviratidzi kunyika.”
23
Jesu akamupindura achiti, “Kana munhu achindida anochengeta izwi rangu Baba vangu vachamuda tozobva touya kwaari toita musha wedu maari.
24
Munhu asingandidi haachengeti mazwi angu, izwi ramuri kunzwa harisi rangu asi kuti nderaBaba vakandituma.
25
“Zvinhu izvi ndazvitaura kwamuri ndichinemi.
26
Asi Murevereri uya, Mweya Mutsvene achatumwa naBaba muzita rangu, iye achakudzidzisai zvinhu zvose achikuyeuchidzai zvose zvandakataura kwamuri.
27
Ndinokusiirai rugare, ndinokupai rugare rwangu. Handikupei sokupa kunoita nyika. Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika uye ngairege kutya.
28
Mandinzwa ndichiti kwamuri ndiri kuenda, ndichauyazve kwamuri. Dai muchindida mungadai matofara kwazvo kuti ndiri kuenda kuna Baba nokuti Baba vakuru kwandiri.
29
Zvino ndakutaurirai izvi zvisati zvaitika kuti kana zvoitika mutendhe.
30
Handichataura nemi zvakawanda nokuti mutongi wapasi pano ari kuuya asi hapana chaanondiita.
31
Asi ini ndinoita zvandakaudzwa naBaba kuti pasi pazive kuti ndinoda Baba. Chisimukai tiende.”
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21